< Mapisarema 2 >

1 Ndudzi dzinoitireiko bope? Uye vanhu vanofungireiko zvisina maturo? 2 Madzimambo enyika azvigadzirira uye vabati vanoungana pamwe chete kuti vazorwa naJehovha, uye kuti vazorwisa Muzodziwa Wake. 3 Vanoti, “Ngatidamburei ngetani dzavo, tigorasa mabote avo.” 4 Iye agere pachigaro choushe chokudenga anoseka; Ishe anovadadira. 5 Ipapo anovatuka mukutsamwa kwake uye anovavhundutsa muhasha dzake, achiti, 6 “Ndakagadza Mambo wangu paZioni, gomo rangu dzvene.” 7 Ndichaparidza chirevo chaJehovha, ndichiti: Iye akati kwandiri, “Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava Baba vako. 8 Kumbira kwandiri, uye ndichaita kuti ndudzi dzive nhaka yako, migumo yenyika ive yako. 9 Uchavatonga netsvimbo yesimbi; uchavaputsa kuita zvimedu zvimedu sehari.” 10 Naizvozvo, imi madzimambo, ngwarai; munyeverwe, imi vabati venyika. 11 Shumirai Jehovha nokutya, uye mufare nokudedera. 12 Tsvodai Mwanakomana, kuti arege kutsamwa mukazoparadzwa munzira yenyu, nokuti hasha dzake dzingakurumidza kumuka. Vakaropafadzwa vose vanovanda maari.

< Mapisarema 2 >