< Mapisarema 110 >

1 Pisarema raDhavhidhi Jehovha akati kuna She wangu, “Gara kuruoko rwangu rworudyi, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.” 2 Jehovha achatambanudza tsvimbo yesimba rako kubva muZioni; uchatonga pakati pavavengi vako. 3 Mauto ako achazvipira pazuva rako rehondo. Wapfekedzwa nguo youshe, utsvene, kubva pachizvaro chamambakwedza uchagamuchira dova roujaya hwako. 4 Jehovha akapika, uye haangashanduki, achiti, “Iwe uri muprista nokusingaperi, worudzi rwaMerikizedheki.” 5 Jehovha ari kuruoko rwako rworudyi; achaparadza madzimambo pazuva rehasha dzake. 6 Achatonga ndudzi, achiunganidza vakafa, uye achiparadza vatongi venyika yose. 7 Achanwa parukova rwuri parutivi penzira; naizvozvo achasimudza musoro wake.

< Mapisarema 110 >