< Mabasa 23 >

1 Zvino Pauro wakati achitarisisa dare remakurukota akati: Varume hama, ini ndakafamba pamberi paMwari nehana yese yakanaka, kusvikira zuva rino. 2 Asi mupristi mukuru Ananiasi wakaraira vakange vamire naye kuti vamurove muromo. 3 Ipapo Pauro akati kwaari: Mwari achakurova, madziro akadzudzurwa akacheneswa; nokuti iwe ugere kuti unditonge maererano nemurairo, zvino unoraira kuti ndirohwe zvinopesana nemurairo here? 4 Zvino vakange vamirepo vakati: Unotuka mupristi mukuru waMwari here? 5 Pauro ndokuti: Ndanga ndisingazivi, hama, kuti mupristi mukuru; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Usataura zvakaipa pamusoro pemutungamiriri wevanhu vekwako. 6 Zvino Pauro wakati aziva kuti rimwe divi ndereVaSadhusi uye rimwe ndereVaFarisi, akadanidzira kudare remakurukota, akati: Varume hama, ini ndiri muFarisi, mwanakomana wemuFarisi; ini ndinotongwa pamusoro petariro nekumuka kwevakafa. 7 Wakati areva izvi, kupesana kukauya pakati peVaFarisi neVaSadhusi, chaunga ndokukamukana. 8 Nokuti VaSadhusi vanoti hakuna kumuka, kana mutumwa, kana mweya; asi VaFarisi vanobvuma zviri zviviri. 9 Zvino mhere-mhere huru ikamuka; vanyori vekudivi reVaFarisi vakasimuka vachipikisa zvikuru vachiti: Hatiwani chinhu chakaipa kumunhu uyu; asi kana mweya akataura naye kana mutumwa, hatingarwisani naMwari. 10 Zvino kupesana kukuru kwakati kwauya, mukuru wechuru akatya kuti Pauro angabvamburwa navo, akaraira mauto kuti aburuke amubvute pakati pavo, amuise kuimba yemauto. 11 Zvino usiku hwakatevera Ishe wakamira naye akati: Tsunga moyo Pauro; nokuti sezvawakapupura zvinhu maererano neni paJerusarema, saizvozvo zvakafanirawo kuti upupure kuRoma. 12 Zvino kwakati kwaedza, vamwe veVaJudha vakaita rangano, vakazvisunga nemhiko, vachiti havangadyi kana kunwa kusvikira vauraya Pauro. 13 Zvino vaipfuura makumi mana vakange vaita mhiko iyi pamwe chete; 14 ava vakaenda kuvapristi vakuru nevakuru vakati: Tazvisunga nemhiko huru, kuti hatidyi chinhu kusvikira tauraya Pauro. 15 Naizvozvo ikozvino imwi nedare remakurukota taridzai kumukuru wechuru, kuti amuburusire kwamuri mangwana, sezvinonzi munoda kunyatsobvunzisisa zviri maererano naye; asi isu asati aswedera, tazvigadzira kumuuraya. 16 Zvino mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akanzwa zvekuvandira, akauya akapinda mumba memauto, akaudza Pauro. 17 Pauro ndokudanira kwaari umwe wevakuru vezana akati: Isa jaya iri kumukuru wechuru; nokuti rine chekutaura kwaari. 18 Zvino ndokumutora, akamuuisa kumukuru wechuru, ndokuti: Pauro musungwa wandidanira kwaari akakumbira kuti ndiuise jaya iri kwamuri, rine chekutaura kwamuri. 19 Mukuru wechuru akabata ruoko rwaro, akaenda naro parutivi vari vega, akabvunza akati: Chii chaunacho chekundiudza? 20 Iye akati: VaJudha vatenderana kukukumbirai, kuti muburusire Pauro kudare remakurukota mangwana, sevanoda kunyatsobvunzisisa chimwe chinhu maererano naye. 21 Naizvozvo imwi musatendeswa navo; nokuti vakamuvandira pakati pavo varume vanopfuura makumi mana, vakazvisunga nemhiko kuti havangadyi kana kunwa kusvikira vamuuraya; zvino ikozvino vakagadzirira vachimirira chivimbiso kubva kwamuri. 22 Naizvozvo mukuru wechuru wakaregera jaya richienda, ariraira achiti: Usaudza munhu kuti wandizivisa zvinhu izvi. 23 Zvino akadanira kwaari vamwe vaviri vevakuru vezana, akati: Gadzirirai mauto mazana maviri kuti afambe kusvikira Kesariya, nevatasvi vemabhiza makumi manomwe, nevemapfumo mazana maviri, kubva paawa rechitatu reusiku; 24 muvawanisewo zvipfuwo, kuti vatasvise Pauro vamuise akachengeteka kumutungamiriri Ferikisi; 25 akanyora tsamba yakatakura zvemukati izvi: 26 Kiraudhio Risia kuna Ferikisi mutungamiriri changamire, kwaziwai. 27 Uyu murume wakabatwa neVaJudha, uye angadai akaurawa navo, ndikasvika nemauto ndikamununura, ndanzwa kuti muRoma. 28 Zvino ndakati ndichida kuziva chikonzero chavaimupomera nacho, ndikamuburusira kudare ravo remakurukota; 29 ndikawana achipomerwa pamusoro pemashoko emurairo wavo, asi asingapomerwi chinhu chingafanira rufu kana zvisungo. 30 Zvino ndakati ndaziviswa kuti kwakange koda kuva nekuvandirwa kwemurume uyu neVaJudha, ndikamutumira kwamuri pakarepo, ndikarairawo vanomumhan'arira kuti vataure pamberi penyu zvavanopesana naye. Chisarai. 31 Zvino mauto, sezvaakarairwa akatora Pauro, akamuisa kuAntipatiri neusiku. 32 Zvino chifume, vakarega vatasvi vemabhiza kuti vaende naye, vakadzokera kuimba yemauto; 33 ivo vakati vasvika kuKesariya, vakakumikidza tsamba kumutungamiriri, vakaisawo Pauro pamberi pake. 34 Zvino mutungamiriri wakati averenga, akabvunza kuti ndewedunhu ripi; zvino aziva kuti ndeweKirikia, 35 akati: Ndichakunzwa, kana vanokupomera mhosva vasvikawo; akaraira kuti achengetwe mumba maHerodhe mekutongera.

< Mabasa 23 >