< 1 Johani 5 >

1 Ani nani anotenda kuti Jesu ndiye Kristu, wakaberekwa kubva kuna Mwari; uye ani nani anoda uyo wakabereka anodawo wakaberekwa kubva kwaari.
Whoever believes that Jesus is the Christ has been born of God. Whoever loves the Father also loves the child who is born of him.
2 Pane izvi tinoziva kuti tinoda vana vaMwari, kana tichida Mwari, uye tichichengeta mirairo yake.
By this we know that we love the children of God, when we love God and keep his commandments.
3 Nokuti urwu rudo rwaMwari, kuti tichengete mirairo yake; uye mirairo yake hairemi.
For this is loving God, that we keep his commandments. His commandments are not grievous.
4 Nokuti chipi nechipi chakaberekwa kubva kuna Mwari chinokunda nyika; uye uku ndiko kukunda kunokunda nyika, irwo rutendo rwedu.
For whatever is born of God overcomes the world. This is the victory that has overcome the world: your faith.
5 Ndiani anokunda nyika, kana asiri iye anotenda kuti Jesu Mwanakomana waMwari?
Who is he who overcomes the world, but he who believes that Jesus is the Son of God?
6 Uyu ndiye wakauya nemvura neropa, iye Jesu Kristu; kwete nemvura yega, asi nemvura neropa. Zvino Mweya ndiye anopupura, nokuti Mweya ichokwadi.
This is he who came by water and blood, Jesus Christ; not with the water only, but with the water and the blood. It is the Spirit who testifies, because the Spirit is the truth.
7 Nokuti kune vatatu vanopupura kudenga, Baba, Shoko, naMweya Mutsvene; uye ava vatatu ndimumwe.
For there are three who testify:
8 Uye kune vatatu vanopupura panyika, Mweya, nemvura, neropa, uye ava vatatu vanonova chimwe.
the Spirit, the water, and the blood; and the three agree as one.
9 Kana tichigamuchira uchapupu hwevanhu, uchapupu hwaMwari hwakapfuura kukura; nokuti uhu uchapupu hwaMwari, hwaakapupura pamusoro peMwanakomana wake.
If we receive the witness of men, the witness of God is greater; for this is God’s testimony which he has testified concerning his Son.
10 Uyo anotenda kuMwanakomana waMwari ane uchapupu maari pachake; asingatendi Mwari wakamuita murevi wenhema, nokuti haana kutenda uchapupu Mwari hwaakapupura maererano neMwanakomana wake.
He who believes in the Son of God has the testimony in himself. He who doesn’t believe God has made him a liar, because he has not believed in the testimony that God has given concerning his Son.
11 Uye uhu ndihwo uchapupu, kuti Mwari wakatipa upenyu husingaperi; zvino upenyu uhu huri muMwanakomana wake. (aiōnios g166)
The testimony is this: that God gave to us eternal life, and this life is in his Son. (aiōnios g166)
12 Uyo ane Mwanakomana ane upenyu; uyo asina Mwanakomana waMwari haana upenyu.
He who has the Son has the life. He who doesn’t have God’s Son doesn’t have the life.
13 Zvinhu izvi ndazvinyora kwamuri imwi munotenda kuzita reMwanakomana waMwari, kuti muzive kuti mune upenyu husingaperi, uye kuti mutende kuzita reMwanakomana waMwari. (aiōnios g166)
These things I have written to you who believe in the name of the Son of God, that you may know that you have eternal life, and that you may continue to believe in the name of the Son of God. (aiōnios g166)
14 Uye uhu ndihwo ushingi hwatinahwo maari, kuti kana tichikumbira chinhu zvinoenderana nekuda kwake, anotinzwa;
This is the boldness which we have toward him, that if we ask anything according to his will, he listens to us.
15 zvino kana tichiziva kuti anotinzwa, zvese zvatinokumbira, tinoziva kuti tine zvichemo zvatakakumbira kwaari.
And if we know that he listens to us, whatever we ask, we know that we have the petitions which we have asked of him.
16 Kana umwe achiona hama yake ichitadza chivi chisiri cherufu, achakumbira, uye achamupa upenyu kune vasingatadzi chivi cherufu. Chiripo chivi cherufu; handisi kuti akumbire pamusoro pechichi.
If anyone sees his brother sinning a sin not leading to death, he shall ask, and God will give him life for those who sin not leading to death. There is sin leading to death. I don’t say that he should make a request concerning this.
17 Kusarurama kwese chivi; uye chivi chiripo chisiri cherufu.
All unrighteousness is sin, and there is sin not leading to death.
18 Tinoziva kuti ani nani wakaberekwa kubva kuna Mwari haatadzi; asi uyo wakaberekwa kubva kuna Mwari anozvichengeta, uye wakaipa haamubati.
We know that whoever is born of God doesn’t sin, but he who was born of God keeps himself, and the evil one doesn’t touch him.
19 Tinoziva kuti tiri vanobva kuna Mwari, nenyika yese irere muzvakaipa.
We know that we are of God, and the whole world lies in the power of the evil one.
20 Uye tinoziva kuti Mwanakomana waMwari wakauya, akatipa kunzwisisa kuti tizive iye wechokwadi; nesu tiri mune wechokwadi, muMwanakomana wake Jesu Kristu. Uyu ndiye Mwari wechokwadi, neupenyu husingaperi. (aiōnios g166)
We know that the Son of God has come and has given us an understanding, that we know him who is true; and we are in him who is true, in his Son Jesus Christ. This is the true God and eternal life. (aiōnios g166)
21 Vana vadiki, zvichengetedzei pazvifananidzo. Ameni.
Little children, keep yourselves from idols.

< 1 Johani 5 >