< Zvirevo 15 >

1 Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa, asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.
Impendulo ethambileyo ibuyisela emuva ulaka, kodwa ilizwi elilukhuni livusa intukuthelo.
2 Rurimi rwowakachenjera runobudisa zivo, asi muromo webenzi unodurura upenzi.
Ulimi lwabahlakaniphileyo lwenza ulwazi lube luhle, kodwa umlomo wezithutha uthulula ubuthutha.
3 Meso aJehovha ari pose pose, achicherechedza vakaipa navakanaka.
Amehlo eNkosi akuyo yonke indawo, eqaphela ababi labalungileyo.
4 Rurimi runouyisa kuporesa ndirwo muti woupenyu, asi rurimi runonyengera runopwanya mweya.
Ukusilisa kolimi kuyisihlahla sempilo, kodwa ukuphambeka kulo kuyikwephuka emoyeni.
5 Benzi rinoramba kurayira kwababa varo, asi ani naani anogamuchira kurayirwa anoratidza kungwara.
Isithutha sidelela ukulaya kukayise, kodwa onanza ukukhuzwa uhlakaniphile.
6 Imba yowakarurama ine pfuma zhinji, asi zvinowanikwa nowakaipa zvinomuunzira kutambudzika.
Endlini yolungileyo kulenotho enengi, kodwa enzuzweni yomubi kulenkathazo.
7 Miromo yavakachenjera inokusha zivo; asi mwoyo yamapenzi haidaro.
Indebe zabahlakaniphileyo ziyahlakaza ulwazi, kodwa inhliziyo yezithutha kayinjalo.
8 Jehovha anovenga chibayiro chowakaipa, asi munyengetero womunhu akarurama unomufadza.
Umhlatshelo wabakhohlakeleyo uyisinengiso eNkosini, kodwa umkhuleko wabaqotho uyintokozo yayo.
9 Jehovha anovenga nzira yeakaipa, asi anoda vaya vanotevera kururama.
Indlela yokhohlakeleyo iyisinengiso eNkosini, kodwa ithanda ozingela ukulunga.
10 Kurangwa kwakaomarara kwakamirira uyo anotsauka kubva panzira; uyo anovenga kudzorwa achafa.
Ukujezisa kubi kotshiya indlela; ozonda ukukhuzwa uzakufa.
11 Rufu nokuparadzwa zviri pachena pamberi paJehovha, ko, kuzoti mwoyo yavanhu! (Sheol h7585)
Isihogo lentshabalalo kuphambi kweNkosi; kakhulu kangakanani inhliziyo zabantwana babantu! (Sheol h7585)
12 Mudadi anovenga kudzorwa; haangabvunzi vakachenjera.
Isideleli kasithandi osikhuzayo, kasiyi kwabahlakaniphileyo.
13 Mwoyo wakafara, unofadza chiso, asi mwoyo une shungu unopwanya mweya.
Inhliziyo ethokozayo yenza ubuso bujabule, kodwa ngosizi lwenhliziyo umoya uyadabuka.
14 Mwoyo unonzvera unotsvaka ruzivo, asi muromo webenzi unodya upenzi.
Inhliziyo yoqedisisayo idinga ulwazi, kodwa umlomo wezithutha udla ubuthutha.
15 Mazuva ose omunhu anotambudzika akaipa, asi mwoyo unofara une mutambo nguva dzose.
Zonke insuku zohluphekayo zimbi, kodwa inhliziyo ethokozayo ilidili njalonjalo.
16 Zviri nani kuva nezvishoma uchitya Jehovha, pane kuva nepfuma zhinji namatambudziko.
Kungcono okuncinyane kanye lokwesaba iNkosi kulenotho enengi lenkathazo kanye layo.
17 Zviri nani kuva nezvokudya zvomuriwo pane rudo, pane kuva nemhuru yakakodzwa pane ruvengo.
Kungcono isidlo semibhida lapho okulothando khona kulenkabi enonileyo lenzondo kanye layo.
18 Munhu ane hasha anomutsa bopoto, asi munhu ane mwoyo murefu anonyaradza kukakavara.
Umuntu ololaka udungula ingxabano, kodwa ophuza ukuthukuthela uzathulisa ingxabano.
19 Nzira yesimbe yakasoswa neminzwa, asi nzira yavakarurama mugwagwa mukuru.
Indlela yevila injengothango lwameva, kodwa indlela yabaqotho ibuthelelwe.
20 Mwanakomana akachenjera anounzira baba vake mufaro, asi munhu benzi anozvidza mai vake.
Indodana ehlakaniphileyo ithokozisa uyise, kodwa umuntu oyisithutha weyisa unina.
21 Upenzi hunofadza munhu anoshayiwa njere, asi munhu anonzwisisa anochengetedza nzira yakarurama.
Ubuthutha buyintokozo koswela ingqondo, kodwa umuntu oqedisisayo uyaqondisa ukuhamba kwakhe.
22 Urongwa hunoparara kana pasina vanopa mazano, asi vanopa mazano vakawanda hunobudirira.
Amaqhinga angelaseluleko ayachitheka, kodwa ngabeluleki abanengi ayakuma.
23 Munhu anowana mufaro mukupa mhinduro yakanaka, uye rakanaka seiko shoko rinouya nenguva!
Umuntu ulentokozo ngempendulo yomlomo wakhe; lelizwi ngesikhathi salo, lihle kangakanani.
24 Nzira youpenyu kumunhu akachenjera inokwidza kumusoro, ichimuchengetedza kuti asaenda muguva. (Sheol h7585)
Indlela yempilo kohlakaniphileyo iya phezulu, ukuze asuke esihogweni phansi. (Sheol h7585)
25 Jehovha anoparadza imba yomunhu anozvikudza, asi agochengeta miganhu yechirikadzi yakasimba.
INkosi izadiliza indlu yozigqajayo, kodwa izamisa umngcele womfelokazi.
26 Jehovha anovenga pfungwa dzowakaipa, asi dzavakachena dzinomufadza.
Imicabango yomubi iyisinengiso eNkosini, kodwa amazwi amnandi ahlambulukile.
27 Munhu anokara pfuma anouyisa kutambudzika kumhuri yake, asi anovenga fufuro achararama.
Ophanga inzuzo ukhathaza indlu yakhe, kodwa ozonda izipho uzaphila.
28 Mwoyo wokururama unoyera mhinduro dzawo, asi muromo woakaipa unodurura zvakaipa.
Inhliziyo yolungileyo inakana ukuphendula, kodwa umlomo wababi uthulula izinto ezimbi.
29 Jehovha ari kure neakaipa, asi anonzwa munyengetero weakarurama.
INkosi ikhatshana labakhohlakeleyo, kodwa iyezwa umkhuleko wabalungileyo.
30 Chiso chinobwinya chinofadza mwoyo, uye mashoko akanaka anopa utano kumapfupa.
Ukukhanya kwamehlo kuthokozisa inhliziyo, lodaba oluhle lwenza amathambo akhuluphale.
31 Uyo anoteerera kutsiura kunopa upenyu achagara pakati pavakachenjera.
Indlebe elalela ukukhuzwa kwempilo izahlala phakathi kwabahlakaniphileyo.
32 Uyo asina hanya nokurangwa anozvizvidza iye pachake, asi ani naani anogamuchira kurayira achawana kunzwisisa.
Owala ukulaywa weyisa umphefumulo wakhe, kodwa olalela ukukhuzwa uzuza ukuqedisisa.
33 Kutya Jehovha kunodzidzisa munhu uchenjeri, uye kuzvininipisa kunotanga, kukudzwa kwozotevera.
Ukuyesaba iNkosi kuyikufundiswa kwenhlakanipho, lokuthobeka kwandulela udumo.

< Zvirevo 15 >