< Mapisarema 103 >

1 Pisarema raDhavhidhi. Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu; zvose zviri mukati mangu, ngazvirumbidze zita rake dzvene. 2 Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu, uye urege kukanganwa mikomborero yake yose, 3 iye anokanganwira zvivi zvako zvose, uye anoporesa kurwara kwako kwose, 4 anodzikinura upenyu hwako kubva pagomba, uye anokushongedza korona yorudo netsitsi, 5 anogutsa zvido zvako nezvinhu zvakanaka, kuti uduku hwako huvandudzwe sohwegondo. 6 Jehovha anoita zvakarurama, uye anoruramisira vose vakadzvinyirirwa. 7 Akazivisa nzira dzake kuna Mozisi, namabasa ake kuvanhu veIsraeri: 8 Jehovha ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo. 9 Haangarambi achipomera mhosva, uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi; 10 haatiitiri sezvakafanira zvivi zvedu, kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu. 11 Nokuti sokukwirira kwaakaita kudenga kumusoro kwenyika, ndizvo zvakaita kukura kworudo rwake kuna vanomutya; 12 sokuva kure kwamabvazuva namavirira, saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwatiri. 13 Sokunzwira tsitsi kunoita baba vana vavo, saizvozvo Jehovha ane tsitsi pamusoro pavanomutya; 14 nokuti anoziva kuti takaumbwa sei, anorangarira kuti tiri guruva. 15 Kana ari munhu zvake, mazuva ake akaita souswa, anokura seruva resango; 16 mhepo inorova napamusoro paro onei raenda, uye nzvimbo yaranga riri haicharirangaririzve. 17 Asi kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi, rudo rwaJehovha rwuri pane avo vanomutya, nokururama kwake kuvana vavana vavo, 18 naavo vanochengeta sungano yake uye vanorangarira kuita zvaakatema. 19 Jehovha akasimbisa chigaro chake choushe kudenga, uye ushe hwake hunotonga zvinhu zvose. 20 Rumbidzai Jehovha, imi vatumwa vake, nemi vane simba vanoita zvaakarayira, vanoteerera shoko rake. 21 Rumbidzai Jehovha, imi hondo dzose dzokudenga, imi varanda vake vanoita kuda kwake. 22 Rumbidzai Jehovha, imi mabasa ake ose kwose kwose kuno umambo hwake. Rumbidza Jehovha, mweya wangu.

< Mapisarema 103 >