< Revhitiko 9 >

1 Pazuva rorusere Mozisi akadana Aroni navanakomana vake navakuru veIsraeri.
It happened on the eighth day, that Moses called Aaron and his sons, and the elders of Israel;
2 Akati kuna Aroni, “Tora hando diki yechipiriso chako chechivi negondobwe rechipiriso chako chinopiswa zvose zvisina kuremara ugouya nazvo kuna Jehovha.
and he said to Aaron, "Take a calf from the herd for a sin offering, and a ram for a burnt offering, without blemish, and offer them before YHWH.
3 Uti kuvana veIsraeri, ‘Torai nhongo yembudzi yechipiriso chechivi, mhuru negwayana zvose zvine gore uye zvisina kuremara sechipiriso chinopiswa
You shall speak to the children of Israel, saying, 'Take a male goat for a sin offering; and a calf and a lamb, both a year old, without blemish, for a burnt offering;
4 nehando negondobwe zvechipiriso chokuwadzana kuti mubayire pamberi paJehovha, pamwe chete nechipiriso chezviyo chakasanganiswa namafuta. Nokuti nhasi Jehovha achazviratidza kwamuri.’”
and a bull and a ram for peace offerings, to sacrifice before YHWH; and a meal offering mixed with oil: for today YHWH appears to you.'"
5 Vakatora zvinhu zvakarayirwa naMozisi vakaenda nazvo mberi kweTende Rokusangana uye ungano yose ikauya ikamira pamberi paJehovha.
They brought what Moses commanded before the Tent of Meeting: and all the congregation drew near and stood before YHWH.
6 Ipapo Mozisi akati, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha kuti muite kuti kubwinya kwaJehovha kugoratidzwa kwamuri.”
Moses said, "This is the thing which YHWH commanded that you should do: and the glory of YHWH shall appear to you."
7 Mozisi akati kuna Aroni, “Uya kuaritari ugobayira chipiriso chako chechivi nechipiriso chako chinopiswa ugozviyananisira iwe navanhu; bayira chipiriso chavanhu ugovayananisira sezvakarayirwa naJehovha.”
Moses said to Aaron, "Draw near to the altar, and offer your sin offering, and your burnt offering, and make atonement for yourself, and for the people; and offer the offering of the people, and make atonement for them; as YHWH commanded."
8 Saka Aroni akauya kuaritari akabaya mhuru sechipiriso chechivi chake.
So Aaron drew near to the altar, and killed the calf of the sin offering, which was for himself.
9 Vanakomana vake vakauya neropa kwaari akanyika munwe wake muropa akariisa panyanga dzearitari. Rimwe ropa rose akaridururira mujinga mearitari.
The sons of Aaron presented the blood to him; and he dipped his finger in the blood, and put it on the horns of the altar, and poured out the blood at the base of the altar:
10 Akapisa mafuta, itsvo namafuta akafukidza chiropa kubva pachipiriso chechivi paaritari sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.
but the fat, and the kidneys, and the cover from the liver of the sin offering, he burned upon the altar; as YHWH commanded Moses.
11 Nyama nedehwe akazvipisa kunze kwomusasa.
The flesh and the skin he burned with fire outside the camp.
12 Ipapo akabaya chipiriso chinopiswa, uye vanakomana vake vakamutambidza ropa akarisasa paaritari kumativi ose.
He killed the burnt offering; and Aaron's sons delivered the blood to him, and he sprinkled it around on the altar.
13 Vakamutambidza chipiriso chinopiswa chidimbu nechidimbu zvichisanganisira musoro akazvipisa paaritari.
They delivered the burnt offering to him, piece by piece, and the head: and he burned them upon the altar.
14 Akasuka ura namakumbo akazvipisa pamusoro pechipiriso chinopiswa paaritari.
He washed the entrails and the legs, and burned them on the burnt offering on the altar.
15 Ipapo Aroni akauya nechipiriso chavanhu akatora mbudzi yechipiriso chavanhu chechivi akaiuraya uye akaipa sechipiriso chechivi sezvaakaita neyokutanga.
He presented the people's offering, and took the goat of the sin offering which was for the people, and killed it, and offered it for sin, like the first.
16 Akauya nechipiriso chinopiswa akachipa nenzira yakatarwa.
He presented the burnt offering, and offered it according to the ordinance.
17 Akauyawo nechipiriso chezviyo, akatora tsama yacho akaipisa paaritari achiwedzera pachipiriso chinopiswa mangwanani.
He presented the meal offering, and filled his hand from there, and burned it upon the altar, besides the burnt offering of the morning.
18 Akabaya hando negondobwe sechipiriso chokuwadzana chavanhu. Vanakomana vake vakamutambidza ropa akarisasa paaritari kumativi ose.
He also killed the bull and the ram, the sacrifice of peace offerings, which was for the people: and Aaron's sons delivered to him the blood, which he sprinkled around on the altar,
19 Asi mafuta ehando neegondobwe, chimuswe chakakora, fukidziro yamafuta, itsvo nezvinofukidza chiropa,
and the fat of the bull and of the ram, the fat tail, and that which covers the entrails, and the kidneys, and the cover of the liver:
20 izvi vakazviisa pazvityu. Aroni akapisa mafuta paaritari.
and they put the fat upon the breasts, and he burned the fat on the altar:
21 Aroni akaninira zvityu nebandauko rokurudyi pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira sokurayirwa kwaMozisi.
and the breasts and the right thigh Aaron waved for a wave offering before YHWH, as Moses commanded.
22 Ipapo Aroni akasimudzira maoko ake kuvanhu akavaropafadza. Apedza kubayira chipiriso chechivi, chipiriso chinopiswa nechipiriso chokuwadzana akaburuka pasi.
Aaron lifted up his hands toward the people, and blessed them; and he came down from offering the sin offering, and the burnt offering, and the peace offerings.
23 Mozisi naAroni vakapinda muTende Rokusangana. Pavakabuda vakaropafadza vanhu, uye kubwinya kwaJehovha kukaonekwa navanhu vose.
Moses and Aaron went into the Tent of Meeting, and came out, and blessed the people: and the glory of YHWH appeared to all the people.
24 Moto wakabuda kubva pamberi paJehovha ukapisa chipiriso chinopiswa namafuta paaritari. Vanhu vose pavakazviona vakadanidzira nomufaro uye vakawira pasi nezviso zvavo.
There came forth fire from before YHWH, and consumed the burnt offering and the fat upon the altar: and when all the people saw it, they shouted, and fell on their faces.

< Revhitiko 9 >