< Isaya 29 >

1 Une nhamo iwe Arieri, Arieri, guta raigara Dhavhidhi! Wedzera gore pagore; uye regai nguva dzemitambo yenyu dzirambe dziripo.
अरीएल पर अफ़सोस अरीएल उस शहर पर जहाँ दाऊद ख़ेमाज़न हुआ साल पर साल ज़्यादा करो, 'ईद पर 'ईद मनाई जाए।
2 Kunyange zvakadaro, ndichakomba Arieri; pachava nokuungudza uye nokuchema, richafanana nechoto chearitari kwandiri.
तोभी मैं अरीएल को दुख दूँगा, और वहाँ नौहा और मातम होगा लेकिन मेरे लिए वह अरीएल ही ठहरेगा।
3 Ndichakukomba kumativi ose; ndichakukomberedza neshongwe uye ndichavaka nhare dzokurwa newe.
मैं तेरे ख़िलाफ़ चारों तरफ़ ख़ेमाज़न हूँगा और मोर्चा बंदी करके तेरा मुहासरा करूँगा और तेरे ख़िलाफ़ दमदमा बाधूँगा।
4 Uchadzikisirwa pasi, uchataura uri pasi; kutaura kwako kuchabva muguruva. Inzwi rako richava seresvikiro rinobva pasi muvhu; kutaura kwako kuchaita zevezeve kuchibva muguruva.
और तू पस्त होगा, और ज़मीन पर से बोलेगा, और ख़ाक पर से तेरी आवाज़ धीमी आयेगी तेरी सदा भूत की सी होगी जो ज़मीन के अन्दर से निकलेगी, और तेरी बोली ख़ाक पर से चुरुगने की आवाज़ मा'लूम होगी।
5 Asi vavengi vako vazhinji vachava seguruva rakatsetseka, vane utsinye vachafanana nehundi inopepereswa. Pakarepo, nokukurumidza
लेकिन तेरे दुश्मनों का ग़ोल बारीक गर्द की तरह होगा, और उन ज़ालिमों के गिरोह उड़नेवाले भूसे की तरह होगी; और यह अचानक एक दम में वाके़' होगा
6 Jehovha Wamasimba Ose achauya nokutinhira nokudengenyeka kwenyika, uye nemheremhere huru, nechamupupuri, nedutu guru uye nomurazvo womoto unoparadza zvose.
रब्ब — उल — अफ़वाज ख़ुद गरजने और ज़लज़ले के साथ, और बड़ी आवाज़ और बड़ी आँधी और तूफ़ान और आग के मुहलिक़ शो'ले के साथ तुझे सज़ा देने को आएगा।
7 Ipapo mhomho dzendudzi dzose dzakawanda dzinorwa neArieri, dzinorirwisa iro nenhare dzaro uye dzinorikomba, zvichaita sokurota, nechiratidzo chinoonekwa usiku,
और उन सब क़ौमों का गिरोह जो अरीएल से लड़ेगा, या'नी वह सब जो उससे और उसके क़िले' से जंग करेंगे और उसे दुख देंगे, ख़्वाब या रात के ख़्वाब की तरह हो जायेंगे।
8 sezvinoitwa nomunhu ane nzara anorota achidya, asi apepuka, anowana nzara yake ichiripo; sezvinoita munhu ane nyota anorota achinwa mvura, asi omuka achiziya, nyota yake isina kupera. Naizvozvo ndizvo zvichaitawo marudzi ose akawanda anorwa neGomo reZioni.
जैसे भूका आदमी ख़्वाब में देखे कि खा रहा है, जाग उठे और उसका जी न भरा हो; प्यासा आदमी ख़्वाब में देखे कि पानी पी रहा है, जाग उठे और प्यास से बेताब हो' उसकी जान आसूदा न हो; ऐसा ही उन सब क़ौमों के गिरोह का हाल होगा जो सिय्यून पहाड़ से जंग करती हैं।
9 Katyamarai uye mushamiswe, zvipofumadzei muve vasingaoni; dhakwai asi kwete newaini; dzedzerekai asi kwete nedoro.
ठहर जाओ औरत'अज्जुब करो, ऐश — ओ — 'इशरत करो और अन्धे हो जाओ, वह मस्त हैं लेकिन मय से नहीं, वह लड़खड़ाते हैं लेकिन नशे में नहीं।
10 Jehovha akauyisa pamusoro penyu hope huru; Akafukidza meso enyu, vaprofita; akafukidza misoro yenyu, vaoni.
क्यूँकि ख़ुदावन्द ने तुम पर गहरी नींद की रूह भेजी है, और तुम्हारी आँखों या'नी नबियों को नाबीना कर दिया; और तुम्हारे सिरों या'नी ग़ैबबीनों पर हिजाब डाल दिया:
11 Nokuti kwamuri, chiratidzo ichi hachizi chinhu asi mashoko akanamirwa murugwaro. Uye kana mukapa rugwaro kuno mumwe munhu anogona kuverenga, mukati kwaari, “Ndapota, verenga izvi,” achapindura achiti, “Handikwanisi, nokuti rwakanamirwa.”
और सारी रोया तुम्हारे नज़दीक सरबमुहर किताब के मज़मून की तरह होगी, जिसे लोग किसी पढ़े लिखे को दें और कहें कि इसको पढ़ और वह कहे, पढ़ नहीं सकता, क्यूँकि यह सर — ब — मुहर है।
12 Kana kuti mukapa rugwaro kuno mumwe asingagoni kuverenga, mukati kwaari, “Ndapota, verenga izvi,” achapindura achiti, “Handigoni kuverenga.”
और फिर वह किताब किसी नाख़्वान्दा को दें और कहें, इसको पढ़ और वह कहे, मैं तो पढ़ना नहीं जानता।”
13 Ishe anoti: “Vanhu ava vanoswedera kwandiri nemiromo yavo, uye vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni. Kundinamata kwavo kwangova kwemitemo inodzidziswa navanhu chete.
फिर ख़ुदावन्द फ़रमाता है, चूँकि यह लोग ज़बान से मेरी नज़दीकी चाहते हैं और होठों से मेरी ता'ज़ीम करते हैं लेकिन इनके दिल मुझसे दूर हैं मेरा ख़ौफ़ जो इनको हुआ सिर्फ़ आदियों की ता'लीम सुनने से हुआ।
14 Naizvozvo ndichashamisa vanhu ava zvakare nechishamiso pamusoro pechishamiso; uchenjeri hwavakachenjera huchaparadzwa, zivo yavane zivo ichapera.”
इसलिए मैं इन लोगों के साथ 'अजीब सुलूक करूँगा, जो हैरत अंगेज़ और ता'अज्जुब ख़ेज़ होगा और इनके 'आक़िलों की 'अक़्ल ज़ायल हो जाएगी और इनके समझदारों की समझ जाती रहेगी।
15 Vane nhamo avo vanosvika kwakadzika dzika kuti vavanzire Jehovha mano avo, vanoita mabasa avo murima vachifunga mumwoyo yavo kuti, “Ndiani anotiona? Ndiani achaziva?”
उन पर अफ़सोस जो अपनी मश्वरत ख़ुदावन्द से छिपाते हैं', जिनका कारोबार अन्धेरे में होता है और कहते हैं, कौन हम को देखता है? कौन हम को पहचानता है?
16 Munoshandura mamiriro ezvinhu, sezvinonzi muumbi wehari anonzi ndiye ivhu! Ko, chakaumbwa chingati kuna iye akachiumba, “Iye haana kundiita?” Ko, hari ingati kumuumbi, “Iye haana chaanoziva?”
आह तुम कैसे टेढे हो! क्या कुम्हार मिट्टी के बराबर गिना जाएगा या मसनू'अ अपने सानि'अ से कहेगा, कि मैं तेरी सन'अत नहीं क्या मख़लूक़ अपने ख़ालिक़ से कहेगा, कि तू कुछ नहीं जानता?
17 Ko, Rebhanoni haingashandurwi ikava munda wakaorera muchinguva chidiki, uye munda wakaorera ugoita kunge dondo?
क्या थोड़ा ही 'अरसा बाक़ी नहीं कि लुबनान शादाब मैदान हो जाएगा, शादाब मैदान जंगल गिना जाएगा?
18 Pazuva iro vanamati vachanzwa shoko rorugwaro, uye meso amapofu achaona ari pakasviba naparima.
और उस वक़्त बहरे किताब की बातें सुनेंगे और अंधों की आँखें तारीकी और अन्धेरे में से देखेंगी।
19 Zvakare vanozvininipisa vachafara muna Jehovha; vanoshayiwa vachafara muMutsvene waIsraeri.
तब ग़रीब ख़ुदावन्द में ज़्यादा ख़ुश होंगे और ग़रीब मोहताज इस्राईल के क़ुद्दूस में शादमान होंगे।
20 Vane utsinye vachaparadzwa, vaseki vachanyangarika, uye vose vane ziso rinofarira zvakaipa vachaurayiwa,
क्यूँकि ज़ालिम फ़ना हो जाएगा, और ठठ्ठा करनेवाला हलाक होगा; और सब जो बदकिरदारी के लिए बेदार रहते हैं, काट डाले जाएँगे;
21 avo vanopomera munhu mhosva neshoko chete, vanoisira musungo kuna anoruramisira mudare, uye nouchapupu hwenhema, vanokonesa kururamisirwa kwavasina mhosva.
या'नी जो आदमी को उसके मुक़द्दमे में मुजरिम ठहराते, और उसके लिए जिसने 'अदालत से फाटक पर मुक़द्दमा फै़सल किया फंदा लगाते और रास्तबाज़ को बेवजह बरगश्ता करते हैं।
22 Naizvozvo izvi ndizvo zvinotaura Jehovha, akadzikinura Abhurahama, achiti kuimba yaJakobho: “Jakobho haachazonyadziswizve; zviso zvavo hazvichazocheneruki.
इसलिए ख़ुदावन्द जो अब्रहाम का नजात देनेवाला है, या'क़ूब के ख़ान्दान के हक़ में यूँ फ़रमाता है, “कि या'क़ूब अब शर्मिन्दा न होगा, वह हरगिज़ ज़र्द रू न होगा।
23 Pavachaona vana vavo pakati pavo, iro basa ramaoko angu, vachachengeta zita rangu muutsvene; vachaziva utsvene hwoMutsvene waJakobho, uye vachamira vachitya Mwari waIsraeri.
बल्कि उसके फ़र्ज़न्द अपने बीच मेरी दस्तकारी देख कर मेरे नाम की तक़दीस करेंगे; हाँ या'क़ूब के क़ुद्दूस की तक़्दीस करेंगे और इस्राईल के ख़ुदा से डरेंगे।
24 Vakarasika pamweya vachawana njere; vanonyunyuta vachagamuchira kurayirwa.”
और वह भी जो रूह में गुमराह हैं, फ़हम हासिल करेंगे और बुड़बुड़ाने वाले ता'लीम पज़ीर होंगे।”

< Isaya 29 >