< Mapisarema 26 >

1 Pisarema raDhavhidhi. Nditongerei, imi Jehovha, nokuti ndakararama upenyu husina chahungapomerwa; ndakavimba naJehovha ndisingazungunuki. 2 Ndiedzei, imi Jehovha, ndinzverei, nzverai mwoyo wangu nendangariro dzangu; 3 nokuti rudo rwenyu rwuri pamberi pangu nguva dzose, uye ndinogara ndichifamba muzvokwadi yenyu. 4 Handigari navanhu vanonyengera, kana kufambidzana navanyengeri; 5 ndinovenga ungano yavaiti vezvakaipa, uye ndinoramba kugara navakaipa. 6 Ndinoshamba maoko angu ndisina mhaka, uye ndinofamba-famba paaritari yenyu, imi Jehovha, 7 ndichiparidza rumbidzo yenyu nenzwi guru, uye ndichireva zvamabasa enyu ose anoshamisa. 8 Ndinoda imba yamunogara, imi Jehovha, nzvimbo inogara kubwinya kwenyu. 9 Regai kubatanidza mweya wangu navatadzi, noupenyu hwangu navanoteura ropa, 10 vana maoko akabata zvakaipa, vazere nefufuro mumaoko avo orudyi. 11 Asi ini ndinogara upenyu husina chahungapomerwa; ndidzikinurei uye mundinzwire ngoni. 12 Tsoka dzangu dzimire pakati chechetere; ndicharumbidza Jehovha paungano huru.

< Mapisarema 26 >