< Isaya 12 >

1 Pazuva iro muchati, “Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, kunyange makanga makanditsamwira, kutsamwa kwenyu kwakadzorwa uye makandinyaradza. 2 Zvirokwazvo Mwari ndiye ruponeso rwangu; ndichavimba naye uye handingatyi. Jehovha, Jehovha ndiye simba rangu nerwiyo rwangu; ava ruponeso rwangu.” 3 Nomufaro muchachera mvura kubva mumatsime oruponeso. 4 Pazuva iro muchati, “Vongai Jehovha, danai kuzita rake; zivisai zvaakaita pakati pendudzi, uye muparidze kuti zita rake risimudzirwe. 5 Imbirai Jehovha, nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa; izvi ngazvizivikanwe pasi pose. 6 Pururudzai uye muimbe nomufaro, imi vanhu veZioni, nokuti Mutsvene waIsraeri mukuru pakati penyu.”

< Isaya 12 >