< Johani 19 >

1 Naizvozvo ipapo Pirato wakatora Jesu, akamurova netyava. 2 Zvino mauto akaruka korona yeminzwa akaisa pamusoro wake, ndokumupfekedza nguvo ine ruvara rwehute. 3 Vakati: Hekanhi, Mambo weVaJudha! Ndokumurova nembama. 4 Naizvozvo Pirato akabudazve panze, ndokuti kwavari: Tarirai, ndinomubudisira kwamuri, kuti muzive kuti handiwani mhosva maari. 5 Naizvozvo Jesu wakabuda panze, akapfeka korona yeminzwa, nenguvo ine ruvara rwehute. Pirato ndokuti kwavari: Tarirai munhu uyu! 6 Naizvozvo vapristi vakuru nemapurisa pavakamuona, vakadanidzira vachiti: Roverera pamuchinjikwa, roverera pamuchinjikwa! Pirato akati kwavari: Mutorei imwi, muroverere pamuchinjikwa; nokuti ini handiwani mhosva kwaari. 7 VaJudha vakamupindura vakati: Isu tine murairo, uye nemurairo wedu anofanira kufa, nokuti wakazviita Mwanakomana waMwari. 8 Naizvozvo Pirato paakanzwa shoko iri, wakanyanya kutya. 9 Akapindazve mumba memutungamiriri, ndokuti kuna Jesu: Unobvepi iwe? Asi Jesu haana kumupa mhinduro. 10 Pirato akati kwaari: Hautauri neni here? Hauzivi here kuti ndine simba rekukuroverera pamuchinjikwa uye ndine simba rekukusunungura? 11 Jesu akapindura akati: Haungatongovi nesimba pamusoro pangu, dai usina kuripiwa kubva kumusoro; naizvozvo anondikumikidza kwauri ane chivi chikuru. 12 Kubva ipapo Pirato akatsvaka kumusunungura. Asi VaJudha vakadanidzira, vachiti: Kana mukasunungura uyu, hamusi shamwari yaKesari; umwe neumwe anozviita mambo, anopikisana naKesari. 13 Naizvozvo Pirato anzwa shoko iri wakabudisa Jesu panze, akagara pachigaro chekutonga, panzvimbo inonzi Pakarongwa neMabwe, asi nechiHebheru Gabhata. 14 Zvino raiva gadziriro repasika, uye raiva awa rinenge rechitanhatu; ndokuti kuVaJudha: Tarirai Mambo wenyu! 15 Asi vakadanidzira vachiti: Bvisai, bvisai, murovererei pamuchinjikwa! Pirato akati kwavari: Ndoroverera pamuchinjikwa Mambo wenyu here? Vapristi vakuru vakapindura vachiti: Hatina mambo kunze kwaKesari. 16 Naizvozvo ipapo akamukumikidza kwavari, kuti arovererwe pamuchinjikwa. Zvino vakatora Jesu vakamutinha. 17 Zvino wakatakura muchinjikwa wake akabuda akaenda kunzvimbo yainzi yeDehenya, ichinzi nechiHebheru Gorogota, 18 pavakamuroverera pamuchinjikwa nevamwe vaviri naye, parutivi neparutivi, naJesu pakati. 19 Pirato ndokunyorawo chiziviso akaisa pamuchinjikwa; chakange chakanyorwa kuti: JESU MUNAZARETA MAMBO WEVAJUDHA. 20 Naizvozvo vazhinji veVaJudha vakaverenga chiziviso ichi; nokuti nzvimbo pakange pakarovererwa Jesu pamuchinjikwa yaiva pedo neguta; uye pakange pakanyorwa nechiHebheru, nechiGiriki, nechiRoma. 21 Naizvozvo vapristi vakuru veVaJudha vakati kuna Pirato: Musanyora muchiti: Mambo weVaJudha; asi kuti uyo wakati: Ndiri mambo weVaJudha. 22 Pirato akapindura akati: Zvandanyora, ndanyora. 23 Naizvozvo mauto akati aroverera Jesu pamuchinjikwa, akatora nguvo dzake, akaita migove mina, kumuuto umwe neumwe mugove; neshatiwo; asi shati iyi yakange isina musono, yakange yakarukwa yese kubva kumusoro. 24 Naizvozvo vakataurirana vachiti: Ngatirege kuibvarura, asi tiikandire mijenya, kuti ichava yaani; kuti rugwaro ruzadziswe rwunoti: Vakagovana nguvo dzangu pakati pavo, vakakandawo mujenya pamusoro pechekupfeka changu. Naizvozvo mauto akaita zvinhu izvi. 25 Zvino pamuchinjikwa waJesu pakange pamire mai vake, nemunin'ina wamai vake, Maria mukadzi waKiropasi, naMaria Magidharini. 26 Naizvozvo Jesu wakati achiona mai vake, nemudzidzi waaida amirepo, akati kuna mai vake: Mukadzi, tarira mwanakomana wako. 27 Shure kweizvozvo wakati kumudzidzi: Tarira mai vako. Zvino kubva paawa iro mudzidzi wakavatora akavaisa kumba kwake. 28 Shure kwaizvozvi, Jesu achiziva kuti zvinhu zvese zvatopedzwa, kuti rugwaro rwuzadziswe, akati: Ndine nyota. 29 Zvino pakange pakagadzikwa hari izere nevhiniga; zvino vakazadza chipanje nevhiniga vakaisa parutanda rwehisopi, vakaisa kumuromo wake. 30 Naizvozvo Jesu agamuchira vhiniga, wakati: Zvapedzwa! Akakotamisa musoro, akapa mweya wake. 31 Naizvozvo VaJudha nokuti rakange riri gadziriro, kuti mitumbi isagara pamuchinjikwa nesabata (nokuti zuva resabata iro raiva guru), vakakumbira Pirato kuti makumbo avo avhuniwe, uye vabviswe. 32 Naizvozvo mauto akauya, akavhuna makumbo ewekutanga, neeumwe wakange arovererwa pamuchinjikwa pamwe naye; 33 asi vasvika kuna Jesu, pavakaona kuti watofa, havana kuvhuna makumbo ake; 34 asi umwe wemauto wakabaya rutivi rwake nepfumo, pakarepo kukabuda ropa nemvura. 35 Uye iye wakaona wakapupura, uye kupupura kwake ichokwadi; uye iye anoziva kuti anoreva chokwadi, kuti imwi mutende. 36 Nokuti zvinhu izvi zvakaitwa kuti rugwaro rwuzadziswe rwunoti: Fupa rake haringavhunwi. 37 Uyezve rumwe rugwaro rwunoti: Vachamutarira wavakabvovora. 38 Shure kweizvozvi Josefa weArimatia, ari mudzidzi waJesu, asi pachivande nekutya VaJudha, wakakumbira kuna Pirato kuti abvise mutumbi waJesu. Zvino Pirato akamutendera. Naizvozvo akauya akabvisa mutumbi waJesu. 39 Kwakauyawo Nikodhimo, wakauya pakutanga kuna Jesu usiku, akatakura musanganiswa wemura nearosi mapaundi anenge zana. 40 Ipapo vakatora mutumbi waJesu, vakamuputira nemicheka yerineni nezvinonhuhwira, seyaiva tsika yeVaJudha yekuviga. 41 Zvino panzvimbo iyo paakarovererwa pamuchinjikwa pakange pane bindu, uye mubindu mune guva idzva, makange musina kumboradzikwa munhu. 42 Naizvozvo vakaradzika Jesu ipapo nekuda kwegadziriro yeVaJudha, nokuti guva rakange riri pedo.

< Johani 19 >