< Mapisarema 16 >

1 Mikitami raDhavhidhi. Ndichengetedzei, imi Mwari, nokuti ndinovanda mamuri. 2 Ndakati kuna Jehovha, “Ndimi Ishe wangu; kunze kwenyu handina chinhu chakanaka.” 3 Kana vari vatsvene vari panyika, ndivo vakaisvonaka vandinofarira chose. 4 Kuchema kuchawedzerwa, kwaavo vanomhanyira vamwe vamwari. Handichazodiri zvipiriso zvavo zveropa zvinodururwa kana kuisa mazita avo pamiromo yangu. 5 Jehovha, makandigovera mugove wangu nomukombe wangu; mukaita kuti mugove wangu uchengetedzeke. 6 Ndakayererwa miganhu panzvimbo yakanaka; zvirokwazvo ndine nhaka inofadza. 7 Ndicharumbidza Jehovha, anondipa zano; kunyange usiku mwoyo wangu unondirayira. 8 Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose. Nokuti ari kurudyi rwangu, handingatongozungunuswi. 9 Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu runopururudza; muviri wanguwo uchazorora zvakanaka, 10 nokuti imi hamuzondisiyi muguva, kana kurega Mutsvene wenyu achiona kuora. (Sheol h7585) 11 Makandizivisa nzira youpenyu; muchandizadza nomufaro uri pamberi penyu, nezvinofadza zvisingaperi muruoko rwenyu rworudyi.

< Mapisarema 16 >