< Mapisarema 128 >

1 Rwiyo rworwendo. Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha, vanofamba munzira dzake. 2 Uchadya chibereko chokushanda kwako; maropafadzo nokubudirira zvichava zvako. 3 Mukadzi wako achava somuzambiringa unobereka, pakati peimba yako; vanakomana vako vachaita samabukira omuorivhi, vakakomberedza tafura yako. 4 Ndizvo zvakaita munhu akaropafadzwa, anotya Jehovha. 5 Jehovha ngaakuropafadzei kubva kuZioni, mazuva ose oupenyu hwenyu; muone henyu kubudirira kweJerusarema, 6 uye murarame kuti muone vana vavana venyu. Rugare ngaruve pana Israeri.

< Mapisarema 128 >