< Isaya 19 >

1 Chirevo pamusoro peIjipiti: Tarirai, Jehovha akatasva gore rinomhanya, uye ari kuuya kuIjipiti. Zvifananidzo zveIjipiti zviri kudedera pamberi pake, uye mwoyo yavaIjipita yonyungudika mukati mavo.
Oracle sur l’Égypte. Voici, l’Éternel est monté sur une nuée rapide, il vient en Égypte; Et les idoles de l’Égypte tremblent devant lui, Et le cœur des Égyptiens tombe en défaillance.
2 “Ndichakuchidzira kumukirana pakati pavaIjipita, mununʼuna acharwa nomukoma, muvakidzani acharwa nowaakavakidzana naye, guta richarwisana nerimwe guta, umambo hucharwisana nohumwe umambo.
J’armerai l’Égyptien contre l’Égyptien, Et l’on se battra frère contre frère, ami contre ami, Ville contre ville, royaume contre royaume.
3 VaIjipita vachaora mwoyo, uye ndichaita kuti zvavanoronga zvive pasina; vachabvunza zvifananidzo nemweya yavakafa, nokumasvikiro navavuki.
L’esprit de l’Égypte disparaîtra du milieu d’elle, Et j’anéantirai son conseil; On consultera les idoles et les enchanteurs, Ceux qui évoquent les morts et ceux qui prédisent l’avenir.
4 Ndichaisa vaIjipita mumaoko amambo ano utsinye uye mambo anotyisa achatonga pamusoro pavo,” ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha Wamasimba Ose.
Et je livrerai l’Égypte entre les mains d’un maître sévère; Un roi cruel dominera sur eux, Dit le Seigneur, l’Éternel des armées.
5 Mvura yomurwizi ichapwa, uye mahombekombe erwizi achapwa agova akaoma.
Les eaux de la mer tariront, Le fleuve deviendra sec et aride;
6 Migero ichanhuhwa; hova dzeIjipiti dzichaderera uye dzichapwa. Tsanga nenhokwe zvichauna,
Les rivières seront infectes, Les canaux de l’Égypte seront bas et desséchés, Les joncs et les roseaux se flétriront.
7 uyewo zvinomera zvichitevedza Nairi, pamuromo werwizi. Minda yose yakadyarwa mujinga meNairi ichaoma, mbesa dzichapeperetswa nemhepo, hazvingazovapozve.
Ce ne sera que nudité le long du fleuve, à l’embouchure du fleuve; Tout ce qui aura été semé près du fleuve se desséchera, Se réduira en poussière et périra.
8 Vabati vehove vachagomera uye vagorira, vose vanokanda zviredzo muna Nairi; vaya vanokanda mimbure pamusoro pemvura vacharukutika.
Les pêcheurs gémiront, Tous ceux qui jettent l’hameçon dans le fleuve se lamenteront, Et ceux qui étendent des filets sur les eaux seront désolés.
9 Vanobata neshinda yakanaka vachapera simba, varuki vemicheka yakanaka vachashaya tariro.
Ceux qui travaillent le lin peigné Et qui tissent des étoffes blanches seront confus.
10 Vanobata nemicheka vachaora mwoyo, uye vose vanobatira mubayiro vacharwadziwa mwoyo.
Les soutiens du pays seront dans l’abattement, Tous les mercenaires auront l’âme attristée.
11 Machinda eZoani haasi chinhu asi mapenzi; makurukota aFaro akachenjera anopa zano risina mano. Mungareva sei kuna Faro, kuti, “Ndini mumwe wavakachenjera, mudzidzi wamadzimambo akare?”
Les princes de Tsoan ne sont que des insensés, Les sages conseillers de Pharaon forment un conseil stupide. Comment osez-vous dire à Pharaon: Je suis fils des sages, fils des anciens rois?
12 Zvino vakachenjera venyu varipiko? Ngavakuratidzei uye vakuzivisei zvakafungwa naJehovha Wamasimba Ose pamusoro peIjipiti.
Où sont-ils donc tes sages? Qu’ils te fassent des révélations, Et qu’on apprenne ce que l’Éternel des armées a résolu contre l’Égypte.
13 Machinda eZoani ava mapenzi, vatungamiri veMemufisi vanyengerwa; mabwe ekona amarudzi avo atsausa Ijipiti.
Les princes de Tsoan sont fous, Les princes de Noph sont dans l’illusion, Les chefs des tribus égarent l’Égypte;
14 Jehovha akadururira mavari mweya wedzungu; vanoita kuti Ijipiti idzedzereke mune zvose zvainoita, sezvinoita chidhakwa chinodzedzereka mumarutsi acho.
L’Éternel a répandu au milieu d’elle un esprit de vertige, Pour qu’ils fassent chanceler les Égyptiens dans tous leurs actes, Comme un homme ivre chancelle en vomissant.
15 Hapana chingaitwa neIjipiti, musoro kana muswe, davi romuchindwe kana rushanga.
Et l’Égypte sera hors d’état de faire Ce que font la tête et la queue, La branche de palmier et le roseau.
16 Pazuva iro, vaIjipita vachafanana navakadzi. Vachadedera nokutya panosimudzwa ruoko rwaJehovha Wamasimba Ose pamusoro pavo.
En ce jour, l’Égypte sera comme des femmes: Elle tremblera et aura peur, En voyant s’agiter la main de l’Éternel des armées, Quand il la lèvera contre elle.
17 Uye nyika yeJudha ichava chinhu chinotyisa kuvaIjipita; mumwe nomumwe achanzwa nezvaJudha achatya, nokuda kwezvinofungwa naJehovha Wamasimba Ose pamusoro pavo.
Et le pays de Juda sera pour l’Égypte un objet d’effroi: Dès qu’on lui en parlera, elle sera dans l’épouvante, A cause de la résolution prise contre elle par l’Éternel des armées.
18 Pazuva iro, maguta mashanu omuIjipiti achataura mutauro weKenani uye vachapikira vachazvipira kuna Jehovha Wamasimba Ose. Rimwe racho richanzi Guta roKuparadza.
En ce temps-là, il y aura cinq villes au pays d’Égypte, Qui parleront la langue de Canaan, Et qui jureront par l’Éternel des armées: L’une d’elles sera appelée ville de la destruction.
19 Pazuva iro, pachava nearitari kuna Jehovha mukati chaimo meIjipiti, nembiru kuna Jehovha pamuganhu wayo.
En ce même temps, il y aura un autel à l’Éternel Au milieu du pays d’Égypte, Et sur la frontière un monument à l’Éternel.
20 Ichava chiratidzo nechapupu kuna Jehovha Wamasimba Ose munyika yeIjipiti. Pavanodanidzira kuna Jehovha nokuda kwavamanikidzi vavo, achavatumira muponesi nomurwiri, ipapo achavanunura.
Ce sera pour l’Éternel des armées un signe et un témoignage Dans le pays d’Égypte; Ils crieront à l’Éternel à cause des oppresseurs, Et il leur enverra un sauveur et un défenseur pour les délivrer.
21 Saka Jehovha achazviratidza kuvaIjipita, uye pazuva iro vachaziva Jehovha. Vachanamata nezvibayiro uye nezvipiriso zvezviyo; vachaita mhiko kuna Jehovha uye vagodzichengeta.
Et l’Éternel sera connu des Égyptiens, Et les Égyptiens connaîtront l’Éternel en ce jour-là; Ils feront des sacrifices et des offrandes, Ils feront des vœux à l’Éternel et les accompliront.
22 Jehovha acharova Ijipiti nehosha; acharova agovarapazve. Vachatendeukira kuna Jehovha, uye achapindura mikumbiro yavo nokuvarapa.
Ainsi l’Éternel frappera les Égyptiens, Il les frappera, mais il les guérira; Et ils se convertiront à l’Éternel, Qui les exaucera et les guérira.
23 Pazuva iro, pachava nenzira huru ichabva kuIjipiti ichienda kuAsiria. VaAsiria vachaenda kuIjipiti uye vaIjipita vachaendawo kuAsiria. VaIjipita navaAsiria vachanamata pamwe chete.
En ce même temps, il y aura une route d’Égypte en Assyrie: Les Assyriens iront en Égypte, et les Égyptiens en Assyrie, Et les Égyptiens avec les Assyriens serviront l’Éternel.
24 Pazuva iro Israeri ichava yechitatu, ichitevera Ijipiti neAsiria, ichava ropafadzo panyika.
En ce même temps, Israël sera, lui troisième, Uni à l’Égypte et à l’Assyrie, Et ces pays seront l’objet d’une bénédiction.
25 Jehovha Wamasimba Ose achavaropafadza achiti, “Ngavaropafadzwe vaIjipita vanhu vangu, navaAsiria, basa ramaoko angu, navaIsraeri, nhaka yangu.”
L’Éternel des armées les bénira, en disant: Bénis soient l’Égypte, mon peuple, Et l’Assyrie, œuvre de mes mains, Et Israël, mon héritage!

< Isaya 19 >