< Mapisarema 20 >

1 Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Jehovha ngaakupindure paunotambudzika; zita raMwari waJakobho ngarikudzivirire. 2 Ngaakutumire rubatsiro runobva panzvimbo tsvene, uye akupe rutsigiro runobva kuZioni. 3 Ngaarangarire zvibayiro zvako zvose uye agogamuchira zvibayiro zvako zvinopiswa. Sera 4 Ngaakupe zvinodikanwa nomwoyo wako, uye aite kuti urongwa hwako hwose hubudirire. 5 Tichadanidzira nomufaro pakukunda kwako, uye tichasimudza mireza yedu muzita raMwari wedu. Jehovha ngaakupe zvose zvawakakumbira. 6 Zvino ndava kuziva kuti Jehovha anoponesa muzodziwa wake; anomupindura ari kudenga rake dzvene, nesimba rokuponesa kworuoko rwake rworudyi. 7 Vamwe vanovimba nengoro, vamwe namabhiza, asi isu tinovimba nezita raJehovha Mwari wedu. 8 Vanowisirwa pasi namabvi avo vagowa, asi isu tinosimuka tigomira takasimba. 9 Haiwa Jehovha, ponesai mambo! Tipindurei patinodana!

< Mapisarema 20 >