< Zvirevo 25 >

1 Izvi ndizvo zvimwe zvirevo zvaSoromoni, zvakanyorwa namachinda aHezekia mambo weJudha:
これらもまたソロモンの箴言であり、ユダの王ヒゼキヤに属する人々がこれを書き写した。
2 Kukudzwa kwaMwari kuviga chinhu; kunzvera nyaya ndiko kukudzwa kwamadzimambo.
事を隠すのは神の誉であり、事を窮めるのは王の誉である。
3 Sokukwirira kwakaita denga nokudzika kwakaita nyika, saizvozvowo mwoyo yamadzimambo haigoni kunzverwa.
天の高さと地の深さと、王たる者の心とは測ることができない。
4 Bvisa marara pasirivha, panobva pabuda zvinoshandiswa nomuumbi wemidziyo yesirivha;
銀から、かなくそを除け、そうすれば、銀細工人が器を造る材料となる。
5 bvisa akaipa pamberi pamambo, ipapo chigaro chake choushe chichasimbiswa kubudikidza nokururama.
王の前から悪しき者を除け、そうすれば、その位は正義によって堅く立つ。
6 Usazvikudza pamberi pamambo, uye usazvipa chigaro pakati pavanhu vakuru;
王の前で自ら高ぶってはならない、偉い人の場に立ってはならない。
7 Zviri nani kuti ati kwauri, “Kwira pano,” pano kuti akunyadzise pamberi pavanhu vanoremekedzwa.
尊い人の前で下にさげられるよりは、「ここに上がれ」といわれるほうがましだ。
8 Zvawakaona nameso ako usakurumidze kuzvikwidza kumatare edzimhosva, nokuti uchazoiteiko pamagumo, kana muvakidzani wako akakunyadzisa?
あなたが目に見たことを、軽々しく法廷に出してはならない。あとになり、あなたが隣り人にはずかしめられるとき、あなたはどうしようとするのか。
9 Kana uchipikisana nomuvakidzani wako, usarase chivimbo chomumwe munhu,
隣り人と争うことがあるならば、ただその人と争え、他人の秘密をもらしてはならない。
10 kana kuti uyo achazvinzwa angangokunyadzisa, uye uchazoramba uine chimiro chakaipa.
そうでないと、聞く者があなたをいやしめ、あなたは、いつまでもそしられる。
11 Shoko rataurwa nenguva yakafanira rakafanana namaapuro egoridhe mumidziyo yesirivha.
おりにかなって語る言葉は、銀の彫り物に金のりんごをはめたようだ。
12 Semhete yomunzeve yegoridhe kana chishongo chegoridhe rakaisvonaka, ndizvo zvakaita kutsiura kwomunhu akachenjera, kunzeve inoteerera.
知恵をもって戒める者は、これをきく者の耳にとって、金の耳輪、精金の飾りのようだ。
13 Nhume yakatendeka kune anoituma yakafanana nokutonhorera kwechando panguva yokukohwa; inonyevenutsa mweya yavanatenzi vake.
忠実な使者はこれをつかわす者にとって、刈入れの日に冷やかな雪があるようだ、よくその主人の心を喜ばせる。
14 Samakore nemhepo zvisina mvura, ndizvo zvakaita munhu anozvirumbidza pamusoro pezvipo zvaasingapi.
贈り物をすると偽って誇る人は、雨のない雲と風のようだ。
15 Kubudikidza nomwoyo murefu mutongi anogona kunyengetedzwa, uye rurimi runyoro runogona kuvhuna mapfupa.
忍耐をもって説けば君も言葉をいれる、柔らかな舌は骨を砕く。
16 Kana wawana uchi, idya hunokuringana chete, hukawandisa, ucharutsa.
蜜を得たならば、ただ足るほどにこれを食べよ、おそらくは食べすごして、それを吐き出すであろう。
17 Usanyanyoenda pamba pomuvakidzani wako, ukanyanya kuendapo, achakuvenga.
隣り人の家に足をしげくしてはならない、おそらくは彼は煩わしくなって、あなたを憎むようになろう。
18 Setsvimbo kana munondo kana museve unopinza, ndizvo zvakaita munhu anopa uchapupu hwenhema achipikisa muvakidzani wake.
隣り人に敵して偽りのあかしを立てる人は、こん棒、つるぎ、または鋭い矢のようだ。
19 Sezino rakaora kana tsoka yakaremara, ndizvo zvakafanana nokuvimba nomunhu asina kutendeka panguva yokutambudzika.
悩みに会うとき不信実な者を頼みにするのは、悪い歯、またはなえた足を頼みとするようなものだ。
20 Souya anokurura nguo musi unotonhora, kana sevhiniga inodururwa pasoda, ndizvo zvinoita uyo anoimbira nziyo kumwoyo wakaremerwa.
心の痛める人の前で歌をうたうのは、寒い日に着物を脱ぐようであり、また傷の上に酢をそそぐようだ。
21 Kana muvengi wako ane nzara, mupe zvokudya adye; kana aine nyota, mupe mvura anwe.
もしあなたのあだが飢えているならば、パンを与えて食べさせ、もしかわいているならば水を与えて飲ませよ。
22 Mukuita izvi, uchaunganidzira mazimbe anopisa pamusoro wake, uye Jehovha achakupa mubayiro.
こうするのは、火を彼のこうべに積むのである、主はあなたに報いられる。
23 Semhepo yokumusoro inouyisa mvura, naizvozvo rurimi rwakaipa runouyisa zviso zvakashatirwa.
北風は雨を起し、陰言をいう舌は人の顔を怒らす。
24 Zviri nani kugara pakona redenga reimba pano kugara mumba nomudzimai anokakavara.
争いを好む女と一緒に家におるよりは、屋根のすみにおるほうがよい。
25 Semvura inotonhorera kumweya wakaneta ndizvo zvakaita nhau dzakanaka dzinobva kunyika iri kure.
遠い国から来るよい消息は、かわいている人が飲む冷やかな水のようだ。
26 Sechitubu chizere madhaka kana tsime rasvibiswa, ndizvo zvakaita munhu akarurama anopa mukana kumunhu akaipa.
正しい者が悪い者の前に屈服するのは、井戸が濁ったよう、また泉がよごれたようなものだ。
27 Hazvina kunaka kudya uchi huzhinji, kana kuti munhu azvitsvakire kukudzwa kwake iye.
蜜を多く食べるのはよくない、ほめる言葉は控え目にするがよい。
28 Seguta rakakoromoka masvingo ndizvo zvakaita munhu asingagoni kuzvibata.
自分の心を制しない人は、城壁のない破れた城のようだ。

< Zvirevo 25 >