< Jeremia 29 >

1 Zvino aya ndiwo mashoko etsamba yakatumwa nomuprofita Jeremia kubva kuJerusarema ichienda kuvakuru vakanga vachiri vapenyu pakati pavatapwa, nokuvaprista navaprofita, navamwe vanhu vose vakanga vaendeswa kuutapwa kuBhabhironi naNebhukadhinezari vachibviswa kuJerusarema.
Now these are the words of the letter that Jeremiah the prophet sent from Jerusalem to the residue of the elders of the captivity, and to the priests, to the prophets, and to all the people, whom Nebuchadnezzar had carried away captive from Jerusalem to Babylon,
2 (Izvi zvakaitika shure kwokunge Mambo Jehoyakini namai vake, namachinda omuruvazhe rwamambo, navatungamiri veJudha neJerusarema, navavezi, navapfuri, vaendeswa kuutapwa vachibviswa kuJerusarema.)
(after that Jeconiah the king, the queen mother, the eunuchs, the officials of Judah and Jerusalem, the craftsmen, and the metal workers, had departed from Jerusalem),
3 Akaendesa tsamba iyi noruoko rwaErasa, mwanakomana waShafani, naGemaria mwanakomana waHirikia, avo vakatumwa naZedhekia mambo waJudha kuna Mambo Nebhukadhinezari kuBhabhironi. Yaiti:
by the hand of Elasah the son of Shaphan, and Gemariah the son of Hilkiah, (whom Zedekiah king of Judah sent to Babylon to Nebuchadnezzar king of Babylon), saying,
4 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, kuna vose vandakaendesa kuutapwa kuBhabhironi vachibva kuJerusarema:
"Thus says Jehovah of hosts, the God of Israel, to all the captivity, whom I have caused to be carried away captive from Jerusalem to Babylon:
5 “Zvivakirei dzimba mugare; murime mapindu mugodya zvibereko zvawo.
'Build houses, and dwell in them; and plant gardens, and eat their fruit.
6 Wananai mugova navanakomana navanasikana; tsvakirai vanakomana venyu vakadzi uye muwanise vanasikana venyu, kuti naivowo vave navanakomana navanasikana. Muwande ikoko; musadzikira pakuwanda.
Take wives, and father sons and daughters; and take wives for your sons, and give your daughters to husbands, that they may bear sons and daughters; and multiply there, and do not be diminished.
7 Uyezve, mutsvake rugare nokubudirira kweguta randakakuendesai kuutapwa. Murinyengeterere kuna Jehovha, nokuti kana rikabudirira, nemiwo muchabudirira.”
Seek the peace of the city where I have caused you to be carried away captive, and pray to Jehovah for it; for in its peace you shall have peace.'
8 Nokuti, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, “Musarega vaprofita navavuki vari pakati penyu vachikunyengerai. Musateerera kurota kwamunovakurudzira kuti varote.
For thus says Jehovah of hosts, the God of Israel: 'Do not let your prophets who are in the midst of you, and your diviners, deceive you; neither listen to your dreams which you cause to be dreamed.
9 Vanokuprofitirai nhema muzita rangu. Handina kuvatuma,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
For they prophesy falsely to you in my name: I have not sent them,' says Jehovah.
10 Nokuti zvanzi naJehovha: “Panopera makore makumi manomwe eBhabhironi, ndichauyazve kwamuri ndigozadzisa zvakanaka zvandakavimbisa kuti ndichakudzoserai kunzvimbo ino.
"For thus says Jehovah, 'After seventy years are accomplished for Babylon, I will visit you, and perform my good word toward you, in causing you to return to this place.
11 Nokuti ndinoziva urongwa hwandinahwo pamusoro penyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “urongwa hwokuti mubudirire, kwete kukuitirai zvakaipa, urongwa hunokupai tariro neramangwana rakanaka.
For I know the plans that I have for you,' says Jehovah, 'plans for your welfare, and not for calamity, to give you hope and a future.
12 Ipapo muchadana kwandiri uye muchauya kuzonyengetera kwandiri, neni ndichakunzwai.
You shall call on me, and you shall go and pray to me, and I will listen to you.
13 Muchanditsvaka mukandiwana, pamunonditsvaka nemwoyo yenyu yose.
You shall seek me, and find me, when you shall search for me with all your heart.
14 Ndichawanikwa nemi,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichakudzosai kubva kuutapwa. Ndichakuunganidzai kubva kundudzi dzose nokunzvimbo dzandakanga ndakudzingirai,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye ndichakudzoseraizve kunzvimbo yandakanga ndakubudisai ndichikuendesai kuutapwa.”
I will be found by you,' says Jehovah, 'and I will turn again your captivity, and I will gather you from all the nations, and from all the places where I have driven you,' says Jehovah; 'and I will bring you again to the place from where I caused you to be carried away captive.'
15 Imi mungati henyu, “Jehovha akatimutsira vaprofita muBhabhironi,”
"Because you have said, 'Jehovah has raised us up prophets in Babylon';
16 asi zvanzi naJehovha pamusoro pamambo achagara pachigaro choushe chaDhavhidhi navanhu vose vanosara vari muguta rino, vanhu venyika yenyu vasina kuenda nemi kuutapwa,
thus says Jehovah concerning the king who sits on the throne of David, and concerning all the people who dwell in this city, your brothers who haven't gone forth with you into captivity;
17 hongu, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Ndichatuma munondo, nzara nedenda pamusoro pavo uye ndichavaita samaonde akaipa akaora zvokuti haangadyiwi.
thus says Jehovah of hosts; 'Look, I will send on them the sword, the famine, and the pestilence, and will make them like vile figs, that can't be eaten, they are so bad.
18 Ndichavatevera nomunondo, nzara nedenda uye ndichavaita chinhu chinovengwa noushe hwose hwenyika uye chinhu chinotukwa, nechinotyisa, nechinosekwa, nechinoshorwa pakati pendudzi dzose kwandakavadzingira.
I will pursue after them with the sword, with the famine, and with the pestilence, and will deliver them to be tossed back and forth among all the kingdoms of the earth, to be an object of horror, and an astonishment, and a hissing, and a reproach, among all the nations where I have driven them;
19 Nokuti havana kuteerera kumashoko angu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “mashoko andakatuma ndatumazve kwavari navaranda vangu vaprofita. Nemiwo vakatapwa makaramba kuateerera,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
because they have not listened to my words,' says Jehovah, 'with which I sent to them my servants the prophets, rising up early and sending them; but you would not hear,' says Jehovah.
20 Naizvozvo, chinzwai shoko raJehovha, imi mose makatapwa vandakadzingira kuBhabhironi muchibva kuJerusarema.
'Hear therefore the word of Jehovah, all you of the captivity, whom I have sent away from Jerusalem to Babylon.'
21 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, pamusoro paAhabhu mwanakomana waKoraya naZedhekia mwanakomana waMaaseya, vari kukuprofitirai nhema muzita rangu: “Ndichavaisa muruoko rwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uye achavauraya pamberi penyu muchizviona.
"Thus says Jehovah of hosts, the God of Israel, concerning Ahiab the son of Kolaiah, and concerning Zedekiah the son of Maaseiah, who prophesy a lie to you in my name: 'Look, I will deliver them into the hand of Nebuchadnezzar king of Babylon; and he shall kill them before your eyes;
22 Nokuda kwavo, vatapwa vose vakabva kuJudha vari muBhabhironi vachashandisa chituko ichi: ‘Jehovha akuitire sezvaakaita kuna Zedhekia naAhabhu avo vakapiswa mumoto namambo weBhabhironi.’
and of them shall be taken up a curse by all the captives of Judah who are in Babylon, saying, "Jehovah make you like Zedekiah and like Ahiab, whom the king of Babylon roasted in the fire";
23 Nokuti vakaita zvinhu zvinonyangadza muIsraeri; vakaita upombwe navakadzi vavavakidzani vavo uye vakareva nhema muzita rangu, izvo zvandisina kuvaudza kuti vaite. Ndinozviziva uye ndiri chapupu chazvo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
because they have worked folly in Israel, and have committed adultery with their neighbors' wives, and have spoken words in my name falsely, which I did not command them; and I am he who knows, and am witness,' says Jehovah."
24 Udza Shemaya muNeherami kuti,
"Concerning Shemaiah the Nehelamite you shall speak, saying,
25 “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Wakatumira matsamba muzita rako kuvanhu vose vomuJerusarema, kuna Zefania mwanakomana waMaaseya muprista, nokuna vamwe vaprista vose. Wakati kuna Zefania,
'Thus speaks Jehovah of hosts, the God of Israel, saying, "Because you have sent letters in your own name to all the people who are at Jerusalem, and to Zephaniah the son of Maaseiah, the priest, and to all the priests, saying,
26 ‘Jehovha akakugadza kuva muprista panzvimbo yaJehoyadha kuti uve mutariri weimba yaJehovha; unofanira kuisa muchitokisi nomumangetani munhu upi zvake anopenga achiita somuprofita.
'Jehovah has made you priest in the place of Jehoiada the priest, that there may be officers in the house of Jehovah, for every man who is mad, and makes himself a prophet, that you should put him in the stocks and in shackles.
27 Saka wakaregererei kuranga Jeremia weAnatoti, anozviti muprofita pakati penyu?
Now therefore, why have you not rebuked Jeremiah of Anathoth, who makes himself a prophet to you,
28 Akatuma shoko iri kwatiri paBhabhironi, achiti: Zvichatora nguva yakareba. Naizvozvo zvivakirei dzimba mugogara; murime mapindu mugodya zvibereko zvawo.’”
because he has sent to us in Babylon, saying, "The captivity is long: build houses, and dwell in them; and plant gardens, and eat their fruit?"'"'
29 Uye, Zefania muprista akaverengera muprofita Jeremia tsamba iyi.
Zephaniah the priest read this letter in the ears of Jeremiah the prophet.
30 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti,
Then came the word of Jehovah to Jeremiah, saying,
31 “Tumira shoko iri kuvatapwa vose, uti, ‘Zvanzi naJehovha pamusoro paShemaya, muNeherami: Nokuti Shemaya akuprofitirai, kunyange ini ndisina kumutuma, uye aita kuti mutende nhema,
"Send to all them of the captivity, saying, 'Thus says Jehovah concerning Shemaiah the Nehelamite: "Because Shemaiah has prophesied to you, and I did not send him, and he has caused you to trust in a lie;
32 zvanzi naJehovha: Zvirokwazvo ndicharanga Shemaya muNeherami nezvizvarwa zvake. Haangavi nomunhu achasara pakati pavanhu ava, kana kuona zvinhu zvakanaka zvandichaitira vanhu vangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, nokuti akaparidza zvokundimukira.’”
therefore," thus says Jehovah, "Look, I will punish Shemaiah the Nehelamite, and his offspring; he shall not have a man to dwell among this people, neither shall he see the good that I will do to my people, says Jehovah, because he has spoken rebellion against Jehovah."'"

< Jeremia 29 >