< Jeremia 31 >

1 “Panguva iyo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndichava Mwari wamarudzi ose aIsraeri, naivo vachava vanhu vangu.”
Ngalesosikhathi, itsho iNkosi, ngizakuba nguNkulunkulu wensapho zonke zakoIsrayeli; bona-ke bazakuba ngabantu bami.
2 Zvanzi naJehovha: “Vanhu vakapunyuka pamunondo vachawana nyasha mugwenga; ndichauya kuzopa zororo kuna Israeri.”
Itsho njalo iNkosi: Abantu babaseleyo benkemba bathola umusa enkangala; ngitsho uIsrayeli, lapho ngisiyamphumuza.
3 Jehovha akazviratidza kwatiri kare, achiti: “Ndakakudai norudo rusingaperi; ndakakukwevai nokunaka kworudo rwangu.
INkosi yabonakala kimi ikhatshana isithi: Yebo, ngikuthandile ngothando olulaphakade, ngakho-ke ngikudonsile ngothandolomusa.
4 Ndichakuvakazve, ipapo uchavakwa, iwe Mhandara Israeri. Uchatorazve matambureni ako ugoenda kundotamba navanofara.
Ngizabuya ngikwakhe, wakheke, wena ntombi emsulwa yakoIsrayeli; uzabuya uvunuliswe ngezigujana zakho, uphume phakathi kokugida kwabathokozayo.
5 Zvakare, muchasima minda yemizambiringa pamusoro pezvikomo zveSamaria; varimi vachaisima, vagofadzwa nezvibereko zvayo.
Uzabuya uhlanyele izivini phezu kwezintaba zeSamariya; abahlanyeli bazahlanyela, badle izithelo.
6 Pachava nezuva richadanidzira nharirire dziri pamusoro pezvikomo zveEfuremu, dzichiti, ‘Uyai, ngatikwidzei kuZioni, kuna Jehovha Mwari wedu.’”
Ngoba kuzakuba khona usuku abazamemeza ngalo abalindi entabeni yakoEfrayimi besithi: Sukumani, senyuke siye eZiyoni, eNkosini uNkulunkulu wethu.
7 Zvanzi naJehovha: “Imbirai Jakobho nomufaro; pururudzirai mukuru wendudzi. Paridzai, rumbidzai, muchiti, ‘Haiwa Jehovha, ponesai vanhu venyu, ivo vakasara vaIsraeri.’
Ngoba itsho njalo iNkosi: Mhlabeleleni uJakobe ngentokozo, limemezele phakathi kwenhloko yezizwe; zwakalisani, dumisani, lithi: Nkosi, sindisa abantu bakho, insali yakoIsrayeli.
8 Tarirai, ndichavauyisa vachibva kunyika yokumusoro, uye ndigovaunganidza kubva kumigumo yenyika. Pakati pavo pachava namapofu nezvirema, navanamai vane pamuviri navakadzi vanorwadziwa; boka guru richadzoka kuno.
Khangelani, ngizabaletha bevela elizweni lenyakatho, ngibabuthe emaceleni omhlaba; phakathi kwabo kukhona iziphofu labaqhulayo, abesifazana abakhulelweyo lababelethayo ndawonye; bazabuya lapha belibandla elikhulu.
9 Vachauya vachichema; vachanyengetera pandinenge ndichivadzosa. Ndichavafambisa nepahova dzemvura, napanzira yakati chechetere yavasingagumburwi, nokuti ndiri baba vaIsraeri, uye Efuremu ndiye dangwe rangu.
Bazabuya belokukhala, ngizabakhokhela belokuncenga; ngizabahambisa emifuleni yamanzi ngendlela eqondileyo, abangayikukhubeka kuyo; ngoba nginguyise kaIsrayeli, loEfrayimi ulizibulo lami.
10 “Inzwai shoko raJehovha imi ndudzi dzose; muriparidze kuzviwi zviri kure muchiti: ‘Iye akaparadzira Israeri ndiye achavaunganidza, uye achavachengeta somufudzi anochengeta boka ramakwai ake.’
Zwanini ilizwi leNkosi, lina zizwe, lilimemeze ezihlengeni ezikhatshana, lithi: Yena owachitha uIsrayeli uzambutha, amgcine, njengomelusi umhlambi wakhe.
11 Nokuti Jehovha achasunungura Jakobho, uye agovadzikinura kubva muruoko rwaivo vane simba kupinda ivo.
Ngoba iNkosi imhlengile uJakobe, yamhlawulela emsusa esandleni solamandla kulaye.
12 Vachauya vachipembera nomufaro pamusoro peZioni; vachafara nokupa zvakanaka kwaJehovha, nokuda kwezviyo, newaini itsva uye namafuta, makwayana nemombe. Vachafanana nebindu rakanyatsodiridzwa, uye havachazosuwazve.
Ngakho bazakuza bahlabelele ekuphakameni kweZiyoni, bagelezele kokuhle kweNkosi, ngamabele, langewayini elitsha, langamafutha, langamazinyane ezimvu, lenkomo; lomphefumulo wabo ube njengesivande esithelelweyo, kabasayikubuya babe losizi.
13 Ipapo varandakadzi vachatamba uye vachafara, majaya navatana vachafarawo. Ndichashandura kuchema kwavo kuti kuve mufaro; ndichavanyaradza uye ndichavapa mufaro pachinzvimbo chokusuwa.
Khona intombi izathokoza ekugideni, lamajaha labadala kanyekanye; ngoba ngizaphendula ukulila kwabo kube yintokozo, ngibaduduze, ngibathokozise, bangabi losizi.
14 Ndichagutsa vaprista nezvakawanda, uye vanhu vangu vachazadzwa nokupa zvakanaka kwangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Njalo ngizasuthisa umphefumulo wabapristi ngamanono, labantu bami bazasuthiswa ngokuhle kwami, itsho iNkosi.
15 Zvanzi naJehovha: “Inzwi rinonzwikwa muRama, rokuungudza nokuchema kukuru, Rakeri achichema vana vake uye achiramba kunyaradzwa, nokuti vana vake havachipo.”
Itsho njalo iNkosi: Ilizwi lezwakala eRama, ukulila, ukukhala inyembezi okubuhlungu kakhulu; uRasheli ekhalela abantwana bakhe, esala ukududuzwa ngabantwana bakhe, ngoba bengasekho.
16 Zvanzi naJehovha: “Dzora inzwi rako pakuchema nameso ako pamisodzi, nokuti basa rako richaripirwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vachadzoka vachibva kunyika yomuvengi.
Itsho njalo iNkosi: Bamba ilizwi lakho ekukhaleni, lamehlo akho ezinyembezini; ngoba kulomvuzo womsebenzi wakho, itsho iNkosi, ngoba bazabuya bevela elizweni lesitha.
17 Saka ramangwana rako rine tariro,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vana vako vachadzokera kunyika yavo.”
Kukhona-ke ithemba enzalweni yakho, itsho iNkosi; ngoba abantwana bakho bazabuyela emngceleni wakibo.
18 “Zvirokwazvo ndanzwa kuchema kwaEfuremu achiti: ‘Makandirova semhuru isina kupingudzwa, nokudaro ndakarangwa. Ndidzorei, ipapo ndichadzoka, nokuti imi ndimi Jehovha Mwari wangu.
Ngizwile lokuzwa uEfrayimi ezililelaesithi: Ungilayile, njalo ngalaywa njengethole elingathambanga; ngiphenduka, njalo ngizaphendula; ngoba uyiNkosi uNkulunkulu wami.
19 Mushure mokutsauka kwangu, ndakatendeuka; ndakati ndanzwisisa ndakazvirova chipfuva. Ndakanyadziswa uye ndakaninipiswa nokuti ndakatakura nyadzi dzouduku hwangu.’
Isibili emva kokuphenduka kwami, ngazisola, lemva kokufundiswa kwami ngatshaya phezu kwethangazi lami; ngaba lenhloni, njalo ngayangeka, ngoba ngathwala ihlazo lobutsha bami.
20 Ko, Efuremu haasi mwanakomana wangu anodikanwa, mwana anondifadza here? Kunyange ndichimupikisa kazhinji, ndinoramba ndichimurangarira. Naizvozvo, mwoyo wangu unomushuva; ndinomunzwira tsitsi kwazvo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
UEfrayimi uyindodana yami eligugu yini, ungumntwana wami othokozisayo yini? Ngoba selokhu ngakhuluma ngimelene laye, ngisamkhumbula ngoqotho; ngenxa yalokho imibilini yami iyakhala ngaye; isibili ngizakuba lesihawu kuye, kutsho iNkosi.
21 “Zvimisirei shongwe dzenzira; misai zvikwangwani. Cherechedzai mugwagwa mukuru, mugwagwa wamunofamba nawo. Dzoka, iwe Mhandara Israeri, dzokera kumaguta ako.
Zibekele izitshengiso zendlela, uzimisele izinsika zeziqondiso, ubeke inhliziyo yakho kumgwaqo omkhulu, indlela owahamba ngayo; phenduka, ntombi emsulwa yakoIsrayeli, uphendukele kule imizi yakini.
22 Uchadzungaira kusvikira rinhiko, iwe mwanasikana wokusatendeka? Jehovha achasika chinhu chitsva panyika, zvokuti mukadzi achambundikira murume.”
Koze kube nini uzulazula, ndodakazi ehlehlela nyovane? Ngoba iNkosi idale into entsha emhlabeni: Owesifazana uzahanqa indoda.
23 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: “Pandichavadzosazve kubva kuutapwa, vanhu vari munyika yeJudha nomumaguta ayo vachataurazve mashoko aya okuti, ‘Jehovha ngaakuropafadze, iwe ugaro hwakarurama, iwe gomo dzvene.’
Itsho njalo iNkosi yamabandla, uNkulunkulu kaIsrayeli: Bazabuya batsho lelilizwi elizweni lakoJuda lemizini yakho, lapho ngibuyisela ukuthunjwa kwabo: Kwangathi iNkosi ingakubusisa, khaya lokulunga, ntaba yobungcwele.
24 Vanhu vachagara pamwe chete muJudha nomumaguta ayo ose, varimi navaya vanofamba namapoka avo.
Njalo kuzahlala kulo uJuda layo yonke imizi yakhe ndawonye, abalimi labahamba lemihlambi.
25 Ndichasimbisa vanenge vaneta uye ndichagutsa vanenge vaziya.”
Ngoba ngisuthise umphefumulo okhatheleyo, ngigcwalise wonke umphefumulo ophela amandla.
26 Ipapo ndakamuka ndokuringa-ringa. Ndakanga ndarara zvakanaka.
Ngasengiphaphama, ngabona; lobuthongo bami babumnandi kimi.
27 “Mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichasima muimba yaIsraeri nomuimba yaJudha zvibereko zvavanhu nezvibereko zvemhuka.
Khangela, insuku ziyeza, itsho iNkosi, lapho ngizahlanyela indlu kaIsrayeli lendlu kaJuda ngenhlanyelo yabantu lenhlanyelo yenyamazana.
28 Sezvandakavarindira kuti ndidzure, ndikoromore, uye ndiwisire pasi, ndiparadze, ndiuyise njodzi, saizvozvo ndichavarindira, kuti ndivake uye ndisime,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Kuzakuthi-ke njengalokho ngibalindile ukuthi ngisiphune lokuthi ngidilize lokuthi ngichithe lokuthi ngibhubhise lokuthi ngenze okubi, ngokunjalo ngizabalinda ukuze ngakhe ngihlanyele, itsho iNkosi.
29 “Mumazuva iwayo vanhu havangazoti, “‘Madzibaba akadya mazambiringa anovava, mazino avana akaita hwadzira.’
Ngalezonsuku kabasayikuthi: Oyise badlile izithelo zevini ezimunyu, amazinyo abantwana asetshelela.
30 Asi, mumwe nomumwe achafa nokuda kwezvakaipa zvake; ani naani anodya mazambiringa anovava, mazino ake achaita hwadzira.
Kodwa ngulowo lalowo uzafela ububi bakhe; wonke umuntu odla izithelo zevini ezimunyu, amazinyo akhe azatshelela.
31 “Nguva inouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “yandichaita sungano itsva neimba yaIsraeri uye neimba yaJudha.
Khangela, insuku ziyeza, itsho iNkosi, lapho ngizakwenza isivumelwano esitsha lendlu kaIsrayeli lendlu kaJuda;
32 Haingazofanani nesungano yandakaita namadzitateguru avo, pandakavabata ruoko kuti ndivabudise munyika yeIjipiti, nokuti vakaputsa sungano yangu, kunyange ndakanga ndiri murume kwavari,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
kungeyisikho njengesivumelwano engasenza laboyise mhla ngibamba isandla sabo ukubakhupha elizweni leGibhithe, osivumelwano sami bona abasephulayo, lanxa mina ngangingumyeni wabo, itsho iNkosi.
33 “Iyi indiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri shure kwamazuva iwayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichaisa murayiro wangu mundangariro dzavo uye ndigounyora mumwoyo yavo. Ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.
Kodwa yilesi isivumelwano engizasenza lendlu kaIsrayeli emva kwalezonsuku, itsho iNkosi: Ngizafaka umlayo wami emibilini yabo, ngiwubhale enhliziyweni yabo, ngibe nguNkulunkulu wabo, labo babe ngabantu bami.
34 Hakuna munhu achadzidzisa muvakidzani wake kana hama yake, achiti, ‘Ziva Jehovha,’ nokuti vose vachandiziva, kubva kumuduku wavo kusvikira kumukuru,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nokuti ndichavakanganwira kuipa kwavo, uye handingarangaririzve zvivi zvavo.”
Kabasayikufundisa-ke, ngulowo lalowo umakhelwane wakhe, langulowo lalowo umfowabo, esithi: Yazi iNkosi; ngoba bonke bazangazi, kusukela komncinyane wabo kuze kufike komkhulu wabo, itsho iNkosi; ngoba ngizathethelela isiphambeko sabo, lesono sabo kangisayikusikhumbula.
35 Zvanzi naJehovha, iye anogadza zuva kuti rivhenekere masikati, anoisa chirevo kumwedzi nenyeredzi kuti zvivhenekere usiku, iye anomutsa gungwa kuti mafungu aro atinhire, Jehovha Wamasimba Ose, ndiro zita rake:
Itsho njalo iNkosi, enika ilanga libe yikukhanya emini, izimiso zenyanga lezezinkanyezi zibe yikukhanya ebusuku, enyakazisa ulwandle ukuze amagagasi alo ahlokome; iNkosi yamabandla libizo layo.
36 “Kana chete mitemo iyi ikabva pamberi pangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndiko kuti zvizvarwa zvaIsraeri zvigume kuva rudzi pamberi pangu.”
Uba lezozimiso zingasuka phambi kwami, itsho iNkosi, inzalo yakoIsrayeli layo izaphela ekubeni yisizwe phambi kwami zonke insuku.
37 Zvanzi naJehovha: “Kana chete matenga ari kumusoro akagona kuyerwa, uye nheyo dzenyika dziri pasi dzikagona kunzverwa, ipapo ndipo pandingarambe zvizvarwa zvaIsraeri nokuda kwezvose zvavakaita,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Itsho njalo iNkosi: Uba engalinganiswa amazulu phezulu, zihlolwe izisekelo zomhlaba phansi, lami ngizayala yonke inzalo yakoIsrayeli ngenxa yakho konke abakwenzileyo, itsho iNkosi.
38 “Mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichavakirazve guta kubva paShongwe yeHananeri kusvikira paSuo reKona.
Khangela, insuku ziyeza, itsho iNkosi, lapho umuzi uzakwakhelwa iNkosi, kusukela emphotshongweni kaHananeli kuze kufike esangweni leNgonsi.
39 Rwodzi rwokuyera ruchatandavara kubva ipapo kusvikira kuchikomo cheGarebhi ndokudzoka ruchisvika kuGoa.
Lentambo yokulinganisa isezaphuma maqondana layo kuze kube soqaqeni lweGarebi, iphendukele ngaseGowa.
40 Mupata wose unorasirwa zvitunha namadota, neminda yose kusvikira kuMupata weKidhironi kumabvazuva kusvikira kukona reSuo raMabhiza, zvichava zvitsvene kuna Jehovha. Guta harichazombodzurwi kana kuparadzwazve.”
Lesihotsha sonke sezidumbu lesomlotha, lawo wonke amasimu kuze kufike esifuleni seKidroni, kuze kufike engonsini yeSango lamabhiza ngempumalanga, kuzakuba yibungcwele beNkosi. Kakuyikusitshunwa kakusayikudilizwa kuze kube nininini.

< Jeremia 31 >