< VaHebheru 9 >

1 Naizvozvowo zvirokwazvo sungano yekutanga yakange ine zviga zvekushumira Mwari, nenzvimbo tsvene yenyika. 2 Nokuti tabhenakeri yakagadzirwa, yekutanga maiva nechigadziko chemwenje netafura nezvingwa zvekuratidza, ndiyo inonzi nzvimbo tsvene. 3 Zvino seri kwevheiri rechipiri kwakange kune tabhenakeri yainzi nzvimbo tsvene yedzitsvene, 4 yakange ine mudziyo wegoridhe wezvipfungaidzo zvinonhuhwira, neareka yesungano yakange yakanamwa nhivi dzese negoridhe, maiva nehari yegoridhe yakange ine mana, netsvimbo yaAroni yakatunga, nemaheandefa esungano; 5 nepamusoro payo makerubhi ekubwinya, akadzikatira nzvimbo yetsitsi; zvatisingarondedzeri tichiita chimwe chimwe ikozvino. 6 Zvinhu izvi zvakati zvagadzirwa saizvozvo, vapristi vaipinda nguva dzese mutabhenakeri yekutanga, vachipedzeredza mabasa ekushumira Mwari; 7 asi kune yechipiri mupristi mukuru waipinda ari ega kamwe pagore, kwete asina ropa, raaizvibairira iye pachake nezvitadzo zvevanhu; 8 Mweya Mutsvene achiratidza ichi, kuti nzira yenzvimbo tsvene yakange isati yataridzwa, tabhenakeri yekutanga ichimire; 9 yakange iri mufananidzo wenguva iyoyo, paibairwa zvese zvipo nezvibairo, zvisingagoni kupedzeredza maererano nehana iye anoshumira; 10 zvinongova zvekudya nezvinwiwa nekushamba kwakasiyana-siyana nezviga zvenyama, zvakaiswa pamusoro pavo kusvikira panguva yekururamisa. 11 Asi Kristu wakati asvika ari mupristi mukuru wezvinhu zvakanaka zvinozouya, kubudikidza netabhenakeri yakapfuura pakukura nepakuperedzerwa, isina kuitwa nemaoko, ndiko kuti isati iri yekusikwa kuno, 12 uye kwete neropa rembudzi nemhuru, asi neropa rake pachake wakapinda kamwe panzvimbo tsvene, awana rudzikunuro rwusingaperi. (aiōnios g166) 13 Nokuti kana ropa renzombe nerembudzi, nemadota etsiru zvichisasa pavakasvibiswa, zvichivaita vatsvene kusvika pakuchenurwa panyama, 14 zvikuru sei ropa raKristu, iye kubudikidza neMweya wekusingaperi wakazvibaira kuna Mwari asina gwapa, richanatsa hana dzenyu pamabasa akafa, pakushumira Mwari mupenyu? (aiōnios g166) 15 Uye nemhaka iyi ndiye murevereri wesungano itsva, kuti sezvo rufu rwakasvika pakudzikunurwa kwekudarika pasungano yekutanga, avo vakadanwa vagogamuchira chivimbiso chenhaka isingaperi. (aiōnios g166) 16 Nokuti pane rugwaro rwenhaka, panofanira kukumikidzwa rufu rwaiye wakaita rugwaro rwenhaka. 17 Nokuti rugwaro rwenhaka rwune simba kune vakafa, sezvo rwusingatongovi nesimba kana wakaita rugwaro rwenhaka achiri mupenyu. 18 Naizvozvo kunyange yekutanga haina kugadzwa pasina ropa. 19 Nokuti zviga zvese zvakati zvataurwa kuvanhu vese naMozisi zvichienderana nemurairo, wakatora ropa remhuru nembudzi, pamwe nemvura nemakushe matsvuku, nehisopi, akasasa zvese bhuku pacharo nevanhu vese, 20 achiti: Iri iropa resungano Mwari yaakakurairai. 21 Saizvozvowo wakasasa neropa zvese tabhenakeri nemidziyo yese yekushumira. 22 Zvino zvinhu zvinenge zvese maererano nemurairo zvinonatswa neropa, uye pasina kuteurwa kweropa hapana kanganwiro. 23 Naizvozvo zvakafanira kuti mifananidzo yezvinhu zviri kumatenga inatswe nezvizvi, asi zvinhu zvekudenga pachazvo zvinatswe nezvibairo zvakanaka kupfuura izvi. 24 Nokuti Kristu haana kupinda panzvimbo tsvene yakaitwa nemaoko, iri mifananidzo yezvechokwadi, asi wakapinda kudenga pachake, kuti ikozvino aonekerwe isu pachiso chaMwari; 25 uye kwete kuti azvibaire kazhinji, semupristi mukuru anopinda panzvimbo tsvene gore rimwe nerimwe neropa rezvimwe; 26 dai zvakange zvakadaro, waifanira kutambura kazhinji kubva pakuvambwa kwenyika; asi ikozvino wakaonekwa kamwe pakupedzisira kwenguva kuti abvise chivi kubudikidza nechibairo chake amene. (aiōn g165) 27 Uye sezvazvakatemerwa vanhu kuti vafe kamwe, uye shure kwezvizvi kutongwa; 28 saizvozvowo Kristu, abairwa kamwe kuti atakure zvivi zvevazvinji, achazoonekwa rwechipiri asina chivi neavo vanomutarira, rwuve ruponeso.

< VaHebheru 9 >