< Numeri 34 >

1 Jehovha akati kuna Mozisi,
여호와께서 모세에게 일러 가라사대
2 “Rayira vaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mapinda muKenani, nyika ichagoverwa kwamuri senhaka, ichava nemiganhu iyi:
너는 이스라엘 자손에게 명하여 그들에게 이르라 너희가 가나안 땅에 들어가는 때에 그 땅은 너희의 기업이 되리니 곧 가나안 사방 지경이라
3 “‘Rutivi rwenyu rwezasi ruchasanganisira chikamu cheGwenga reZini chinotevedzana nomuganhu weEdhomu. Muganhu wenyu wezasi, uchatangira kumagumo eGungwa roMunyu nechokumabvazuva,
너희 남방은 에돔 곁에 접근한 신 광야니 너희 남편 경계는 동편으로 염해 끝에서 시작하여
4 uchiyambukira zasi kweAkirabhimu, uchipfuurira nokuZini uye uchienda nezasi kweKadheshi Bharinea. Ipapo uchazoenda nokuHazari Adhari uchindosvika kuAzimoni,
돌아서 아그람빔 언덕 남편에 이르고 신을 지나 가데스바네아 남방에 이르고 또 하살아달을 지나 아스몬에 이르고
5 kwaunondopota, wobatana noRukova rweIjipiti uchindogumira paGungwa.
아스몬에서 돌아서 애굽 시내를 지나 바다까지 이르느니라
6 Muganhu wenyu wokumavirira uchange uri mahombekombe eGungwa Guru. Ndiwo uchava muganhu wenyu nechokumavirira.
서편 경계는 대해가 경계가 되나니 이는 너희의 서편 경계니라
7 Pamuganhu wenyu wokumusoro, munofanira kutara mutaro unobva kuGungwa Guru uchisvika kuGomo reHori
북편 경계는 이러하니 대해에서부터 호르산까지 긋고
8 uye kubva paGomo reHori uchisvika kuRebho Hamati. Ipapo muganhu uchaenda kuZedhadhi,
호르산에서 그어 하맛 어귀에 이르러 스닷에 미치고
9 wopfuurira kuZifurani uchindogumira paHazari Enani. Ndiwo uchava muganhu wenyu nechokumusoro.
그 경계가 또 시브론을 지나 하살에난에 미치나니 이는 너희 북편 경계니라
10 Pamuganhu wenyu wokumabvazuva, munofanira kutara mutaro unobva kuHazari Enani uchisvika kuShefami.
너희의 동편 경계는 하살에난에서 그어 스밤에 이르고
11 Muganhu uchadzika uchibva nokuShefami uchisvika kuRibhura nechokumabvazuva kweZini ugopfuurira wakatevedza materu ari kumabvazuva kweGungwa reKinereti.
그 경계가 또 스밤에서 리블라로 내려가서 아인 동편에 이르고 또 내려가서 긴네렛 동편 해변에 미치고
12 Ipapo muganhu uchadzika uchitevedza Jorodhani uchindoguma paGungwa roMunyu. “‘Iyi ndiyo ichava nyika yenyu, nemiganhu yayo kumativi ose.’”
그 경계가 또 요단으로 내려가서 염해에 미치나니 너희 땅의 사방 경계가 이러하니라
13 Mozisi akarayira vaIsraeri akati, “Goverai nyika iyi nomujenya wenhaka yenyu. Jehovha akarayira kuti ipiwe kumarudzi mapfumbamwe nehafu,
모세가 이스라엘 자손에게 명하여 가로되 `이는 너희가 제비뽑아 얻을 땅이라 여호와께서 이것을 아홉 지파와 반 지파에게 주라고 명하셨나니
14 nokuti mhuri dzorudzi rwaRubheni, norudzi rwaGadhi uye nehafu yorudzi rwaManase vakagamuchira nhaka yavo.
이는 르우벤 자손의 지파와 갓 자손의 지파가 함께 그들의 종족대로 그 기업을 받았고 므낫세의 반 지파도 기업을 받았음이라
15 Marudzi maviri aya nehafu vakagamuchira nhaka yavo kumabvazuva kweJorodhani reJeriko, kwakatarisana nokumabudazuva.”
이 두 지파와 반 지파가 여리고 맞은편 요단 건너편 곧 해 돋는 편에서 그 기업을 받았느니라'
16 Jehovha akati kuna Mozisi,
여호와께서 또 모세에게 일러 가라사대
17 “Aya ndiwo mazita avarume vanofanira kukugoverai nyika senhaka yenyu: Ereazari muprista naJoshua mwanakomana waNuni.
너희에게 땅을 기업으로 나눈 자의 이름이 이러하니 제사장 엘르아살과 눈의 아들 여호수아니라
18 Uye ugadze mutungamiri mumwe chete kubva kurudzi rumwe norumwe kuti vabatsire pakugova nyika.
너희가 또 기업의 땅을 나누기 위하여 매 지파에 한 족장씩 택하라
19 “Aya ndiwo mazita avo: “Karebhu mwanakomana waJefune, kubva kurudzi rwaJudha;
그 사람들의 이름은 이러하니 유다 지파에서는 여분네의 아들 갈렙이요
20 Kubva kurudzi rwaSimeoni, Shemueri mwanakomana waAmihudhi;
시므온 지파에서는 암미훗의 아들 스므엘이요
21 Kubva kurudzi rwaBhenjamini, Eridhadhi mwanakomana waKisironi;
베냐민 지파에서는 기슬론의 아들 엘리닷이요
22 Kubva kurudzi rwaDhani mutungamiri Bhuki mwanakomana waJogiri;
단 자손의 지파의 족장 요글리의 아들 북기요
23 Mutungamiri kubva kurudzi rwaManase mwanakomana waJosefa, Hanieri mwanakomana waEfodhi;
요셉 자손 중 므낫세 자손 지파의 족장 에봇의 아들 한니엘이요
24 Mutungamiri kubva kurudzi rwaEfuremu mwanakomana waJosefa, Kemueri mwanakomana waShifutani;
에브라임 자손 지파의 족장 십단의 아들 그므엘이요
25 Mutungamiri kubva kurudzi rwaZebhuruni, Erizafani mwanakomana waParanaki;
스블론 자손 지파의 족장 바르삭의 아들 엘리사반이요
26 Mutungamiri kubva kurudzi rwaIsakari, Paritieri mwanakomana waAzani;
잇사갈 자손 지파의 족장 앗산의 아들 발디엘이요
27 Mutungamiri kubva kurudzi rwaAsheri, Ahihudhi mwanakomana waSheromi;
아셀 자손 지파의 족장 슬로미의 아들 아히훗이요
28 Mutungamiri kubva kurudzi rwaNafutari, Pedhaheri mwanakomana waAmihudhi.”
납달리 자손 지파의 족장 암미훗의 아들 브다헬이니라 하셨으니
29 Ava ndivo varume vakarayirwa naJehovha kuti vagovere nhaka kuvaIsraeri munyika yeKenani.
여호와께서 명하사 가나안 땅에서 이스라엘 자손에게 기업을 나누게 하신 자들이 이러하였더라

< Numeri 34 >