< Mapisarema 14 >

1 Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Benzi rinoti mumwoyo maro, “Hakuna Mwari.” Vakaora, mabasa avo akashata; hakuna anoita zvakanaka.
Zborovođi. Davidov. Bezumnik reče u srcu: “Nema Boga.” Pokvareni rade gadosti; nitko da čini dobro.
2 Jehovha ari kudenga anotarira pasi pamusoro pavanakomana vavanhu, kuti aone kana aripo anonzwisisa, naani zvake anotsvaka Mwari.
Jahve s nebesa gleda na sinove ljudske da vidi ima li tko razuman Boga da traži.
3 Vose vakatsauka, vose pamwe chete vakasvibiswa; hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwe.
No, svi skrenuše zajedno, svi se pokvariše: nitko da čini dobro - nikoga nema.
4 Ko, vaiti vezvakaipa havadzidziwo here, ivo vanodya vanhu vangu savanhu vanodya chingwa, uye vasingadani kuna Jehovha?
Neće li se urazumiti svi što bezakonje čine, koji proždiru narod moj kao da jedu kruha? Ne zazivlju ime Jahvino:
5 Pavari ipapo, vakazara nokutya, nokuti Mwari ari paungano yavakarurama.
jednom će drhtati od straha, jer je Bog s rodom pravednim.
6 Imi vaiti vezvakaipa, munokanganisa urongwa hwavarombo, asi Jehovha ndiye utiziro hwavo.
Želite razbiti nakane ubogog: Jahve je utočište njegovo.
7 Haiwa, dai ruponeso rwaIsraeri rwaibuda muZioni! Kana Jehovha achidzosazve nhaka yavanhu vake, Jakobho ngaapembere uye Israeri ngaafare.
O neka dođe sa Siona spas Izraelu! Kad Jahve promijeni udes naroda svoga, klicat će Jakov, radovat se Izrael.

< Mapisarema 14 >