< Mapisarema 146 >

1 Rumbidza Jehovha. Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu. 2 Ndicharumbidza Jehovha mazuva ose oupenyu hwangu; ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu. 3 Regai kuvimba namachinda, navanhu vanofa, vasingagoni kuponesa. 4 Mweya yavo painoenda, ivo vanodzokera kuvhu; pazuva racho iroro urongwa hwavo hunova pasina. 5 Akaropafadzwa munhu uyo ano mubatsiri wake Mwari waJakobho, tariro yake iri muna Jehovha Mwari wake, 6 Muiti wedenga nenyika, gungwa uye nezvose zviri mariri, iye Jehovha, anogara akatendeka nokusingaperi. 7 Anomiririra zvinodiwa nevakadzvinyirirwa, uye anopa zvokudya vane nzara. Jehovha anosunungura vasungwa. 8 Jehovha anosvinudza mapofu, Jehovha anosimudza avo vakakotamiswa pasi, Jehovha anoda vakarurama. 9 Jehovha anorinda vatorwa uye anoriritira nherera nechirikadzi, asi anokonesa nzira dzavakaipa. 10 Jehovha anotonga nokusingaperi, Mwari wako, iwe Zioni, kuzvizvarwa zvose. Rumbidza Jehovha.

< Mapisarema 146 >