< Jobho 32 >

1 Saka varume vatatu ava vakarega kupindura Jobho, nokuti akanga akarurama pakuona kwake. 2 Asi Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, wemhuri yaRami, akatsamwira Jobho zvikuru nokuda kwokuzviruramisira kwake panzvimbo yokuti zviitwe naMwari. 3 Akatsamwirawo kwazvo shamwari nhatu idzi, nokuti vakanga vashayiwa nzira yokupikisa nayo Jobho, kunyange vakanga vambomupa mhosva. 4 Zvino Erihu akanga ambomira kutaura naJobho nokuti ivo vaiva vakuru kwaari. 5 Asi paakaona kuti varume vatatu ava vakanga vasisinazve chokureva, hasha dzake dzakamuka. 6 Saka Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi akati: “Ndiri muduku pamakore, uye imi muri vakuru; ndokusaka ndanga ndichitya, ndisingadi kukuudzai zvandinoziva. 7 Ndakafunga kuti, ‘Zera rinofanira kutaura; makore mazhinji anofanira kudzidzisa uchenjeri.’ 8 Asi ndiwo mweya uri mumunhu, kufema kwaWamasimba Ose, kunomupa kunzwisisa. 9 Havazi vakuru bedzi vakachenjera, kana vatana chete vanganzwisisa zvakanaka. 10 “Naizvozvo ndinoti: Nditeererei; neniwo ndichakuudzai zvandinoziva. 11 Ndakambomirira pamaitaura, ndakateerera pfungwa dzenyu; pamakanga muchitsvaka mashoko, 12 ndakanyatsokuteererai. Asi hakuna mumwe wenyu akapwisa Jobho; hakuna pamuri akapindura mashoko ake zvinogutsa. 13 Regai kuti, ‘Tawana uchenjeri; regai Mwari amukonese, kwete munhu.’ 14 Asi Jobho haana kunongedza mashoko ake kwandiri, uye handingamupinduri namashoko enyu. 15 “Vashamiswa uye havachina chokureva; vapererwa namashoko. 16 Ko, zvino ini ndingamirira here ivo zvavangonyarara, zvino zvavangomira ipapo vasina mhinduro? 17 Neniwo ndichava nechokutaura; neniwo ndichareva zvandinoziva. 18 Nokuti ndizere namashoko, uye mweya uri mandiri unondimanikidza; 19 mukati mangu ndafanana newaini iri muhomwe yakadzivirwa, sehomwe itsva dzewaini dzoda kuparuka. 20 Ndinofanira kutaura kuti ndirerukirwe; ndinofanira kushamisa muromo wangu ndigopindura. 21 Handina munhu wandichatsaura, uye handingabati kumeso munhu upi zvake; 22 nokuti dai ndaiva nyanzvi yokubata kumeso, Muiti wangu aizokurumidza kunditora.

< Jobho 32 >