< Revhitiko 21 >

1 Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuvaprista vanakomana vaAroni uti kwavari: ‘Muprista haafaniri kuzvisvibisa, achiitira kunyange ani zvake pakati pavanhu vake vanofa.
INkosi yasisithi kuMozisi: Tshono kubapristi, amadodana kaAroni, uthi kubo: Kakungabi khona ozingcolisayo ngofileyo phakathi kwabantu bakibo,
2 Kunze kwehama yepedyo yakaita samai kana baba vake, mwanakomana kana mwanasikana wake, mukoma kana mununʼuna wake,
ngaphandle kwesihlobo sakhe, esiseduze laye, ngonina, langoyise, langendodana yakhe, langendodakazi yakhe, langomfowabo,
3 kana hanzvadzi yake isina kuroorwa yaanochengeta sezvo asina murume nokuda kwaiyeyu angagona kuzvisvibisa.
langodadewabo intombi emsulwa, eseduze laye, engazange ibe ngeyendoda; angazingcolisa ngayo.
4 Haafaniri kuzvisvibisa nokuda kwavanhu vano ukama naye hwokuwanana, akadaro azvisvibisa.
Kayikuzingcolisa, eyisikhulu phakathi kwabantu bakibo, ukuzingcolisa.
5 “‘Vaprista havafaniri kuveurwa misoro kana kudimburira ndebvu dzavo kana kutema miviri yavo nyora.
Kabayikwenza impabanga ekhanda labo, bangageli igumbi lodevu lwabo, bangacabi inhlanga enyameni yabo.
6 Vanofanira kuva vatsvene kuna Mwari wavo uye havafaniri kumhura zita raMwari wavo. Nokuti vanouyisa kuna Jehovha zvipiriso zvinoitwa nomoto, nezvokudya zvaMwari wavo; naizvozvo vanofanira kuva vatsvene.
Bazakuba ngcwele kuNkulunkulu wabo, bangeyisi ibizo likaNkulunkulu wabo. Ngoba banikela iminikelo yeNkosi eyenziwe ngomlilo, ukudla kukaNkulunkulu wabo. Ngakho bazakuba ngcwele.
7 “‘Havafaniri kuwana vakadzi vakasvibiswa noufeve kana kuti vakarambwa navarume vavo nokuti muprista mutsvene kuna Mwari wake.
Kabayikuthatha owesifazana oyisifebe kumbe ongcolileyo, njalo kabayikuthatha owesifazana olahlwe yindoda yakhe; ngoba ungcwele kuNkulunkulu wakhe.
8 Mutsaurei somutsvene nokuti ndiye anouya nezvokudya zvaMwari wenyu. Mutsaurei somutsvene nokuti ini Jehovha ndiri mutsvene, ini ndinokuitai vatsvene.
Ngakho uzamngcwelisa, ngoba unikela ukudla kukaNkulunkulu wakho. Uzakuba ngcwele kuwe, ngoba mina Nkosi elingcwelisayo ngingcwele.
9 “‘Kana mwanasikana womuprista akazvisvibisa nokuva chifeve, anonyadzisa baba vake; anofanira kupiswa mumoto.
Lendodakazi yaloba nguwuphi umpristi, uba izingcolisa ngokuphinga, iyamngcolisa uyise; izatshiswa ngomlilo.
10 “‘Muprista mukuru, uyo ari pakati pamadzikoma ake navanunʼuna vake, akadirwa mafuta okuzodzwa pamusoro pake uye akagadzwa kuti apfeke nguo dzouprista, haafaniri kurega bvudzi rake risina kukamiwa, kana kubvarura nguo dzake.
Lompristi omkhulu phakathi kwabafowabo, okuthelwe ekhanda lakhe amafutha okugcoba, lowehlukaniselwa ukuthi embathe izembatho, kayikuvumela ukuthi ikhanda lakhe lembulwe, angadabuli izembatho zakhe;
11 Haafaniri kupinda munzvimbo ine chitunha. Haafaniri kuzvisvibisa kunyange nokuda kwababa vake kana mai vake,
angayi lakusiphi isidumbu, angazingcolisi ngoyise loba ngonina;
12 kana kubva munzvimbo tsvene yaMwari kana kuisvibisa, nokuti akakumikidzwa namafuta okuzodza aMwari wake. Ndini Jehovha.
angaphumi endlini engcwele, angangcolisi indlu engcwele kaNkulunkulu wakhe, ngoba umqhele wamafutha okugcoba kaNkulunkulu wakhe uphezu kwakhe. NgiyiNkosi.
13 “‘Mukadzi waanowana anofanira kunge ari mhandara izere.
Njalo yena uzathatha umfazi ebuntombini bakhe.
14 Haafaniri kuwana chirikadzi, mukadzi akarambwa kana mukadzi akasvibiswa noufeve asi mhandara yakazara bedzi kubva kuvanhu vokwake,
Umfelokazi, kumbe olahliweyo, loba isifebe esingcolisiweyo, laba kangabathathi. Kodwa uzathatha intombi emsulwa ebantwini bakibo ibe ngumkakhe,
15 kuitira kuti arege kuzosvibisa zvizvarwa zvake pakati pavanhu vokwake. Ndini Jehovha ndinomuita mutsvene.’”
njalo angangcolisi inzalo yakhe phakathi kwabantu bakibo. Ngoba ngiyiNkosi emngcwelisayo.
16 Jehovha akati kuna Mozisi,
INkosi yasikhuluma kuMozisi isithi:
17 “Uti kuna Aroni, ‘Kuzvizvarwa zvichatevera hakuna mumwe wezvizvarwa zvako akaremara angaswedera pedyo kuzopa zvokudya zvaMwari wake.
Khuluma kuAroni usithi: Loba ngubani owenzalo yakho ezizukulwaneni zabo okulesici kuye kangasondeli ukunikela ukudla kukaNkulunkulu wakhe.
18 Hapana munhu ano urema hupi zvahwo angaswedera pedyo: hakuna bofu kana anokamhina kana akaremara;
Ngoba loba nguwuphi umuntu okulesici kuye angasondeli, umuntu oyisiphofu, kumbe oyisiqhuli, kumbe olimele ebusweni, kumbe olesitho eselulekileyo,
19 hakuna munhu ane gumbo rakaremara kana ruoko rwakaremara,
kumbe umuntu okulokwephuka konyawo kuye, kumbe ukwephuka kwesandla,
20 kana ane musana wakakombama, munhu akapfupikisa kana ano urema hwamaziso kana ane mamota kana ane mhezi, kana akakuvara manhu ake.
kumbe olesifumbu, kumbe ongumuthwa, kumbe olomntwana elihlweni lakhe, kumbe olentembuzane, kumbe oloqweqwe olulumayo, loba olimele emasendeni.
21 Hapana wechizvarwa chaAroni akaremara neipi nzira angaswedera pedyo kuzopa zvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto. Ano urema; haafaniri kuswedera pedyo kuzopa zvokudya zvaMwari wake.
Kakulamuntu owenzalo kaAroni umpristi okukuye isici ozasondela ukunikela iminikelo yeNkosi eyenziwe ngomlilo; kulesici kuye, angasondeli ukunikela ukudla kukaNkulunkulu wakhe.
22 Angadya hake zvokudya zvitsvene-tsvene zvaMwari wake, pamwe chete nezvokudya zvitsvene;
Angadla ukudla kukaNkulunkulu wakhe, ezintweni ezingcwelengcwele lezintweni ezingcwele,
23 asi nokuda kwourema hwake, haafaniri kusvika pedyo nechidzitiro kana kusvika paaritari, agosvibisa nzvimbo yangu tsvene. Ndini Jehovha ndinovaita vatsvene.’”
kodwa angezi kulo iveyili, angasondeli elathini, ngoba kulesici kuye, ukuze angangcolisi izindlu zami ezingcwele. Ngoba ngiyiNkosi ebangcwelisayo.
24 Saka Mozisi akataura izvi kuna Aroni navanakomana vake nokuvaIsraeri vose.
UMozisi wasekhuluma lokho kuAroni, lakumadodana akhe, lakubo bonke abantwana bakoIsrayeli.

< Revhitiko 21 >