< Mapisarema 126 >

1 Rwiyo rworwendo. Jehovha paakadzosa vatapwa kuZioni, takanga tava savanhu vairota. 2 Miromo yedu yakanga izere nokuseka, ndimi dzedu dzizere nenziyo dzomufaro. Ipapo zvakanzi pakati pendudzi, “Jehovha akavaitira zvinhu zvikuru.” 3 Jehovha atiitira zvinhu zvikuru, uye tazara nomufaro. 4 Tidzorereizve nhaka yedu, imi Jehovha, sehova dzeNegevhi. 5 Avo vanodyara nemisodzi vachakohwa nenziyo dzomufaro. 6 Uyo anobuda achichema, akatakura mbeu yokudyara, achadzoka nenziyo dzomufaro, akatakura zvisote.

< Mapisarema 126 >