< Mapisarema 43 >

1 Ndiruramisirei, imi Mwari, uye mundireverere mhaka yangu parudzi rusina Mwari; ndinunurei pavanhu vanonyengera nevakaipa. 2 Ndimi Mwari nhare yangu. Mandirambireiko? Ndinofambireiko pose ndichichema ndichidzvinyirirwa navavengi? 3 Tumirai chiedza chenyu nechokwadi chenyu, ngazvinditungamirire; ngazvindisvitse kugomo renyu dzvene, kunzvimbo yamunogara. 4 Ipapo ndichaenda kuaritari yaMwari, kuna Mwari, iye mufaro wangu nomudikani wangu. Ndichakurumbidzai nembira, imi Mwari, Mwari wangu. 5 Wakasuwireiko, nhai mweya wangu? Unotambudzwa neiko mukati mangu? Isa tariro yako muna Mwari, nokuti ndichamurumbidzazve, Muponesi wangu naMwari wangu.

< Mapisarema 43 >