< Mapisarema 95 >

1 Uyai, tiimbire Jehovha nomufaro; ngatidanidzirei kuDombo roruponeso rwedu. 2 Ngatisvikei pamberi pake nokuvonga uye timukudze nenziyo. 3 Nokuti Jehovha ndiye Mwari mukuru, Mambo mukuru pamusoro pavamwari vose. 4 Nzvimbo dzakadzika dzapanyika dziri muruoko rwake, uye misoro yamakomo ndeyake. 5 Gungwa nderake, nokuti ndiye akariita, uye maoko ake akaumba nyika yakaoma. 6 Uyai tikotame, tinamate, ngatipfugamei pamberi paJehovha Muiti wedu; 7 nokuti ndiye Mwari wedu, uye isu tiri vanhu vanofudzwa naye, makwai anochengetwa naye. Nhasi kana muchinzwa inzwi rake, 8 musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita paMeribha, sezvamakaita pazuva riya paMasa mugwenga, 9 pandakaedzwa namadzibaba enyu kunyange vakanga vaona zvandakanga ndaita. 10 Ndakatsamwira rudzi urwu kwamakore makumi mana; ndakati, “Ava vanhu vane mwoyo yakatsauka, uye havana kuziva nzira dzangu.” 11 Saka ndakapika pakutsamwa kwangu ndikati, “Havangazombopindi pazororo rangu.”

< Mapisarema 95 >