< Joshua 17 >

1 Uyu ndiwo mugove worudzi rwaManase sedangwe raJosefa, ndiko kuti mugove waMakiri dangwe raManase. Makiri ndiye akanga ari tateguru wavaGireadhi, uye akanga apiwa Gireadhi neBhashani nokuti vaMakiri vakanga vari varwi vakuru.
This was the assignment of land for the tribe of Manasseh (who was the firstborn of Joseph)—that is, for Makir, who was Manasseh's firstborn and who himself was the father of Gilead. Makir's descendants were assigned the land of Gilead and Bashan, because Makir had been a man of war.
2 Saka mugove uyu wakanga uri wavanhu vakasara vaManase dzimba dzaAbhiezeri, Hereki, Asirieri, Shekemu, Hefa naShemidha. Izvi ndizvo zvimwe zvizvarwa zvechirume zvaManase mwanakomana waJosefa nedzimba dzavo.
Land was assigned to the rest of the tribe of Manasseh, given to their clans—Abiezer, Helek, Asriel, Shechem, Hepher, and Shemida. These were the male descendants of Manasseh son of Joseph, presented by their clans.
3 Zvino Zerofehadhi mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGireadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, akanga asina vanakomana asi vanasikana chete. Mazita avo aiti Mara, Noa, Hogira, Mirika, naTiriza.
Now Zelophehad son of Hepher son of Gilead son of Makir son of Manasseh had no sons, but only daughters. The names of his daughters were Mahlah, Noah, Hoglah, Milkah, and Tirzah.
4 Ivo vakaenda kuna Ereazari muprista nokuna Joshua mwanakomana waNuni, nokuvatungamiri vakandoti, “Jehovha akarayira Mozisi kuti atipe nhaka pakati pehama dzedu.” Naizvozvo Joshua akavapa nhaka pamwe chete navanunʼuna vababa vavo, sezvakanga zvarayirwa naJehovha.
They approached Eleazar the priest, Joshua son of Nun, and the leaders, and they said, “Yahweh commanded Moses to give to us an inheritance along with our brothers.” So, following the commandment of Yahweh, he gave those women an inheritance among the brothers of their father.
5 Mugove waManase waisanganisira matunhu gumi tisingaverengi Gireadhi neBhashani dzaiva kumabvazuva kweJorodhani,
Ten parcels of land were assigned to Manasseh in Gilead and Bashan, which is on the other side of the Jordan,
6 nokuti vanasikana vorudzi rwaManase vakapiwa nhaka pakati pavanakomana. Nyika yeGireadhi yakanga iri yezvimwe zvizvarwa zvose zvaManase.
because the daughters of Manasseh received an inheritance along with his sons. The land of Gilead was assigned to the rest of the tribe of Manasseh.
7 Nyika yaManase yaitangira kuAsheri ichindosvika kuMikimetati kumabvazuva kweShekemu. Muganhu wainanga nechezasi uchibva ikoko uye waisanganisira vanhu vakanga vagere muEni Tapua.
The territory of Manasseh reached from Asher to Mikmethath, which is east of Shechem. Then the border went southward to those living near the spring of Tappuah.
8 (Nyika yeTapua yakanga iri yaManase asi guta reTapua pacharo raiva pamuganhu waManase, rakanga riri ravaEfuremu.)
(The land of Tappuah belonged to Manasseh, but the town of Tappuah on the border of Manasseh belonged to the tribe of Ephraim.)
9 Zvino muganhu waipfuurira zasi kuRwizi rweKana. Kwakanga kuna maguta aiva aEfuremu akanga ari pakati pamaguta aManase, asi muganhu waManase wakanga uri nechokumusoro kworwizi uchindogumira pagungwa.
The border went down to the brook of Kanah. These cities south of the brook among the towns of Manasseh belonged to Ephraim. The border of Manasseh was on the north side of the brook, and it ended at the sea.
10 Nechezasi nyika iyi yakanga iri yaEfuremu uye kurutivi rwokumusoro yakanga iri yaManase. Nyika yaManase yaisvika kugungwa uye yaiganhurana naAsheri nechokumusoro uye naIsakari kumabvazuva.
The land to the south belonged to Ephraim, and the land to the north was Manasseh's; the sea was the border. On the north side Asher can be reached, and to the east, Issachar.
11 Mukati meIsakari neAsheri, Manase akanga ainewo Bheti Shani, Ibhireami navanhu veDhori, Enidhori, Tanaki neMegidho, pamwe chete nemisha yakapoteredza (yechitatu pakuverengwa iNafoti).
Also in Issachar and in Asher, Manasseh possessed Beth Shan and its villages, Ibleam and its villages, the inhabitants of Dor and its villages, the inhabitants of Endor and its villages, the inhabitants of Taanach and its villages, and the inhabitants of Megiddo and its villages (and the third city is Napheth).
12 Asi vana vaManase havana kugona kugara mumaguta aya, nokuti vaKenani vakashinga kugara munyika iyoyo.
Yet the tribe of Manasseh could not take possession of those cities, for the Canaanites continued to live in this land.
13 Kunyange zvakadaro hazvo, vaIsraeri vakati vava nesimba, vakaisa vaKenani pasi pavo ndokuvashandisa chibharo, asi havana kuvadzinga zvachose.
When the people of Israel grew strong, they put the Canaanites to forced labor, but did not completely drive them out.
14 Vanhu vaJosefa vakati kuna Joshua, “Makatipireiko mugove mumwe chete nechikamu chimwe chete kuti ive nhaka yedu? Tiri vanhu vazhinji uye Jehovha akatiropafadza zvikuru.”
Then the descendants of Joseph said to Joshua, saying, “Why have you given us only one assignment of land and one portion for an inheritance, since we are a people great in number, and all along Yahweh has blessed us?”
15 Joshua akapindura achiti, “Kana muri vanhu vazhinji, uye kana nyika yezvikomo yaEfuremu iri diki chaizvo kwamuri, endai kudondo munozvitemera nzvimbo ikoko kunyika yavaPerizi neyavaRefaiti.”
Joshua said to them, “If you are a people great in number, go up by yourselves to the forest and there clear the ground for yourselves in the land of the Perizzites and of the Rephaim. Do this, since the hill country of Ephraim is too small for you.”
16 Vanhu vaJosefa vakati, “Nyika yamakomo haitikwaniri, uye vaKenani vose vanogara mubani vane ngoro dzesimbi, ivo vose vari muBheti Sheani nemisha yaro pamwe chete navari muMupata weJezireeri.”
The descendants of Joseph said, “The hill country is not enough for us. But all the Canaanites who live in the valley have chariots of iron, both those who are in Beth Shan and its villages, and those who are in the Valley of Jezreel.”
17 Asi Joshua akati kuimba yaJosefa, imba yaEfuremu naManase, “Imi muri vanhu vazhinji uye mune simba guru. Hamungave nomugove mumwe chete
Then Joshua said to the house of Joseph—to Ephraim and Manasseh, “You are a people great in number, and you have great power. You must not have only one piece of land assigned to you.
18 asi nyika yamakomo ichava yenyu; nokuti kunyange riri dondo, muchafanira kuritema rigova renyu kusvikira kwarinoperera, nokuti munofanira kudzinga vaKenani, kunyange vane ngoro dzesimbi uye vane simba.”
The hill country will also be yours. Though it is a forest, you will clear it and take possession of it to its farthest borders. You will drive out the Canaanites, even though they have chariots of iron, and even though they are strong.”

< Joshua 17 >