< Zekaria 8 >

1 Shoko raJehovha Wamasimba Ose rakasvikazve kwandiri richiti:
万军之耶和华的话临到我说:
2 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Ndine godo kwazvo pamusoro peZioni; ndiri kutsva negodo pamusoro paro.”
“万军之耶和华如此说:我为锡安心里极其火热,我为她火热,向她的仇敌发烈怒。
3 Zvanzi naJehovha: “Ndichadzokera kuZioni uye ndichagara muJerusarema. Ipapo Jerusarema richanzi Guta reZvokwadi, uye gomo raJehovha Wamasimba Ose richanzi Gomo Dzvene.”
耶和华如此说:我现在回到锡安,要住在耶路撒冷中。耶路撒冷必称为诚实的城,万军之耶和华的山必称为圣山。
4 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Varume navakadzi vakwegura vachagarazve mumigwagwa yeJerusarema, mumwe nomumwe aine mudonzvo muruoko nokuda kwokukwegura kwake.
万军之耶和华如此说:将来必有年老的男女坐在耶路撒冷街上,因为年纪老迈就手拿拐杖。
5 Migwagwa yeguta ichazara navakomana navasikana vanotambamo.”
城中街上必满有男孩女孩玩耍。
6 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Zvingaita sezvinoshamisa kuna vakasara vavanhu ava panguva iyoyo, asi zvichaita sezvinoshamisa here kwandiri?” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
万军之耶和华如此说:到那日,这事在余剩的民眼中看为希奇,在我眼中也看为希奇吗?这是万军之耶和华说的。
7 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Ndichaponesa vanhu vangu kubva kunyika dzokumabvazuva nedzokumavirira.
万军之耶和华如此说:我要从东方从西方救回我的民。
8 Ndichavadzosazve kuti vazogara muJerusarema; vachava vanhu vangu, uye ndichava akatendeka uye akarurama kwavari saMwari wavo.”
我要领他们来,使他们住在耶路撒冷中。他们要作我的子民,我要作他们的 神,都凭诚实和公义。”
9 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Imi munonzwa mashoko aya iye zvino, akataurwa navaprofita vaivapo nheyo dzemba yaJehovha Wamasimba Ose padzakateyiwa, maoko enyu ngaasimbe kuti temberi igovakwa.
万军之耶和华如此说:“当建造万军之耶和华的殿,立根基之日的先知所说的话,现在你们听见,应当手里强壮。
10 Nguva iyoyo isati yasvika kwakanga kusina munhu aishandira mubayiro kana chipfuwo. Hapana aienda kundoita basa rake norugare nokuda kwomuvengi wake, nokuti ndakanga ndarwisanisa munhu wose nomuvakidzani wake.
那日以先,人得不着雇价,牲畜也是如此;且因敌人的缘故,出入之人不得平安,乃因我使众人互相攻击。
11 Asi zvino handichazoitiri vanhu ava vakasara sezvandakaita pamazuva akare,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
但如今,我待这余剩的民必不像从前。这是万军之耶和华说的。
12 “Mbeu ichakura zvakanaka, muzambiringa uchabereka zvibereko zvawo, nyika ichabereka zvirimwa zvayo, uye matenga achaburutsa dova rawo. Ndichapa zvinhu zvose izvi senhaka kuna vakasara vavanhu ava.
因为他们必平安撒种,葡萄树必结果子,地土必有出产,天也必降甘露。我要使这余剩的民享受这一切的福。
13 Sezvamaiva chinhu chakatukwa pakati pendudzi, imi Judha neIsraeri, saizvozvo ndichakuponesai, uye muchava chinhu chinoropafadza. Musatya, asi itai kuti maoko enyu asimbe.”
犹大家和以色列家啊,你们从前在列国中怎样成为可咒诅的;照样,我要拯救你们,使人称你们为有福的。你们不要惧怕,手要强壮。”
14 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Sezvandakanga ndafunga kuuyisa njodzi pamusoro penyu, uye ndikasaitira madzibaba enyu tsitsi paakanditsamwisa,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose,
万军之耶和华如此说:“你们列祖惹我发怒的时候,我怎样定意降祸,并不后悔。
15 “saka zvino ndafunga kuita zvakanakazve kuJerusarema neJudha. Musatya.
现在我照样定意施恩与耶路撒冷和犹大家,你们不要惧怕。
16 Izvi ndizvo zvinhu zvamunofanira kuita: Tauriranai chokwadi, uye tongai nezvokwadi uye nokururamisira mumatare enyu
你们所当行的是这样:各人与邻舍说话诚实,在城门口按至理判断,使人和睦。
17 usarongera muvakidzani wako zvakaipa, uye usafarira kupika nhema. Ndinovenga zvose izvi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
谁都不可心里谋害邻舍,也不可喜爱起假誓,因为这些事都为我所恨恶。这是耶和华说的。”
18 Shoko raJehovha Wamasimba Ose rakasvikazve kwandiri richiti:
万军之耶和华的话临到我说:
19 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Kutsanya kwomwedzi wechina, wechishanu, wechinomwe nowegumi kuchava nguva dzomufaro nokupembera, nemitambo yomufaro kuna Judha. Naizvozvo mude zvokwadi norugare.”
“万军之耶和华如此说:四月、五月禁食的日子,七月、十月禁食的日子,必变为犹大家欢喜快乐的日子和欢乐的节期;所以你们要喜爱诚实与和平。”
20 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Vanhu vazhinji navagari vomumaguta mazhinji vachauyazve,
万军之耶和华如此说:“将来必有列国的人和多城的居民来到。
21 uye vagari vomune rimwe guta vachaenda kune rimwe vachinoti, ‘Ngatiendei nokuchimbidza kundokumbira nyasha kuna Jehovha, nokutsvaka Jehovha Wamasimba Ose. Ini pachangu ndiri kuenda.’
这城的居民必到那城,说:‘我们要快去恳求耶和华的恩,寻求万军之耶和华;我也要去。’
22 Uye vanhu vazhinji nendudzi dzine simba vachauya kuJerusarema kuzotsvaka Jehovha Wamasimba Ose nokukumbira nyasha kwaari.”
必有列邦的人和强国的民来到耶路撒冷寻求万军之耶和华,恳求耶和华的恩。
23 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Mumazuva iwayo varume gumi kubva kundimi dzose nendudzi dzose vachabatirira kwazvo pamupendero wenguo yomuJudha vachiti, ‘Ngatiendei tose, nokuti takanzwa kuti Mwari anewe.’”
万军之耶和华如此说:在那些日子,必有十个人从列国诸族中出来,拉住一个犹大人的衣襟,说:‘我们要与你们同去,因为我们听见 神与你们同在了。’”

< Zekaria 8 >