< Mapisarema 7 >

1 Rwiyo rwaDhavhidhi, rwaakaimbira Jehovha pamusoro paKushi, muBhenjamini. Haiwa Jehovha, Mwari wangu, ndinovanda mamuri; ndiponesei uye mundirwire pane vose vanondidzinganisa, 2 kuti varege kundibvambura seshumba nokundibvambura-bvambura pasina anondinunura. 3 Haiwa Jehovha, Mwari wangu, kana ndichinge ndakaita izvi uye ndine mhosva pamaoko angu, 4 kana ndakaita zvakaipa kuno uya akanga ane rugare neni kana kupamba muvengi wangu pasina mhaka, 5 ipapo muvengi wangu ngaandidzinganise andibate; ngaatsike-tsike upenyu hwangu muvhu uye andivatise muguruva. 6 Simukai, imi Jehovha pakutsamwa kwenyu; simukai murwise hasha dzavavengi vangu. Simukai, Mwari wangu; rayirai kururamisira. 7 Marudzi akaungana ngaaungane akakupoteredzai. Vatongei imi muri kumusoro; 8 Jehovha ngaatonge marudzi. Nditongei, imi Jehovha, zvakafanira kururama kwangu, zvakafanira kukwaniswa kwangu, imi Wokumusoro-soro. 9 Haiwa, Mwari akarurama, iyemi munonzvera ndangariro nomwoyo, gumisai kuita nesimba kwavakaipa mugoita kuti vakarurama vagare zvakanaka. 10 Nhoo yangu ndimi Mwari Wokumusoro-soro, iye anoponesa vane mwoyo yakarurama. 11 Mwari ndiye mutongi akarurama, iye Mwari anoratidza hasha dzake zuva nezuva. 12 Kana munhu asingatendeuki, iye acharodza munondo wake; achakunga uta hwake agogadzirira. 13 Agadzirira zvombo zvake zvinouraya; anozvigadzirira miseve yake inopisa. 14 Iye ane mimba yezvakaipa akatakura mimba yokutambudzika achabereka nhema. 15 Uyo anochera gomba, akaridzikisa achawira mugomba raachera. 16 Zvakashata zvake zvichadzokera pamusoro wake; uye kumanikidza kwake kuchauya pamusoro wake. 17 Ndichatenda Jehovha nokuda kwokururama kwake, uye ndichaimbira zita raJehovha Wokumusoro-soro nziyo dzokurumbidza.

< Mapisarema 7 >