< Mapisarema 48 >

1 Rwiyo. Pisarema raVanakomana vaKora. Jehovha mukuru, uye anofanira kurumbidzwa kwazvo, muguta raMwari wedu, mugomo rake dzvene. 2 Rakanaka pakukwirira kwaro, mufaro wenyika yose. Sokumusoro-soro kweZafoni, ndizvo zvakaita Gomo reZioni, guta raMambo Mukuru. 3 Mwari ari munhare dzaro; akazviratidza kwariri kuti ndiye nharirire yaro. 4 Madzimambo akati abatanidza mauto, vakati vafamba pamwe chete kundorwa, 5 vakariona vakashamiswa; vakatiza nokutya. 6 Vakabatwa nokudedera ipapo, nokurwadziwa sekwomukadzi osununguka. 7 Makavaparadza sezvakaitwa zvikepe zveTashishi, zvakaputswa-putswa nemhepo yokumabvazuva. 8 Sezvatakanzwa, ndizvo zvataona, muguta raJehovha Wamasimba Ose, muguta raMwari wedu: Mwari anorisimbisa nokusingaperi. Sera 9 Tiri mukati metemberi yenyu, imi Mwari, tinofungisisa nezvorudo rwenyu rusingaperi. 10 Sezvakaita zita renyu, imi Mwari, kurumbidzwa kwenyu kunosvika kumagumo enyika; ruoko rwenyu rworudyi ruzere nokururama. 11 Gomo reZioni rinofarisisa, misha yeJudha inofara nokuda kwokutonga kwenyu. 12 Famba-fambai muZioni, ripoteredzei, verengai shongwe dzaro, 13 fungisisai zvakanaka nezvamasvingo aro, cherechedzai nhare dzaro, kuti mugotaura nezvazvo kuchizvarwa chinotevera. 14 Nokuti Mwari uyu ndiye Mwari wedu nokusingaperi-peri; iye achava muperekedzi wedu kusvikira kumagumo.

< Mapisarema 48 >