< Ruka 15 >

1 Zvino kwakaswedera kwaari vateresi nevatadzi vese, kuzomunzwa.
Now all the tax collectors and sinners were coming close to him to hear him.
2 VaFarisi nevanyori vakatsutsumwa vachiti: Uyu anogamuchira vatadzi, achidya navo.
The Pharisees and the scribes murmured, saying, “This man welcomes sinners, and eats with them.”
3 Zvino wakavaudza mufananidzo uyu, achiti:
He told them this parable:
4 Ndeupi munhu kwamuri angati ane makwai zana, kana arasikirwa nerimwe rawo, asingasii makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe murenje, akatevera rakarasika kusvikira ariwana?
“Which of you men, if you had one hundred sheep and lost one of them, wouldn’t leave the ninety-nine in the wilderness and go after the one that was lost, until he found it?
5 Uye kana ariwana, anoriisa pamafudzi ake achifara.
When he has found it, he carries it on his shoulders, rejoicing.
6 Zvino kana asvika kumusha, anodana pamwe shamwari nevavakidzani, achiti kwavari: Farai neni, nokuti ndawana gwai rangu rakange rarasika.
When he comes home, he calls together his friends and his neighbours, saying to them, ‘Rejoice with me, for I have found my sheep which was lost!’
7 Ndinoti kwamuri: Saizvozvo mufaro uchava kudenga pamusoro pemutadzi umwe anotendeuka, kupfuura pamusoro pevakarurama makumi mapfumbamwe nevapfumbamwe, vasingatsvaki kutendeuka.
I tell you that even so there will be more joy in heaven over one sinner who repents, than over ninety-nine righteous people who need no repentance.
8 Kana ndeupi mukadzi ane makobiri gumi, kana arasikirwa nekobiri rimwe, asingatungidzi mwenje, akatsvaira imba, akatsvakisisa kusvikira ariwana?
“Or what woman, if she had ten drachma coins, if she lost one drachma coin, wouldn’t light a lamp, sweep the house, and seek diligently until she found it?
9 Uye kana ariwana, anodana shamwari nevavakidzani pamwe, achiti: Farai neni, nokuti ndawana kobiri randanga ndarasikirwa naro.
When she has found it, she calls together her friends and neighbours, saying, ‘Rejoice with me, for I have found the drachma which I had lost!’
10 Saizvozvo, ndinokutaurirai, kuti mufaro uripo pamberi pevatumwa vaMwari pamusoro pemutadzi umwe anotendeuka.
Even so, I tell you, there is joy in the presence of the angels of God over one sinner repenting.”
11 Zvino wakati: Umwe munhu aiva ane vanakomana vaviri;
He said, “A certain man had two sons.
12 mudiki wavo ndokuti kuna baba: Baba, ndipei mugove wenhumbi wakanangana neni. Akavagovera nhumbi dzake.
The younger of them said to his father, ‘Father, give me my share of your property.’ So he divided his livelihood between them.
13 Pasina kupfuura mazuva mazhinji, mwanakomana mudiki wakaunganidza zvese pamwe, akasimuka akaenda kunyika iri kure; uye akaparadza ikoko nhaka yake, achirarama neunzenza.
Not many days after, the younger son gathered all of this together and travelled into a far country. There he wasted his property with riotous living.
14 Zvino wakati aparadza zvese, kwakauya nzara huru panyika iyo, iye akatanga kushaiwa.
When he had spent all of it, there arose a severe famine in that country, and he began to be in need.
15 Zvino wakaenda, akanozvibatanidza neumwe wezvizvarwa zvenyika iyo; akamutumira kuminda yake kunofudza nguruve.
He went and joined himself to one of the citizens of that country, and he sent him into his fields to feed pigs.
16 Wakange achishuva kugutsa dumbu rake nemateko nguruve adzaidya; asi hakuna munhu waimupa.
He wanted to fill his belly with the pods that the pigs ate, but no one gave him any.
17 Zvino wakati apengenuka, akati: Varikichi vazhinji sei vababa vangu vane zvingwa zvakawandisisa, asi ini ndofa nenzara.
But when he came to himself, he said, ‘How many hired servants of my father’s have bread enough to spare, and I’m dying with hunger!
18 Ndichasimuka ndiende kuna baba vangu, ndigoti kwavari: Baba, ndakatadzira kudenga, nepamberi penyu;
I will get up and go to my father, and will tell him, “Father, I have sinned against heaven and in your sight.
19 uye handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu; ndiitei seumwe wevarikichi venyu.
I am no more worthy to be called your son. Make me as one of your hired servants.”’
20 Akasimuka akaenda kuna baba vake. Asi wakati achiri kure, baba vake vakamuona, vakanzwa tsitsi, vakamhanya ndokuwira pahuro pake, nekumutsvoda.
“He arose and came to his father. But while he was still far off, his father saw him and was moved with compassion, and ran, fell on his neck, and kissed him.
21 Zvino mwanakomana akati kwavari: Baba, ndakatadzira kudenga nepamberi penyu, uye handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu.
The son said to him, ‘Father, I have sinned against heaven and in your sight. I am no longer worthy to be called your son.’
22 Asi baba vakati kuvaranda vavo: Budai nenguvo refu yakanakisisa mumupfekedze, muise mhete paruoko rwake, nemanyatera patsoka;
“But the father said to his servants, ‘Bring out the best robe and put it on him. Put a ring on his hand and sandals on his feet.
23 muuye nemhuru yakakodzwa, mubaye, uye ngatidye tifare;
Bring the fattened calf, kill it, and let’s eat and celebrate;
24 nokuti uyu mwanakomana wangu wakange afa, zvino wararamazve; wakange arasika, asi wawanikwa; zvino vakatanga kufara.
for this, my son, was dead and is alive again. He was lost and is found.’ Then they began to celebrate.
25 Zvino mwanakomana wake mukuru wakange ari kumunda; zvino wakati achisvika, oswedera paimba, akanzwa mumhanzi nekutamba.
“Now his elder son was in the field. As he came near to the house, he heard music and dancing.
26 Zvino wakadanira kwaari umwe wevaranda, akabvunza kuti izvi zvinorevei.
He called one of the servants to him and asked what was going on.
27 Zvino akati kwaari: Munin'ina wako wasvika; zvino baba vako vabaya mhuru yakakodzwa, nokuti vamugamuchira ari mutano.
He said to him, ‘Your brother has come, and your father has killed the fattened calf, because he has received him back safe and healthy.’
28 Asi wakatsamwa, akasada kupinda; naizvozvo baba vake vakabuda, vakamukumbirisa.
But he was angry and would not go in. Therefore his father came out and begged him.
29 Asi iye wakapindura akati kuna baba: Tarirai, makore mazhinji akadai ndakakubatirai, handina kutongodarika murairo wenyu, asi hamuna kutongondipa mbudzana, kuti ndifare neshamwari dzangu.
But he answered his father, ‘Behold, these many years I have served you, and I never disobeyed a commandment of yours, but you never gave me a goat, that I might celebrate with my friends.
30 Asi mangoti mwanakomana wenyu uyu wakaparadza nhumbi dzenyu nezvifeve achisvika, mamubaira mhuru yakakodzwa.
But when this your son came, who has devoured your living with prostitutes, you killed the fattened calf for him.’
31 Vakati kwaari: Mwana, iwe uneni nguva dzese, uye zvese zvangu ndezvako.
“He said to him, ‘Son, you are always with me, and all that is mine is yours.
32 Asi kwaifanira kuti kupemberwe nekufarwa, nokuti munin'ina wako uyu wakange afa, wararamazve; wakange arasika, wawanikwa.
But it was appropriate to celebrate and be glad, for this, your brother, was dead, and is alive again. He was lost, and is found.’”

< Ruka 15 >