< Mabasa 20 >

1 Shure kwekuguma kwemhirizhonga, Pauro akadanira kwaari vadzidzi, akavambundikira, akabuda kuti aende kuMakedhonia.
After the uproar had ceased, Paul sent for the disciples, took leave of them, and departed to go into Macedonia.
2 Zvino wakati agura nemativi iwawo, avakurudzira nemashoko mazhinji, akasvika kuGirisi,
When he had gone through those parts and had encouraged them with many words, he came into Greece.
3 akati agara mwedzi mitatu, rangano yaitwa neVaJudha pamusoro pake, ava kuda kuenda kuSiriya nechikepe, akazvipira kudzokera nemuMakedhonia.
When he had spent three months there, and a plot was made against him by Jews as he was about to set sail for Syria, he determined to return through Macedonia.
4 Zvino Sopatro weBheriya wakamuperekedza kusvika kuAsia, neveVaTesaronika, Arisitako naSekundo, naGayo weDhebhe, naTimotio, uye Tikiko naTrofimo VaAsia.
These accompanied him as far as Asia: Sopater of Beroea, Aristarchus and Secundus of the Thessalonians, Gaius of Derbe, Timothy, and Tychicus and Trophimus of Asia.
5 Ava vakatungamira vakatimirira paTroasi.
But these had gone ahead, and were waiting for us at Troas.
6 Asi isu takabva Firipi nechikepe mushure memazuva ezvingwa zvisina mbiriso, zvino takasvika kwavari paTroasi mumazuva mashanu, patakagara mazuva manomwe.
We sailed away from Philippi after the days of Unleavened Bread, and came to them at Troas in five days, where we stayed seven days.
7 Zvino nemusi wekutanga wevhiki, vadzidzi vakaungana kumedura chingwa, Pauro akaparidza kwavari, achida kubva chifume, akaredzva nhaurwa kusvikira pakati peusiku.
On the first day of the week, when the disciples were gathered together to break bread, Paul talked with them, intending to depart on the next day; and continued his speech until midnight.
8 Zvino kwakange kune mwenje mizhinji mukamuri yekumusoro mavakange vakaungana.
There were many lights in the upper room where we were gathered together.
9 Zvino pahwindo pakange pagere rimwe jaya rainzi Yutikosi, rikabatwa nehope kwazvo, Pauro wakati achiparidza nguva refu, iro rikakundwa nehope, rikawira pasi, kubva panhurikwa yechitatu, ndokunongwa rafa.
A certain young man named Eutychus sat in the window, weighed down with deep sleep. As Paul spoke still longer, being weighed down by his sleep, he fell down from the third floor and was taken up dead.
10 Zvino Pauro akaburuka akazviwisira pamusoro paro, akarimbundikira akati: Musazvinetsa; nokuti mweya waro uri mariri.
Paul went down and fell upon him, and embracing him said, “Don’t be troubled, for his life is in him.”
11 Wakati akwirazve ndokumedura chingwa ndokudya, akataura navo nguva refu kusvikira kuchiedza, saizvozvo wakaenda.
When he had gone up, had broken bread and eaten, and had talked with them a long while, even until break of day, he departed.
12 Zvino vakauya nemukomana ari mupenyu, vakanyaradzwa zvisati zviri zvishoma.
They brought the boy in alive, and were greatly comforted.
13 Asi isu, takatungamira kuchikepe, tikaenda nechikepe kuAso, takananga kukwidza Pauro ipapo; nokuti wakange aronga saizvozvo, iye achitarisira kufamba netsoka.
But we, going ahead to the ship, set sail for Assos, intending to take Paul aboard there; for he had so arranged, intending himself to go by land.
14 Zvino wakati asangana nesu paAso, tikamukwidza tikasvika kuMitirene,
When he met us at Assos, we took him aboard and came to Mitylene.
15 tikabva ipapo nechikepe, chifume tikasvika pakatarisana neKiyo; chifume tikasvika paSamo; ndokugara paTrogiriamu, chifume tikasvika Mireto.
Sailing from there, we came the following day opposite Chios. The next day we touched at Samos and stayed at Trogyllium, and the day after we came to Miletus.
16 Nokuti Pauro wakange akazvipira kupfuura Efeso nechikepe, kuti asapedza nguva paAsia; nokuti waimhanya, kana zvichibvira kwaari, ave paJerusarema nezuva rePendekosita.
For Paul had determined to sail past Ephesus, that he might not have to spend time in Asia; for he was hastening, if it were possible for him, to be in Jerusalem on the day of Shavu`ot.
17 Zvino ari paMireto wakatumira kuEfeso akadanira vakuru vekereke kwaari.
From Miletus he sent to Ephesus and called to himself the elders of the assembly.
18 Zvino vakati vasvika kwaari, akati kwavari: Imwi munoziva kubva pazuva rekutanga randakasvika muAsia, kuti ndakava nemwi sei nguva dzese,
When they had come to him, he said to them, “You yourselves know, from the first day that I set foot in Asia, how I was with you all the time,
19 ndichibatira Ishe nekuzvininipisa kwese uye nemisodzi mizhinji, nemiedzo yakandiwira nerangano dzeVaJudha;
serving the Lord with all humility, with many tears, and with trials which happened to me by the plots of the Jews;
20 kuti handina sei kuvanza zvezvingabatsira, kusakuparidzirai nekukudzidzisai pachena uye muimba neimba,
how I didn’t shrink from declaring to you anything that was profitable, teaching you publicly and from house to house,
21 ndichipupura zvese kuVaJudha nekuVaGiriki kutendeukira kuna Mwari, nerutendo kuna Ishe wedu Jesu Kristu.
testifying both to Jews and to Greeks repentance towards God and faith towards our Lord Yeshua.
22 Zvino ikozvino tarirai, ini ndinoenda kuJerusarema ndakasungwa neMweya, ndisingazivi zvichandiwira mariri,
Now, behold, I go bound by the Spirit to Jerusalem, not knowing what will happen to me there;
23 kunze kwekuti Mweya Mutsvene anopupura muguta rimwe nerimwe achiti zvisungo nenhamo zvakandigarira.
except that the Holy Spirit testifies in every city, saying that bonds and afflictions wait for me.
24 Asi handirangariri chinhu pane izvi, uye handiverengeri upenyu hwangu kuti chinhu chinokosha kwandiri kuti ndipedze rwendo rwangu nemufaro nebasa randakagamuchira kuna Ishe Jesu rekupupura evhangeri yenyasha dzaMwari.
But these things don’t count; nor do I hold my life dear to myself, so that I may finish my race with joy, and the ministry which I received from the Lord Yeshua, to fully testify to the Good News of the grace of God.
25 Zvino ikozvino tarirai, ini ndinoziva kuti imwi mese, vandakafamba pakati penyu ndichiparidza ushe hwaMwari, hamuchazooni chiso changu.
“Now, behold, I know that you all, amongst whom I went about proclaiming God’s Kingdom, will see my face no more.
26 Naizvozvo ndinopupura kwamuri nezuva ranhasi, kuti ini ndakachena paropa revese;
Therefore I testify to you today that I am clean from the blood of all men,
27 nokuti handina kuvanza kwekusakuparidzirai zano rese raMwari.
for I didn’t shrink from declaring to you the whole counsel of God.
28 Naizvozvo zvichenjererei imwi, neboka rese Mweya Mutsvene paakakugadzai vatariri pamusoro paro, kuti mufudze kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake amene.
Take heed, therefore, to yourselves and to all the flock, in which the Holy Spirit has made you overseers, to shepherd the assembly of the Lord and God which he purchased with his own blood.
29 Nokuti ini ndinoziva izvi, kuti shure kwekuenda kwangu mapumhi anorura achapinda pakati penyu, asingaregi boka;
For I know that after my departure, vicious wolves will enter in amongst you, not sparing the flock.
30 uye kubva pamuri imwi momene pachamuka varume vachataura zvinhu zvinotsausa, kuti vakwezve vadzidzi vavatevere.
Men will arise from amongst your own selves, speaking perverse things, to draw away the disciples after them.
31 Naizvozvo rindai, murangarire kuti kwemakore matatu handina kuguma siku nesikati kuyambira umwe neumwe nemisodzi.
Therefore watch, remembering that for a period of three years I didn’t cease to admonish everyone night and day with tears.
32 Uye ikozvino hama, ndinokukumikidzai kuna Mwari nekushoko renyasha dzake, iye anogona kukuvakai, nekukupai nhaka pakati pevese vakaitwa vatsvene.
Now, brothers, I entrust you to God and to the word of his grace, which is able to build up and to give you the inheritance amongst all those who are sanctified.
33 Handina kuchiva sirivheri kana goridhe kana nguvo yemunhu.
I coveted no one’s silver, gold, or clothing.
34 Imwiwo momene munoziva kuti maoko awa akabatira kushaiwa kwangu nekwevaiva neni.
You yourselves know that these hands served my necessities, and those who were with me.
35 Pazvinhu zvese ndakakuratidzai, kuti muchibata saizvozvi munofanira kubatsira vane utera, nekurangarira mashoko aIshe Jesu, kuti iye wakati: Kwakaropafadzwa kupa kupfuura kugamuchira.
In all things I gave you an example, that so labouring you ought to help the weak, and to remember the words of the Lord Yeshua, that he himself said, ‘It is more blessed to give than to receive.’”
36 Zvino wakati ataura zvinhu izvi, akafugama, akanyengetera navo vese.
When he had spoken these things, he knelt down and prayed with them all.
37 Kukava nekuchema kwavo vese kukuru; vakawira pamutsipa waPauro vakamutsvoda,
They all wept freely, and fell on Paul’s neck and kissed him,
38 vachishungurudzika zvikuru neshoko raakataura, kuti havachazooni chiso chake. Zvino vakamuperekedza kuchikepe.
sorrowing most of all because of the word which he had spoken, that they should see his face no more. Then they accompanied him to the ship.

< Mabasa 20 >