< Jobho 9 >

1 Ipapo Jobho akapindura akati: 2 “Zvirokwazvo ndinoziva kuti ichokwadi. Asi munhu anofa angava akarurama pamberi paMwari seiko? 3 Kunyange dai mumwe aida kuita nharo naye, haaizogona kumupindura kamwe chete pamibvunzo chiuru. 4 Uchenjeri hwake hwakadzika, simba rake iguru kwazvo. Ndianiko akamudzivisa akabuda asina vanga? 5 Anofambisa makomo iwo asingazivi agoapidigura mukutsamwa kwake kukuru. 6 Anozungunusa nyika ikabva panzvimbo yayo uye anoita kuti mbiru dzayo dzidengenyeke. 7 Anotaura kuzuva iro ndokurega kuvhenekera; anodzivira chiedza chenyeredzi. 8 Iye oga anotambanudza matenga uye anofamba pamusoro pamafungu egungwa. 9 Ndiye Muiti weNyeredzi dzeAkutiro neOrioni, dzeChimunomwe namapoka enyeredzi dzenyasi. 10 Anoita minana isingagoni kunzwisisiswa, nezvishamiso zvisingagoni kuverengwa. 11 Paanondipfuura, handigoni kumuona; paanoenda napo handingamuoni. 12 Kana achibvuta, ndiani angamudzivisa? Ndiani angati kwaari, ‘Unoiteiko?’ 13 Mwari haadzori kutsamwa kwake; kunyange boka ravarwi raRahabhi rakawira patsoka dzake nokutya. 14 “Zvino ndingakakavadzana naye seiko? Ndingawana seiko mashoko okuita nharo naye? 15 Kunyange ndakanga ndisina mhaka, handaigona kumupindura; ndaingokumbira hangu nyasha kuMutongi wangu. 16 Kunyange dai ndaimudana hangu uye akandipindura, handitendi kuti aizowana nguva yokundinzwa. 17 Aizondiparadza nedutu uye achizowedzera maronda angu pasina mhosva. 18 Haaizonditenderazve kuti nditure mafemo, asi aizondizadza namatambudziko. 19 Kana zviri zvesimba, iye ane simba guru! Uye kana zviri zvokururamisira, ndianiko angamudana kuti amutonge? 20 Kunyange dai ndisina mhosva, muromo wangu waizongondipa mhaka; dai zvangu ndakarurama, iwo waizongondipa mhaka. 21 “Kunyange ndisina mhosva, handina hangu hanya nazvo; ndinozvidza upenyu hwangu pachangu. 22 Zvakangofanana; ndokusaka ndichiti, ‘Iye anoparadza vasina mhosva nevakaipa.’ 23 Kana dambudziko rikauyisa rufu nokukurumidza, achaseka kushaya tariro kwavasina mhosva. 24 Panowira nyika mumaoko avakaipa, vatongi vayo anovapofumadza. Kana asiri iye, zvino ndianiko? 25 “Mazuva angu anokurumidza kupfuura mumhanyi; anobhururuka oenda asina kumboona mufaro. 26 Anopfuura sezvikepe zvenhokwe, kufanana namakondo anomhanyira nyama yawo. 27 Kana ndikati, ‘Ndichakanganwa kunyunyuta kwangu, ndichashandura chiso changu, ndigonyemwerera,’ 28 ndinongotya kutambura kwangu, nokuti ndinoziva kuti imi hamuregi kundipa mhosva. 29 Sezvo ndatopiwa hangu mhosva, ko, ndichagotamburirei pasina? 30 Kunyange dai ndikazvishambidza nesipo uye ndikashamba maoko angu nesoda, 31 imi muchandinyudza mugomba rematope zvokuti kunyange nenguo dzangu dzichandisema. 32 “Iye haasi munhu akafanana neni kuti ndimupindure, kuti zvimwe iye neni tisangane mudare redzimhosva. 33 Dai chete paingova nomumwe angamira pakati pedu, kuti aise ruoko rwake patiri tose, 34 mumwe zvake angabvise shamhu yaMwari kwandiri, kuti kutyisa kwake kurege kundivhundutsazve. 35 Ipapo ndichataura ndisingamutyi, asi sezvazvakaita kwandiri iye zvino, handingakwanisi.

< Jobho 9 >