< Mapisarema 63 >

1 Pisarema raDhavhidhi paakanga ari murenje reJudha. Haiwa Mwari, ndimi Mwari wangu, ndinokutsvakai nomwoyo wose; mwoyo wangu une nyota kwamuri, muviri wangu unokupangai, munyika yakaoma uye yasakara isina mvura. 2 Ndakakuonai munzvimbo yenyu tsvene, uye ndikaona simba renyu nokubwinya kwenyu. 3 Nokuti rudo rwenyu runokunda upenyu, miromo yangu ichakurumbidzai. 4 Ndichakurumbidzai ndichiri mupenyu, uye ndichasimudza maoko angu muzita renyu. 5 Mweya wangu uchagutswa kunge wadya zvakakora kwazvo; muromo wangu uchakurumbidzai nemiromo inofara kwazvo. 6 Ndinokurangarirai ndiri pamubhedha wangu; ndinokufungai panguva dzose dzousiku. 7 Nokuti muri mubatsiri wangu, ndinoimba ndiri mumumvuri wamapapiro enyu. 8 Mweya wangu unonamatira kwamuri; ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira. 9 Vanotsvaka upenyu hwangu vachaparadzwa; vachaburukira kwakadzika kwepasi. 10 Vachaiswa kumunondo vagova zvokudya zvamakava. 11 Asi mambo achafara muna Mwari; vose vanopika nezita raMwari vachamurumbidza, asi miromo yavanoreva nhema ichafumbirwa.

< Mapisarema 63 >