< Mapisarema 83 >

1 Rwiyo. Pisarema raAsafi. Haiwa Mwari, regai kunyarara; musanyarara, imi Mwari, musati mwiro. 2 Tarirai kumutswa kwaitwa vavengi venyu, namasimudziro avaita misoro yavo. 3 Vakarangana nounyengeri pamusoro pavanhu venyu; vanorangana pamusoro paavo vamunochengeta zvakanaka. 4 Ivo vanoti, “Uyai, ngativaparadzei sorudzi, kuti zita raIsraeri rirove.” 5 Vanorangana pamwe chete nomwoyo mumwe chete; vanoita sungano yokuzorwa nemi, 6 matende eEdhomu nevaIshumaeri, neMoabhu navaHagari, 7 Gebha, Amoni neAmareki, Firistia, navanhu veTire. 8 Kunyange neAsiria yabatana navo kuti vasimbise zvizvarwa zvaRoti. Sera 9 Muvaitire sezvamakaitira vaMidhia, sezvamakaita kuna Sisera naJabhini paRwizi Kishoni, 10 ivo vakafira paEndori uye vakava sendove pamusoro pevhu. 11 Muite makurukota avo saOrebhu naZibhi, machinda avo ose saZebha naZarumuna, 12 ivo vakati, “Handei tindotora mafuro aMwari.” 13 Haiwa Mwari wangu, vaitei sendira, sehundi inodzingwa nemhepo. 14 Somoto unopisa sango kana moto unoririma mugomo, 15 saka vateverei nedutu renyu mugovavhundutsa nokutinhira wenyu. 16 Fukidzai zviso zvavo nenyadzi kuti vanhu vagotsvaka zita renyu, imi Jehovha. 17 Ngavarambe vachinyadziswa uye vavhundutswe; ngavafire munyadzi dzavo. 18 Ngavazive kuti imi, mune zita rinonzi Jehovha, ndimi moga Wokumusoro-soro ari pamusoro penyika yose.

< Mapisarema 83 >