< Mapisarema 45 >

1 Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Masikiri nomuimbirwo wa“Maruva aMahapa.” Rwiyo rwoMuchato. Mwoyo wangu unobvongodzwa nedingindira rakanaka, pandinodetembera mambo ndima dzangu; rurimi rwangu chinyoreso chomunyori anogona. 2 Imi makanakisisa pavanhu vose uye miromo yenyu yakazadzwa nenyasha, sezvo Mwari akakuropafadzai nokusingaperi. 3 Sungai munondo wenyu parutivi, imi wamasimba, zvishongedzei nokubwinya noumambo. 4 Paumambo hwenyu kwirai mukunde kwazvo, makamirira chokwadi, kuzvininipisa nokururama; ruoko rwenyu rworudyi ngaruratidze mabasa enyu anotyisa. 5 Miseve yenyu inopinza ngaibaye mwoyo yavavengi vamambo; ndudzi ngadziputsikire pasi petsoka dzenyu. 6 Chigaro chenyu, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri; tsvimbo yokururamisira ichava tsvimbo youmambo hwenyu. 7 Imi munoda kururama uye munovenga zvakaipa; naizvozvo Mwari, Mwari wenyu, akakuisai pamusoro peshamwari dzenyu nokukuzodzai namafuta omufaro. 8 Nguo dzenyu dzose dzinonhuwirira mura, arosi nekasia, zvinobva kumizinda yamadzimambo yakashongedzwa nenyanga dzenzou, kurira kwehungiso kunokufadzai. 9 Vanasikana vamadzimambo vari pakati pavakadzi vanokudzwa; kuruoko rwenyu rworudyi kuno mwenga akashongedzwa negoridhe reOfiri. 10 Teerera, iwe mwanasikana, rangarira, uye urereke nzeve yako: Kanganwa vanhu vako neimba yababa vako. 11 Mambo ayevedzwa norunako rwako; mukudze, nokuti ndiye Ishe wako. 12 Mwanasikana weTire achauya nechipo, vanhu vakapfuma vachatsvaka nyasha kwauri. 13 Mwanasikana wamambo akanaka kwazvo mukati meimba yake; nguo yake yakarukirirwa negoridhe. 14 Akapfeka nguo dzakashongedzwa achaperekedzwa kuna mambo; shamwari dzake idzo mhandara dzinomutevera uye vanouyiswa kwamuri. 15 Vanoperekedzwa vachapinda nomufaro nokufarisisa; vanopinda mumuzinda wamambo. 16 Vanakomana venyu vachatsiva nzvimbo yamadzibaba enyu; muchavaita machinda munyika yose. 17 Ndichaita kuti kurangarirwa kwenyu kurambe kuripo, kusvikira kuzvizvarwa zvose; naizvozvo ndudzi dzichakurumbidzai nokusingaperi-peri.

< Mapisarema 45 >