< Isaya 35 >

1 Gwenga nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo uye richatumbuka; seruva, 2 richatumbuka; richafara zvikuru uye richapembera nomufaro. Mbiri yeRebhanoni ichapiwa kwariri, kunaka kweKarimeri neSharoni; vachaona kubwinya kwaJehovha, nokunaka kwaMwari wedu. 3 Simbisai maoko asina simba, tsigirai mabvi anodedera; 4 muti kuna avo vane mwoyo inotya, “Simbai, musatya; Mwari wenyu achauya, achauya nokutsiva, nokuripira kutsvene achauya kuzokuponesai.” 5 Ipapo meso amapofu achasvinudzwa uye nzeve dzematsi dzichazarurwa. 6 Ipapo akaremara achakwakuka senondo, uye rurimi rwechimumu ruchaimba nomufaro. Mvura ichatubuka murenje, uye nehova dzemvura mugwenga. 7 Jecha rinopisa richashanduka rikava dziva, ivhu rine nyota richava zvitubu zvemvura. Maigara makava noumo maaimbovata, muchamera uswa, netsanga nenhokwe. 8 Ipapo pachava nomugwagwa; uchanzi Nzira yoUtsvene. Vane tsvina havangazofambi mairi; ichava yaivavo vanofamba muNzira iyoyo; vakaipa namapenzi havangazofambi mairi. 9 Hapangavi neshumba ipapo, kana chikara chipi zvacho chichawanikwapo. Asi vakadzikinurwa voga ndivo vachafambamo, 10 uye vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka. Vachapinda muZioni vachiimba; mufaro usingaperi uchava pamusoro pavo. Vachawana mufaro nokufarisisa, kusuwa nokuneta zvichatiza.

< Isaya 35 >