< Jobho 3 >

1 Shure kwaizvozvo, Jobho akashamisa muromo wake ndokutuka zuva rokuberekwa kwake.
After this Job opened his mouth, and cursed his day.
2 Akati:
Job answered:
3 “Zuva rokuberekwa kwangu ngariparare, uye nousiku hwakanzi, ‘Kwaberekwa mwanakomana!’
"Let the day perish in which I was born, the night which said, 'A man is conceived.'
4 Zuva iroro ngarishanduke rive rima; Mwari wokudenga ngaarege kuva nehanya naro; Chiedza ngachirege kuvhenekera pamusoro paro.
Let that day be darkness. May God above not care about it, neither let the light shine on it.
5 Rima nomumvuri wakasviba ngazviritore zvakare; gore ngarigare pamusoro paro; kusviba ngakufukidze chiedza charo.
Let darkness and the shadow of death claim it for their own. Let a cloud dwell on it. Let the blackness of the day terrify it.
6 Usiku uhwo rima guru ngaribate; ngahurege kuverengwa pakati pamazuva egore kana kunyorwa pamwedzi ipi zvayo.
As for that night, let thick darkness seize on it. Let it not rejoice among the days of the year. Let it not come into the number of the months.
7 Usiku uhwo ngahushaye chibereko; ngaparege kunzwika kupembera kwomufaro mahuri.
Look, let that night be barren. Let no joyful voice come in it.
8 Vanotuka mazuva ngavatuke zuva iro, vaya vakagadzirira kumutsa Chikara Chikuru cheGungwa.
Let them curse it who curse the day, who are ready to rouse up leviathan.
9 Nyeredzi dzahwo dzamangwanani ngadzisvibe; ngahumirire chiedza chamasikati pasina uye ngahurege kuona hwerazuva hwamambakwedza;
Let the stars of its twilight be dark. Let it look for light, but have none, neither let it see the eyelids of the morning,
10 nokuti hahuna kundipfigira mikova yechizvaro kuti huvanze dambudziko pamberi pangu.
because it did not shut up the doors of my mother's womb, nor did it hide trouble from my eyes.
11 “Ko, ndakaregererei kufa pakuberekwa kwangu, nokufa pandaibuda mudumbu?
"Why did I not die from the womb? Why did I not give up the spirit when my mother bore me?
12 Mabvi akavapo seiko kuti andigamuchire namazamu kuti ndinwe?
Why did the knees receive me? Or why the breast, that I should suck?
13 Nokuti zvino ndingadai ndakavata murugare; ndingadai ndivete uye ndakazorora
For now should I have lain down and been quiet. I should have slept, then I would have been at rest,
14 namadzimambo namakurukota enyika, vakazvivakira nzvimbo dzava matongo zvino,
with kings and counselors of the earth, who built up waste places for themselves;
15 navatongi vakanga vane goridhe, vakazadza dzimba dzavo nesirivha.
or with princes who had gold, who filled their houses with silver:
16 Kana kuti sei ndisina kuvigwa muvhu somwana asina kusvika, somucheche asina kumboona chiedza chezuva?
or as a hidden untimely birth I had not been, as infants who never saw light.
17 Ikoko vakaipa vanorega kutambudza, uye ikoko vakaneta vakazorora.
There the wicked cease from troubling. There the weary are at rest.
18 Nhapwa dzinofarirawo rugare rwadzo; havachanzwizve kudanidzira kwomuchairi wenhapwa.
There the prisoners are at ease together. They do not hear the voice of the taskmaster.
19 Vaduku navakuru variko, uye nhapwa yakasunungurwa kubva pana tenzi wayo.
The small and the great are there. The servant is free from his master.
20 “Chiedza chinopirweiko vaya vari kusurukirwa, uye upenyu kune ane shungu pamwoyo,
"Why is light given to him who is in misery, life to the bitter in soul,
21 kuna vaya vanoshuva kufa irwo rusingauyi, vanorutsvaka kupfuura pfuma yakavanzika,
Who long for death, but it doesn't come; and dig for it more than for hidden treasures,
22 vazere nomufaro uye vanofara pavanosvika muguva?
who rejoice exceedingly, and are glad, when they can find the grave?
23 Upenyu hunopirweiko munhu ane nzira yakavanzika, iye akakomberedzwa naMwari noruzhowa?
Why is light given to a man whose way is hid, whom God has hedged in?
24 Nokuti mafemo anosvika kwandiri pachinzvimbo chezvokudya, kugomera kwangu kunodururwa semvura.
For my sighing comes before I eat. My groanings are poured out like water.
25 Zvandaitya zvakandivinga; zvandaizeza zvaitika kwandiri.
For the thing which I fear comes on me, That which I am afraid of comes to me.
26 Handina rugare, handina runyararo; handina zororo, asi nhamo chete.”
I am not at ease, neither am I quiet, neither have I rest; but trouble comes."

< Jobho 3 >