< Joshua 12 >

1 Aya ndiwo madzimambo enyika iyoyo akakundwa navaIsraeri uye nenyika yavo yavakatora kumabvazuva eJorodhani, kubva kuMupata weAnoni kusvikira kuGomo reHemoni, zvichisanganisira divi rose rokumabvazuva eArabha: 2 Sihoni mambo wavaAmori, aitonga muHeshibhoni. Aitonga kubva kuAroeri kumucheto woMupata weAnoni, kubva pakati pomupata, kusvikira kuRwizi rweJabhoki, unova muganhu wavaAmori. Izvi zvaisanganisira hafu yeGireadhi. 3 Akatongawo kumabvazuva eArabha kubva kuGungwa reKinereti kusvikira kuGungwa reArabha (Gungwa roMunyu), kusvikira kuBheti Jeshimoti, nokurutivi rwezasi nyasi kwemawere ePisiga. 4 Uyewo nenyika yaOgi mambo weBhashani, mumwe wevokupedzisira wavaRefi, akatonga muAshitaroti nomuEdhirei. 5 Akatonga Gomo reHemoni, neSareka, neBhashani yose kusvikira kumuganhu wavanhu veGesheri neMaaka, nehafu yeGireadhi kusvikira kumuganhu waSihoni mambo weHeshibhoni. 6 Mozisi, muranda waJehovha, navaIsraeri vakavakunda. Uye Mozisi muranda waJehovha akapa nyika yavo kurudzi rwaRubheni, norudzi rwaGadhi nehafu yorudzi rwaManase kuti ive nhaka yavo. 7 Aya ndiwo madzimambo enyika iyoyo akakundwa naJoshua navaIsraeri kurutivi rwokumavirazuva eJorodhani, kubva paBhaari Gadhi muMupata weRebhanoni kusvikira kuGomo reHaraki, rinokwidza richienda kuSeiri (nyika dzavo Joshua akadzipa kumarudzi avaIsraeri kuti ive nhaka yavo zvichienderana namarudzi avo, 8 nyika yamakomo, mujinga mamakomo kwakadziva kumavirazuva, Arabha, mawere amakomo, gwenga neNegevhi, inova nyika yavaHiti, vaAmori, vaKenani, vaPerizi, vaHivhi navaJebhusi): 9 mambo weJeriko mumwe chete namambo weAi (pedyo neBheteri) mumwe chete 10 mambo weJerusarema mumwe chete mambo weHebhuroni mumwe chete 11 mambo weJarumuti mumwe chete mambo weRakishi mumwe chete 12 mambo weEgironi mumwe chete mambo weGezeri mumwe chete 13 mambo weDhebhiri mumwe chete mambo weGedheri mumwe chete 14 mambo weHoma mumwe chete mambo weAradhi mumwe chete 15 mambo weRibhina mumwe chete mambo weAdhuramu mumwe chete 16 mambo weMakedha mumwe chete mambo weBheteri mumwe chete 17 mambo weTapua mumwe chete mambo weHeferi mumwe chete 18 mambo weAfeki mumwe chete mambo weRasharoni mumwe chete 19 mambo weMadhoni mumwe chete mambo weHazori mumwe chete 20 mambo weShimuroni Meroni mumwe chete mambo weAkishafi mumwe chete 21 mambo weTaanaki mumwe chete mambo weMegidho mumwe chete 22 mambo weKadheshi mumwe chete mambo weJokineamu muKarimeri mumwe chete 23 mambo weDhori (muNafoti Dhori) mumwe chete mambo weGoyimi muGirigari mumwe chete 24 mambo weTiriza mumwe chete, madzimambo makumi matatu nomumwe pamwe chete.

< Joshua 12 >