< 2 VaKorinde 6 >

1 Zvino tinobata pamwe naye, nesu tinokumbira zvikuru kuti musagamuchira nyasha dzaMwari pasina;
Помагаючи ж (Йому), благаємо вас, щоб ви марно благодать Божу не приймали.
2 nokuti anoti: Nenguva yakafanira ndakakunzwa, uye nepazuva reruponeso ndakakubatsira; tarira, ikozvino inguva yakafanira; tarira, ikozvino izuva reruponeso.
(Бо глаголе: Приятного часу вислухав я тебе, і в день спасення поміг тобі. Ось тепер пора приятна, ось тепер день спасення.)
3 Hatigumbusi kunyange pachinhu, kuti shumiro irege kumhurwa;
Ніякого нї в чому не даємо спотикання, щоб не було ганене служеннє,
4 asi pazvese tinozviratidza sevashumiri vaMwari, pakutsungirira kuzhinji, pamatambudziko, pakuomerwa, pakudzvinyirirwa,
а у всьому показуючи себе яко слуг Божих: у великому терпінню, в горю, в нуждах, в тіснотах,
5 pakurohwa, pakusungwa, pamabongozozo, pamabasa anorema, pakusarara, pakutsanya,
в ранах, в темницях, в бучах, у працях, у недосипаннях, у постах,
6 pakuchena, paruzivo, pamoyo murefu, paunyoro, paMweya Mutsvene, parudo rusinganyepedzeri,
в чистоті, в знанню, в довготерпінню, в добрості, в сьвятому Дусї, в любові нелицемірній,
7 pashoko rechokwadi, pasimba raMwari, pazvombo zvekururama kurudyi nekuruboshwe,
в словах правди, в силї Божій, із зброєю праведности в правій і лївій,
8 nekukudzwa uye kuzvidzwa, nekureverwa zvakaipa uye kureverwa zvakanaka; sevanyepedzeri, tiri vechokwadiwo;
славою і безчестєм, ганьбою і хвалою; яко дуросьвіти, та правдиві;
9 sevasingazikanwi, tichizikanwawo zvikuru; sevanofa, tarirawo, tinorarama; sevanorohwa, tisingaurawiwo;
яко незнані, та познані; яко вмираючі, і ось ми живі; яко карані, та не повбивані;
10 sevakasuruvadzwa, asi tichifara nguva dzese; sevarombo, asi tichifumisa vazhinji; sevasina chinhu, asi tine zvese.
яко сумні, а завсїди веселі, яко вбогі, многих же збогачуючі; яко нічого немаючі, а все держучи.
11 VeKorinde, muromo wedu wakashamira imwi, moyo wedu wakuriswa.
Уста наші відкрились до вас, Коринтяне, - серця, наші розпросторились.
12 Hamudzvinyidzirwi matiri, asi munodzvinyidzirwa muvura hwenyu.
Не стіснені ви в нас, а тїснитесь в утробах ваших.
13 Zvino pakutsiva kwakadaro (ndinotaura sekune vana vangu), imwiwo kuriswai.
Такою ж нагородою (кажу вам, як дїтям) розпросторітесь і ви.
14 Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe nevasingatendi; nokuti kururama kungava nekudyidzana kwei nekusarurama? Chiedza chingadyidzana sei nerima?
Не ходіть у жадному ярмі з невірними, яке бо товаришуваннє праведности і беззаконня, і яка спільність сьвітла з темрявою?
15 Uye Kristu ane kunzwana kwei naBeriari? Kana anotenda angava nemugove wei neasingatendi?
Яка ж згода в Христа з Велиялом? або яка часть вірному з невірним?
16 Netembere yaMwari ine kutenderana kupi nezvifananidzo? Nokuti imwi muri tembere yaMwari mupenyu, Mwari sezvaakareva kuti: Ndichagara mavari, uye ndichafamba pakati pavo; ndichavawo Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.
І яка згода церкви Божої з ідолською? бо ви церква Бога живого, яко ж рече Бог: вселю ся в них, і ходити му; і буду їм Бог, а вони будуть менї люде.
17 Naizvozvo budai pakati pavo mutsaurwe, anoreva Ishe, uye musabata chakasviba; iniwo ndichakugamuchirai.
Тимже вийдіть із між них, і відлучіть ся, глаголе Господь, і до нечистого не приторкайтесь; і я прийму вас,
18 Uye ndichava Baba kwamuri, nemwi muchava vanakomana nevanasikana kwandiri, anoreva Ishe Wemasimbaose.
і буду вам за отця, а ви будете менї за синів і дочок, глаголе Господь Вседержитель.

< 2 VaKorinde 6 >