< Mapisarema 11 >

1 Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Ndinovanda muna Jehovha. Mungareva seiko kwandiri muchiti, “Tizira kugomo rako seshiri. 2 Nokuti tarira, vakaipa vanowembura uta hwavo; vanogadzirira miseve yavo parukungiso, kuti vapfure vari murima, uyo akarurama pamwoyo. 3 Kana nheyo dzaparadzwa, akarurama angaiteiko?” 4 Jehovha ari mutemberi yake tsvene; Jehovha ari pachigaro chake choushe chokudenga. Anocherechedza vanakomana vavanhu; meso ake anovaedza. 5 Jehovha anoedza vakarurama, asi vakaipa navanoda zvechisimba mweya wake unovavenga. 6 Pane vakaipa anonayisa mazimbe omoto nesafuri inopfuta; mhepo inopisa ndiwo uchava mugove wavo. 7 Nokuti Jehovha akarurama, anoda kururamisira; vanhu vakarurama vachaona chiso chake.

< Mapisarema 11 >