< Kuungudza kwaJeremia 3 >

1 Ndini munhu akaona kutambudzika neshamhu yehasha dzake.
我是因耶和華忿怒的杖, 遭遇困苦的人。
2 Akandidzingira kure akaita kuti ndifambe murima panzvimbo yomuchiedza;
他引導我,使我行在黑暗中, 不行在光明裏。
3 zvirokwazvo, akashandura ruoko rwake kuti rundirwise nguva nenguva, zuva rose.
他真是終日再三反手攻擊我。
4 Akasakadza ganda rangu nenyama yangu uye akavhuna mapfupa angu.
他使我的皮肉枯乾; 他折斷我的骨頭。
5 Akandikomba akandipoteredza neshungu nokurwadziswa.
他築壘攻擊我, 用苦楚和艱難圍困我。
6 Akandigarisa murima savanhu vakafa kare kare.
他使我住在幽暗之處, 像死了許久的人一樣。
7 Akandipfigira kuti ndisapunyuka, akandiremedza nengetani.
他用籬笆圍住我,使我不能出去; 他使我的銅鍊沉重。
8 Kunyange ndikadana kana kuridza mhere kuti ndibatsirwe, anopfigira munyengetero wangu kunze.
我哀號求救; 他使我的禱告不得上達。
9 Akadzivira nzira yangu namatombo; akaminamisa nzira dzangu.
他用鑿過的石頭擋住我的道; 他使我的路彎曲。
10 Sebere rakavandira, seshumba yakavanda,
他向我如熊埋伏, 如獅子在隱密處。
11 akandikwekweredza kubva munzira uye akandibvarura-bvarura akandisiya ndisina mubatsiri.
他使我轉離正路, 將我撕碎,使我淒涼。
12 Akawembura uta hwake akandiita chinhu chinonangwa nemiseve yake.
他張弓將我當作箭靶子。
13 Akabaya mwoyo wangu nemiseve yaibva mugoba rake.
他把箭袋中的箭射入我的肺腑。
14 Ndakava chiseko chavanhu vangu vose; vakandihomera nenziyo pazuva rose.
我成了眾民的笑話; 他們終日以我為歌曲。
15 Akandigutsa nemiriwo inovava, uye akandinwisa nduru.
他用苦楚充滿我,使我飽用茵蔯。
16 Akagura mazino angu nerukangarabwe; akanditsokodzera muguruva.
他又用沙石磣斷我的牙, 用灰塵將我蒙蔽。
17 Ndakatorerwa rugare; ndakakanganwa kuti kubudirira chii.
你使我遠離平安, 我忘記好處。
18 Naizvozvo ndinoti, “Kubwinya kwangu kwaenda, uye nezvose zvandanga ndakatarisira kuna Jehovha.”
我就說:我的力量衰敗; 我在耶和華那裏毫無指望!
19 Ndinorangarira kutambudzika kwangu nokudzungaira kwangu, kurwadziwa uye nenduru.
耶和華啊,求你記念我 如茵蔯和苦膽的困苦窘迫。
20 Ndinozvirangarira kwazvo, uye mweya wangu wasuruvara mukati mangu.
我心想念這些, 就在裏面憂悶。
21 Asi izvi ndinozvirangarira mupfungwa uye naizvozvo ndine tariro:
我想起這事, 心裏就有指望。
22 Nokuda kwerudo rukuru rwaJehovha, hatina kuparadzwa, nokuti tsitsi dzake hadzitongoperi.
我們不致消滅, 是出於耶和華諸般的慈愛; 是因他的憐憫不致斷絕。
23 Itsva mangwanani oga oga, kutendeka kwenyu kukuru.
每早晨,這都是新的; 你的誠實極其廣大!
24 Ndinoti kumwoyo wangu, “Jehovha ndiye mugove wangu; naizvozvo ndichamumirira.”
我心裏說:耶和華是我的分, 因此,我要仰望他。
25 Jehovha akanaka kuna avo vanovimba naye, kumunhu anomutsvaka;
凡等候耶和華,心裏尋求他的, 耶和華必施恩給他。
26 chinhu chakanaka kumirira ruponeso rwaJehovha unyerere.
人仰望耶和華, 靜默等候他的救恩, 這原是好的。
27 Chinhu chakanaka kuti munhu atakure joko achiri mudiki.
人在幼年負軛, 這原是好的。
28 Ngaagare ari oga anyerere, nokuti Jehovha ndiye akariturika paari.
他當獨坐無言, 因為這是耶和華加在他身上的。
29 Ngaavige chiso chake muguruva, zvimwe tariro ichiripo.
他當口貼塵埃, 或者有指望。
30 Ngaape dama rake kumunhu anomurova, uye ngaazadzwe nenyadzi.
他當由人打他的腮頰, 要滿受凌辱。
31 Nokuti vanhu havangaraswi naIshe nokusingaperi.
因為主必不永遠丟棄人。
32 Kunyange achiuyisa kusuwa, achanzwira hake tsitsi, rukuru sei rudo rwake rusingaperi.
主雖使人憂愁, 還要照他諸般的慈愛發憐憫。
33 Nokuti haafariri kuuyisa kurwadziwa kana kusuwa kuvana vavanhu.
因他並不甘心使人受苦, 使人憂愁。
34 Kutsikira pasi petsoka vasungwa vose venyika,
人將世上被囚的踹在腳下,
35 kurambira munhu kodzero yake pamberi peWokumusoro-soro,
或在至高者面前屈枉人,
36 kutadzisa munhu kuwana kururamisirwa kwake ko, Ishe haangaoni zvinhu zvakadai here?
或在人的訟事上顛倒是非, 這都是主看不上的。
37 Ndiani angataura akaita kuti zviitike kana Ishe asina kuzvirayira?
除非主命定, 誰能說成就成呢?
38 Ko, hazvibvi mumuromo weWokumusoro-soro here zvose zvakaipa nezvinhu zvakanaka zvinouya?
禍福不都出於至高者的口嗎?
39 Ko, munhu mupenyu anonyunyutirei kana arangwa nokuda kwezvivi zvake?
活人因自己的罪受罰, 為何發怨言呢?
40 Ngatinzverei nzira dzedu uye ngatidziedzei, uyewo ngatidzokerei kuna Jehovha.
我們當深深考察自己的行為, 再歸向耶和華。
41 Ngatisimudzei mwoyo yedu namaoko edu kuna Mwari ari kudenga, tigoti:
我們當誠心向天上的上帝舉手禱告。
42 “Takatadza uye takakumukirai uye imi hamuna kukanganwira.
我們犯罪背逆, 你並不赦免。
43 “Makazvifukidza nokutsamwa mukatidzingirira; makauraya musinganzwiri ngoni.
你自被怒氣遮蔽,追趕我們; 你施行殺戮,並不顧惜。
44 Makazvifukidza negore kuti kurege kuva nomunyengetero ungasvikako.
你以黑雲遮蔽自己, 以致禱告不得透入。
45 Makatiita marara netsvina pakati pendudzi.
你使我們在萬民中成為污穢和渣滓。
46 “Vavengi vedu vose vakashama miromo yavo kwazvo kuti vatituke.
我們的仇敵都向我們大大張口。
47 Takawirwa nokutya uye takateyiwa nehunza, kuparara nokuparadzwa kukuru.”
恐懼和陷坑,殘害和毀滅, 都臨近我們。
48 Hova dzemisodzi dzinoyerera kubva mumaziso angu, nokuti vanhu vangu vaparadzwa.
因我眾民遭的毀滅, 我就眼淚下流如河。
49 Meso angu acharamba achiyerera misodzi, pasina zvinoyamura,
我的眼多多流淚, 總不止息,
50 kusvikira Jehovha aringira pasi kubva kudenga akaona.
直等耶和華垂顧, 從天觀看。
51 Zvandinoona zvinochemedza mweya wangu, nokuda kwavakadzi vose veguta rangu.
因我本城的眾民, 我的眼,使我的心傷痛。
52 Avo vakanga vari vavengi vangu ini pasina chikonzero vakandivhima seshiri.
無故與我為仇的追逼我, 像追雀鳥一樣。
53 Vakaedza kundiuraya mugomba uye vakapotsera matombo kwandiri;
他們使我的命在牢獄中斷絕, 並將一塊石頭拋在我身上。
54 mvura zhinji yakafukidza musoro wangu, uye ndakafunga kuti ndava pedyo nokufa.
眾水流過我頭, 我說:我命斷絕了!
55 Ndakadana zita renyu, imi Jehovha, ndiri mugomba rakadzika.
耶和華啊, 我從深牢中求告你的名。
56 Makanzwa kukumbira kwangu: “Regai kudzivira nzeve dzenyu pandinochemera rubatsiro.”
你曾聽見我的聲音; 我求你解救, 你不要掩耳不聽。
57 Makaswedera pedyo pandakakudanai, mukati, “Usatya.”
我求告你的日子,你臨近我, 說:不要懼怕!
58 Haiwa Ishe, makandireverera mhaka yangu; makadzikinura upenyu hwangu.
主啊,你伸明了我的冤; 你救贖了我的命。
59 Makaona imi Jehovha, zvakaipa zvandakaitirwa. Nditongerei mhaka yangu!
耶和華啊,你見了我受的委屈; 求你為我伸冤。
60 Makaona udzamu hwokutsva kwavo, idzo rangano dzavo dzose pamusoro pangu.
他們仇恨我,謀害我, 你都看見了。
61 Haiwa Jehovha, makanzwa kutuka kwavo, idzo rangano dzavo dzose pamusoro pangu,
耶和華啊,你聽見他們辱罵我的話, 知道他們向我所設的計,
62 dzinozevezerwa nokungurumwa navavengi vangu pamusoro pangu zuva rose.
並那些起來攻擊我的人口中所說的話, 以及終日向我所設的計謀。
63 Tarirai kwavari! Vakagara kana kumira, vanondituka nenziyo dzavo.
求你觀看, 他們坐下,起來,都以我為歌曲。
64 Varipidzirei zvakavafanira, imi Jehovha, zvakaitwa namaoko avo.
耶和華啊,你要按着他們手所做的 向他們施行報應。
65 Isai chidziro pamwoyo yavo, uye kutuka kwenyu ngakuve pamusoro pavo!
你要使他們心裏剛硬, 使你的咒詛臨到他們。
66 Vadzinganisei makatsamwa muvaparadze, vabve pasi pamatenga aJehovha.
你要發怒追趕他們, 從耶和華的天下除滅他們。

< Kuungudza kwaJeremia 3 >