< Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 3 >

1 Usiku hwose ndiri pamubhedha wangu ndakatsvaka uyo anodiwa nomwoyo wangu; ndakamutsvaka asi handina kumuwana.
मैंने रात को अपने पलंग पर उसे ढूँडा जो मेरी जान का प्यारा है; मैंने उसे ढूँडा पर न पाया।
2 Ndichasimuka zvino ndinofamba-famba muguta, mumigwagwa yaro nomuzvivara zvaro; ndichatsvaka iye anodiwa nomwoyo wangu. Saka ndakamutsvaka asi handina kumuwana.
अब मैं उठूँगी और शहर में फिरूँगी, गलियों में और बाज़ारों में, उसको ढूँडूंगी जो मेरी जान का प्यारा है। मैंने उसे ढूँडा पर न पाया।
3 Varindi vakandiona pavaiva pabasa ravo rokufamba-famba vachichengetedza guta. “Ko, mamboona here iye anodiwa nomwoyo wangu?”
पहरेवाले जो शहर में फिरते हैं मुझे मिले। मैंने पूछा, “क्या तुम ने उसे देखा है, जो मेरी जान का प्यारा है?”
4 Ndichingopfuudzana navo ndakabva ndamuwana, iye anodiwa nomwoyo wangu. Ndakamubata ndikasamuregedza kusvikira ndaenda naye kumba kwamai vangu, kuimba yaavo vakandibereka.
अभी मैं उनसे थोड़ा ही आगे बढ़ी थी, कि मेरी जान का प्यारा मुझे मिल गया। मैंने उसे पकड़ रख्खा और उसे न छोड़ा; जब तक कि मैं उसे अपनी माँ के घर में और अपनी वालिदा के आरामगाह में न ले गई।
5 Vanasikana veJerusarema, ndinokurayirai nemhara kana nenondo dzesango kuti: Musazunguza kana kumutsa rudo kusvikira irwo rwada rwoga.
ऐ येरूशलेम की बेटियो, मैं तुम को ग़ज़ालों और मैदान की हिरनीयों की क़सम देती हूँ कि तुम मेरे प्यारे को न जगाओ न उठाओ, जब तक कि वह उठना न चाहे।
6 Ndianiko uyo ari kuuya achibva nokurenje seshongwe youtsi ine munhuwi wemura, nezvimwe zvinonhuhwira zvakagadzirwa nezvikuyiwa zvinonhuhwira zvavashambadzi?
यह कौन है जो मुर और लुबान से और सौदागरों के तमाम 'इत्रों से मु'अत्तर होकर, बियाबान से धुंवे के खम्बे की तरह चला आता है।
7 Tarirai! Ndiyo ngoro yaSoromoni, yakachengetedzwa nemhare makumi matanhatu dzamachinda, apamusoro-soro omuIsraeri.
देखो, यह सुलेमान की पालकी है! जिसके साथ इस्राईली बहादुरों में से साठ पहलवान हैं।
8 Mumwe nomumwe wavo akabata munondo vose vakarwa hondo, mumwe nomumwe ane munondo parutivi rwake, vakagadzirira kutarisana nezvinotyisa usiku.
वह सब के सब शमशीरज़न और जंग में माहिर हैं। रात के ख़तरे की वजह से हर एक की तलवार उसकी रान पर लटक रही है।
9 Mambo Soromoni akazvigadzirira ngoro; akaigadzira nemiti yokuRebhanoni.
सुलेमान बादशाह ने लुबनान की लकड़ियों से अपने लिए एक पालकी बनवाई।
10 Mbiru dzacho akadzigadzira nesirivha, pokuzembera musana pakagadzirwa negoridhe. Pokugara pakashongedzwa nejira repepuru, mukati mayo makashongedzwa norudo navanasikana veJerusarema.
उसके डंडे चाँदी के बनवाए, उसके बैठने की जगह सोने की और गद्दीअर्ग़वानी बनवाई; और उसके अंदर का फ़र्श, येरूशलेम की बेटियों ने इश्क से आरास्ता किया।
11 Budai imi vanasikana veZioni, muzoona Mambo Soromoni akapfeka korona, korona yaakapfekedzwa namai vake musi wesvitsa, zuva iro mwoyo wake wakafara.
ऐ सिय्यून की बेटियो, बाहर निकलो और सुलेमान बादशाह को देखो; उस ताज के साथ जो उसकी माँ ने उसके शादी के दिन और उसके दिल की शादमानी के दिन उसके सिर पर रख्खा।

< Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 3 >