< Mapisarema 17 >

1 Munyengetero waDhavhidhi. Inzwai, imi Jehovha, mukumbiro wangu wakarurama; inzwai kuchema kwangu. Rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu, usingabvi pamiromo inonyengera. 2 Kururamiswa kwangu ngakubve kwamuri; meso enyu ngaaone zvakarurama. 3 Kunyange mukaedza mwoyo wangu uye mukandiongorora usiku, kunyange mukandiedza, hamungawani chinhu; ndakazvisunga kuti muromo wangu urege kutadza. 4 Kana ari mabasa avanhu, neshoko remiromo yenyu, ndakanzvenga nzira dzouyo anoita nechisimba. 5 Nhambwe dzangu dzakarambira panzira dzenyu; tsoka dzangu hadzina kutedzemuka. 6 Haiwa Mwari, ndinodana kwamuri, nokuti muchandipindura; rerekerai nzeve yenyu kwandiri, munzwe munyengetero wangu. 7 Ratidzai kushamisa kworudo rwenyu rukuru, imi munoponesa noruoko rwenyu rworudyi, avo vanovanda vavengi vavo mamuri. 8 Ndichengetei semboni yeziso renyu; ndivanzei pasi pomumvuri wamapapiro enyu, 9 kubva kuno wakaipa anondirwisa, kubva kuvavengi vangu, vanoda kundiuraya, vakandikomberedza. 10 Vanodzivira mwoyo yavo yakavangarara, uye miromo yavo inotaura nokuzvikudza. 11 Vakandironda, zvino vandikomba, vanocherechedza nameso avo kuti vandiwisire pasi. 12 Vakaita seshumba ine nzara yechokudya, seshumba huru yakavandira pakavanda. 13 Haiwa, Jehovha, simukai, mirai pamberi pavo, vawisirei pasi; ndirwirei nomunondo wenyu pano wakaipa. 14 Haiwa, Jehovha, ndiponesei noruoko rwenyu kubva kuvanhu vakadai, kubva kuvanhu venyika ino vano mubayiro uri muupenyu huno. Munopedza nzara yaavo vamunoda; vanakomana vavo vane zvakawanda, uye vanounganidzira vana vavo pfuma. 15 Zvino ini mukururama, ndichaona chiso chenyu; pandinomuka, ndichagutswa nokuona mufananidzo wenyu.

< Mapisarema 17 >