< Mika 6 >

1 Teererai zvinotaurwa naJehovha: “Simukai, taurai nyaya yenyu pamberi pamakomo; zvikomo ngazvinzwe zvamunoda kutaura.
Sasa sikilizeni kile ambacho Yahwe asemacho, “Inuka na ueleze kesi yako mbele ya milima; acha milima isikie sauti yako.
2 Chinzwai imi makomo, kupomera kwaJehovha; teererai, imi hwaro hwenyika hunogara nokusingaperi. Nokuti Jehovha ane mhosva yaari kupa vanhu vake; anopa Israeri mhosva.
Sikilizeni madai ya Yahwe, enyi milima, na ninyi misingi mivumilivu ya dunia. Kwa kuwa Yahwe anavumilia pamoja na watu wake, na atapigana katika mahakama juu ya Israeli.”
3 “Vanhu vangu, chiiko chandakakuitirai? Ndakakuremedzai neiko? Ndipindurei.
Watu wangu, nimefanya nini kwenu? nimewachosha mara ngapi? shuhudieni dhidi yangu!
4 Ndakakubudisai kubva muIjipiti uye akakudzikinurai kubva munyika youranda. Ndakatuma Mozisi kuti azokutungamirirai, naAroniwo naMiriamu.
Kwa kuwa niliwaleta kutoka nchi ya Msiri na kuwaokoa kutoka kwenye nyumba ya utumwa. Nawatuma Musa, Aruni, na Mariamu kwako.
5 Vanhu vangu, rangarirai zvakaranganwa naBharaki mambo weMoabhu nezvakapindurwa naBharamu mwanakomana waBheori. Rangarirai rwendo rwenyu kubva kuShitimu kusvika kuGirigari, kuti mugoziva mabasa akarurama aJehovha.”
Watu wangu, kumbukeni ambavyo Balaki mfalme wa Moabu alivyotunga, na vile ambavyo Balamu mwana wa Beori alivyomjibu kama ulipokuwa ukienda kutoka kwa Gilgali, hivyo mnaweza kujua matendo ya haki ya Yahwe.”
6 Ndichauya neiko pamberi paJehovha. Uye ndigokotama sei pamberi paMwari anokudzwa? Ndingauye pamberi pake nezvibayiro zvinopiswa nemhuru dzine gore rimwe here?
Je nilete nini kwa Yahwe, ninapoenda kumwinamia Mungu aliye juu? Je ninaweza kuja kwake na sadaka za kuteketeza, pamoja na ndama wenye mwaka mmoja?
7 Ko, Jehovha angafadzwa nezviuru zvamakondobwe, uye nezviuru gumi zvenzizi dzamafuta here? Ndingapa dangwe rangu nokuda kwokudarika kwangu, icho chibereko chomuviri wangu pamusoro pokutadza kwomweya wangu here?
Je Yahwe atapendezwa na maelfu ya kondoo waume, au na elfu kumi za mito ya mafuta? Je nimtoe mzaliwa wangu wa kwanza kwa ajili ya kosa langu, tunda la mwili wangu kwa ajili ya dhambi yangu mwenyewe?
8 Akakuratidza, iwe munhu, kuti zvakanaka ndezvipi. Uye ndezvipi zvinodiwa naJehovha kubva kwauri? Kuita zvakarurama uye kufarira kunzwira ngoni, nokufamba naMwari wako wakazvininipisa.
Amekwambia, mtu, kile kilicho bora, na kile ambacho Yahwe atakacho kutoka kwako: Kutenda haki, kupenda ukarimu, na kutembea kwa unyenyekevu pamoja na Mungu wako.
9 Teererai! Jehovha anodanidzira kuguta, uye kutya zita renyu ndihwo uchenjeri: “Chenjererai shamhu naIye akaituma.
Sauti ya Yahwe inatangaza kwenye mji-hata sasa hekima hukukiri jina lako: “Kaa tayari kwa ajili ya fimbo, na kwa yule aliyeiweka.
10 Ndichazokanganwa here, iwe imba yakaipa, upfumi hwako hwakawanikwa nenzira dzakaipa, nechiero cheefa chakatapudzwa, chakatukwa?
Kuna utajiri katika nyumba za waovu, na kipimo cha uongo hilo ni chukizo mno.
11 Ndingaregerera munhu ane chiero chinonyengera nesaga rezviero zvenhema here?
Ningeweza kumfikira mtu kuwa hana hatia kama anatumia kipimo cha ulaghai, pamoja na mfuko wa kipimo wa udanganyifu?
12 Vapfumi vake vanoita nechisimba; vanhu vake varevi venhema, uye miromo yavo inotaura nokunyengera.
Matajiri wamejaa uharibifu, makazi yao yamesema uongo, na ulimi wao katika midomo yao unaudanganyifu.
13 Naizvozvo, ndatotanga kukuparadzai, kukuitai dongo nokuda kwezvivi zvenyu.
Kwa hiyo nimekupiga kwa pigo linaloumiza, nimekufanya gofu kwa sababu ya dhambi zako.
14 Muchadya asi hamungaguti: dumbu renyu richaramba risina chinhu. Muchaisa mudura asi mugoshaya zvamachengeta, nokuti zvamunounganidza ndichazviparadza nomunondo.
Utakula lakini hutatosheka; utupu wako utabakia ndani yako. Utatunza mizigo mbali lakini hutahifadhi, na kile unachokihifadhi nitakitoa kwa upanga.
15 Muchadyara asi hamungakohwi; muchasvina maorivhi asi hamungazori mafuta acho, muchasvina mazambiringa asi hamunganwi waini yacho.
Utapanda lakini huatavuna; utazikusanya zaituni lakini hutajipaka mafuta; utasindika zabibu lakini hutakunywa divai.
16 Makachengeta zvirevo zvaOmuri uye namabasa ose eimba yaAhabhu, uye makatevera tsika dzavo. Naizvozvo ndichakuisai mukuparadzwa, nevanhu venyu mukusekwa; muchatakura kushorwa kwendudzi.”
Kanuni zilizotengenezwa na Omri zimetunzwa, na matendo yote ya nyumba ya Ahabu. Mnatembea kwa ushauri wao. Hivyo nitakufanya wewe, mji, gofu, na makazi yako jambo la zomeo, na matabeba dharau kama watu wangu.”

< Mika 6 >