< Mapisarema 30 >

1 Pisarema. Rwiyo rwokukumikidza temberi. Pisarema raDhavhidhi. Ndichakukudzai imi Jehovha, nokuti makandisimudza kubva pakadzika, uye hamuna kutendera vavengi vangu kuti vafare pamusoro pangu. 2 Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndakachemera rubatsiro kwamuri uye mukandiporesa. 3 Haiwa Jehovha, makandibudisa muguva; mukandirwira kuti ndirege kupinda mugomba. (Sheol h7585) 4 Imbirai Jehovha, imi vatsvene vake; rumbidzai zita rake dzvene. 5 Nokuti kutsamwa kwake ndokwenguva duku, asi nyasha dzake ndedzoupenyu hwose; kuchema kungangovapo usiku. Asi mufaro unouya mangwanani. 6 Pandakanzwa kugadzikana, ndakati, “Handingatongozungunuswi.” 7 Haiwa Jehovha, pamakandinzwira tsitsi, makaita kuti gomo rangu rimire rakasimba; asi pamakavanza chiso chenyu, ini ndakavhunduka. 8 Ndakadana kwamuri, imi Jehovha; ndakachemera nyasha kuna Jehovha ndichiti, 9 “Chiiko chinowanikwa pakuparadzwa kwangu, napakupinda kwangu mugomba? Ko, guruva richakurumbidzai here? Richaparidza kutendeka kwenyu here? 10 Inzwai, imi Jehovha, mundinzwire ngoni; imi Jehovha, ivai mubatsiri wangu.” 11 Imi makashandura kuungudza kwangu kukava kutamba; makabvisa nguo dzangu dzamasaga mukandishongedza nomufaro, 12 kuti mwoyo wangu ukuimbirei ugorega kunyarara. Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndichakuvongai nokusingaperi.

< Mapisarema 30 >