< Jobho 22 >

1 Ipapo Erifazi muTemani akapindura akati: 2 “Ko, munhu angabatsira Mwari here? Kunyange munhu akachenjera angamubatsira here? 3 Wamasimba Ose angawana mufaro weiko dai iwe wakarurama? Aibatsirwa neiko dai nzira dzako dzaiva dzakarurama? 4 “Imhaka yokumunamata kwako here zvaanokutsiura uyewo achikupa mhosva? 5 Zvakaipa zvako hazvina kukura here? Handiti zvivi zvako hazviperi? 6 Wakakumbira rubatso kuhama dzako pasina; wakatorera vanhu nguo dzavo, uchivasiya vasina kupfeka. 7 Wakanyima mvura vakaneta uye wakanyima vane nzara zvokudya, 8 kunyange wakanga uri munhu ane simba, ane minda yake, uri munhu anokudzwa, agere pairi. 9 Wakadzinga chirikadzi dzisina chinhu uye wakavhuna simba renherera. 10 Ndokusaka misungo yakakukomberedza, ndokusaka njodzi ichikuvhundutsa, 11 ndokusaka kuine rima usingakwanisi kuona, uye mafashamu emvura achikufukidza. 12 “Ko, Mwari haazi kumusoro kwokudenga here? Tarira kukwirira kwakaita nyeredzi dzokumusoro-soro! 13 Asi imi munoti, ‘Mwari anoziveiko? Ko, anotonga murima rakadai here? 14 Makore matema anomufukidza, saka haationi paanofamba-famba padenderedzwa ramatenga.’ 15 Ko, iwe ucharambira munzira yakare iya yakatsikwa navanhu vakaipa here? 16 Ivo vakabvutwa nguva yavo isati yasvika, hwaro hwavo hwakakukurwa namafashamu. 17 Vakati kuna Mwari, ‘Tisiyei takadaro! Wamasimba Ose angaiteiko kwatiri?’ 18 Sezvo ari iye akazadza dzimba dzavo nezvinhu zvakanaka, ndinomira kure namano avakaipa. 19 “Vakarurama vanoona kuparadzwa kwavo vagofara, vasina mhaka vanovaseka vachiti, 20 ‘Zvirokwazvo vadzivisi vedu vaparadzwa, uye moto unopedza pfuma yavo.’ 21 “Zviise pasi paMwari ugova norugare naye, nenzira iyi kubudirira kuchasvika kwauri. 22 Gamuchira kurayira kunobva mumuromo make uye uchengete mashoko ake mumwoyo. 23 Kana ukadzokera kuna Wamasimba Ose, uchadzoredzerwa: Kana ukabvisa zvakaipa uchizviisa kure netende rako, 24 uye ukaisa goridhe rako paguruva, iro goridhe rako rokuOfiri kumatombo okunzizi, 25 ipapo Wamasimba Ose achava goridhe rako, iyo sirivha yako yakanyatsosanangurwa. 26 Zvirokwazvo ipapo uchawana mufaro muna Wamasimba Ose, uye uchasimudzira chiso chako kuna Mwari. 27 Uchanyengetera kwaari, uye achakunzwa, uye iwe uchazadzisa zvawakapika. 28 Zvaunotaura sechirevo zvichaitika, uye chiedza chichavhenekera panzira dzako. 29 Vanhu pavanodzikiswa iwe ukati, ‘Vasimudzei!’ ipapo vakaderedzwa vachaponeswa. 30 Achadzikinura kunyange uyo ane mhosva, acharwirwa kubudikidza nokuchena kwamaoko ako.”

< Jobho 22 >