< Mapisarema 23 >

1 Pisarema raDhavhidhi. Jehovha ndiye mufudzi wangu, hapana chandingashayiwa. 2 Anondivatisa pamafuro manyoro, anondisesedza pamvura inozorodza, 3 anoponesa mweya wangu. Anondifambisa panzira dzokururama nokuda kwezita rake. 4 Kunyange ndikafamba nomumupata womumvuri worufu, handingatyi zvakaipa, nokuti imi muneni; tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza. 5 Munondigadzirira tafura pamberi pavavengi vangu. Munozodza musoro wangu namafuta; mukombe wangu unopfachukira. 6 Zvirokwazvo kunaka kwenyu norudo rwenyu zvichanditevera, mazuva ose oupenyu hwangu, uye ndichagara mumba maJehovha nokusingaperi.

< Mapisarema 23 >