< Mapisarema 37 >

1 Pisarema raDhavhidhi. Usava neshungu nokuda kwavanhu vakaipa, uye usaitira godo avo vanoita zvakaipa;
לדוד אל-תתחר במרעים אל-תקנא בעשי עולה
2 nokuti souswa vachaoma nokukurumidza, somuriwo wakasvibira vachakurumidza kuoma.
כי כחציר מהרה ימלו וכירק דשא יבולון
3 Vimba naJehovha uite zvakanaka; gara panyika ufarikane pamafuro manyoro.
בטח ביהוה ועשה-טוב שכן-ארץ ורעה אמונה
4 Farikana muna Jehovha, uye iye achakupa zvinodikanwa nomwoyo wako.
והתענג על-יהוה ויתן-לך משאלת לבך
5 Isa nzira yako kuna Jehovha; uvimbe naye uye iye achaita izvi;
גול על-יהוה דרכך ובטח עליו והוא יעשה
6 achaita kuti kururama kwako kupenye samambakwedza, nokururamisirwa kwako sezuva ramasikati.
והוציא כאור צדקך ומשפטך כצהרים
7 Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere; usava neshungu kana vanhu vachibudirira panzira dzavo, pavanoita mano avo akaipa avakaronga.
דום ליהוה-- והתחולל-לו אל-תתחר במצליח דרכו באיש עשה מזמות
8 Rega kutsamwa, uzvidzore pahasha; usava neshungu zvinokutungamirira mune zvakaipa.
הרף מאף ועזב חמה אל-תתחר אך-להרע
9 Nokuti vasakarurama vachagurwa, asi avo vanomirira Jehovha vachagara nhaka yenyika.
כי-מרעים יכרתון וקוי יהוה המה יירשו-ארץ
10 Chinguva chiduku duku, vakaipa havachazovapozve; kunyange ukavatsvaka, havazowanikwi.
ועוד מעט ואין רשע והתבוננת על-מקומו ואיננו
11 Asi vanyoro vachagara nhaka yenyika, uye vachafarikana norugare rukuru.
וענוים יירשו-ארץ והתענגו על-רב שלום
12 Vakaipa vanofungira vakarurama mano akaipa, uye vanovarumanyira meno avo.
זמם רשע לצדיק וחרק עליו שניו
13 Asi Ishe anoseka vakaipa nokuti anoziva kuti zuva ravo riri kuuya.
אדני ישחק-לו כי-ראה כי-יבא יומו
14 Vakaipa vanovhomora munondo uye vanowembura uta kuti vawisire pasi varombo navanoshayiwa, kuti vauraye avo vane nzira dzakarurama.
חרב פתחו רשעים-- ודרכו קשתם להפיל עני ואביון לטבוח ישרי-דרך
15 Asi minondo yavo ichabaya mwoyo yavo pachavo, uye uta hwavo huchavhunika.
חרבם תבוא בלבם וקשתותם תשברנה
16 Zvishoma zvowakarurama zviri nani kupinda pfuma yavakaipa vazhinji;
טוב-מעט לצדיק-- מהמון רשעים רבים
17 nokuti simba ravakaipa richavhuniwa, asi Jehovha anotsigira vakarurama.
כי זרועות רשעים תשברנה וסומך צדיקים יהוה
18 Mazuva avakarurama anozivikanwa naJehovha, uye nhaka yavo ichagara nokusingaperi.
יודע יהוה ימי תמימם ונחלתם לעולם תהיה
19 Panguva yamatambudziko, havanganyadziswi; mumazuva enzara ivo vachava nezvakawanda.
לא-יבשו בעת רעה ובימי רעבון ישבעו
20 Asi vakaipa vachaparara: vavengi vaJehovha vachafanana norunako rweminda, vachanyangarika soutsi.
כי רשעים יאבדו ואיבי יהוה כיקר כרים כלו בעשן כלו
21 Vakaipa vanokwereta uye havadzori, asi vakarurama vanopa zvakawanda;
לוה רשע ולא ישלם וצדיק חונן ונותן
22 avo vanoropafadzwa naJehovha vachagara nhaka yenyika, asi avo vaanotuka vachaparadzwa.
כי מברכיו יירשו ארץ ומקלליו יכרתו
23 Kana Jehovha achifarira nzira yomunhu, anosimbisa mafambiro ake;
מיהוה מצעדי-גבר כוננו ודרכו יחפץ
24 kunyange akagumburwa, haangawi, nokuti Jehovha anomutsigira noruoko rwake.
כי-יפל לא-יוטל כי-יהוה סומך ידו
25 Ndakanga ndiri muduku uye zvino ndakwegura, asi handina kumboona vakarurama vachiraswa, kana vana vavo vachipemha chingwa.
נער הייתי-- גם-זקנתי ולא-ראיתי צדיק נעזב וזרעו מבקש-לחם
26 Vanogara vachingopa vamwe, uye vachikweretesa pasina muripo; vana vavo vacharopafadzwa.
כל-היום חונן ומלוה וזרעו לברכה
27 Dzoka pane zvakaipa ugoita zvakanaka; ipapo uchagara panyika nokusingaperi.
סור מרע ועשה-טוב ושכן לעולם
28 Nokuti Jehovha anoda vanoruramisira uye haangazosiyi vanhu vake vakatendeka. Vachadzivirirwa nokusingaperi; asi vana vowakaipa vachaparadzwa;
כי יהוה אהב משפט ולא-יעזב את-חסידיו לעולם נשמרו וזרע רשעים נכרת
29 vakarurama vachagara nhaka yenyika uye vachagara mairi nokusingaperi.
צדיקים יירשו-ארץ וישכנו לעד עליה
30 Muromo womunhu akarurama unotaura uchenjeri, uye rurimi rwake runotaura kururamisira.
פי-צדיק יהגה חכמה ולשונו תדבר משפט
31 Murayiro waMwari wake uri pamwoyo wake; tsoka dzake hadzitedzemuki.
תורת אלהיו בלבו לא תמעד אשריו
32 Vakaipa vanovandira vakarurama, vachitsvaka upenyu hwavo chaihwo;
צופה רשע לצדיק ומבקש להמיתו
33 asi Jehovha haangavasiyi vari musimba ravo, kana kuvarega vachipomerwa kana vamira pakutongwa.
יהוה לא-יעזבנו בידו ולא ירשיענו בהשפטו
34 Rindira Jehovha, uye uchengete nzira yake. Achakusimudzira kuti ugare nhaka yenyika; kana vakaipa voparadzwa, iwe uchazviona.
קוה אל-יהוה ושמר דרכו וירוממך לרשת ארץ בהכרת רשעים תראה
35 Ndakaona munhu akaipa uye ano utsinye achibudirira somuti wakasvibira pavhu romunyika yawo,
ראיתי רשע עריץ ומתערה כאזרח רענן
36 asi nokukurumidza akapfuura uye akasazovapozve; kunyange ndakamutsvaka, haana kuzowanikwa.
ויעבר והנה איננו ואבקשהו ולא נמצא
37 Cherechedza asina mhosva, ongorora akarurama; ane ramangwana rakanaka munhu worugare.
שמר-תם וראה ישר כי-אחרית לאיש שלום
38 Asi vatadzi vose vachaparadzwa; ramangwana rowakaipa richagurwa.
ופשעים נשמדו יחדו אחרית רשעים נכרתה
39 Ruponeso rwavakarurama runobva kuna Jehovha; ndiye nhare yavo panguva yamatambudziko.
ותשועת צדיקים מיהוה מעוזם בעת צרה
40 Jehovha anovabatsira uye anovanunura; anovanunura kubva kuna vakaipa uye anovaponesa, nokuti vanovanda maari.
ויעזרם יהוה ויפלטם יפלטם מרשעים ויושיעם--כי-חסו בו

< Mapisarema 37 >